Site uses cookies to provide basic functionality.

OK
HEBREWS
1 2 3 4 5 6 7 8 9 10 11 12 13
Prev Up Next Toggle notes
Chapter 2
Hebr Shona 2:1  Nekuda kweizvozvi tinofanira kuchenjerera zvikuru kuzvinhu zvatakanzwa, zvimwe tingakukurwa.
Hebr Shona 2:2  Nokuti kana shoko rakataurwa nevatumwa rakange rakasimba, uye kudarika kwese nekusateerera kwakagamuchira kutsiva kwakarurama,
Hebr Shona 2:3  isu tichapukunyuka sei kana tisina hanya neruponeso rukuru rwakadai? Irwo pakutanga rwakataurwa naIshe, rukasimbiswa kwatiri naivo vakanzwa,
Hebr Shona 2:4  Mwari achivapupurirawo zvese nezviratidzo nezvishamiso, nemasimba akasiyana-siyana, nezvipo zveMweya Mutsvene, zvichienderana nechido chake.
Hebr Shona 2:5  Nokuti haana kuisa nyika inouya pasi pevatumwa, yatinotaura nezvayo.
Hebr Shona 2:6  Asi umwe pane imwe nzvimbo wakapupura achiti: Munhu chii, kuti mumurangarire? kana mwanakomana wemunhu, kuti muve nehanya naye?
Hebr Shona 2:7  Makamuderedza zvishoma kuvatumwa; makamushongedza korona nekubwinya nerukudzo, ndokumumisa pamusoro pemabasa emaoko enyu.
Hebr Shona 2:8  Zvinhu zvese makaisa pasi petsoka dzake. Nokuti pane izvozvi wakaisa zvese pasi pake, haana kusiya chinhu chisina kuiswa pasi pake. Asi ikozvino tigere kuona zvinhu zvese zvakaiswa pasi pake.
Hebr Shona 2:9  Asi tinoona Jesu, akaderedzwa zvishoma kuvatumwa, nekuda kwedambudziko rerufu, akashongedzwa korona nekubwinya nerukudzo, kuti iye nenyasha dzaMwari aravire rufu achiitira wese.
Hebr Shona 2:10  Nokuti zvakange zvakamufanira, iye zvinhu zvese zviripo nekuda kwake, uye kubudikidza naye zvese zviripo, pakuisa vanakomana vazhinji mukubwinya, apedzeredze mutungamiriri weruponeso rwavo kubudikidza nematambudziko.
Hebr Shona 2:11  Nokuti neanovaitisa vatsvene naivo vanoitwa vatsvene vese vakabva kune umwe; nemhaka iyi haanyadziswi kuvaidza hama,
Hebr Shona 2:12  achiti: Ndichaparidzira zita renyu kuhama dzangu, pakati pekereke ndichakuimbirai rumbidzo.
Hebr Shona 2:13  Uyezve: Ini ndichavimba naye. Uyezve: Tarirai ini nevana Mwari vaakandipa.
Hebr Shona 2:14  Naizvozvo sezvo vana vari vagovani venyama neropa, naiye pachake wakagovana navo izvozvi; kuti kubudikidza nerufu iye aparadze uyo ane simba rerufu, iye dhiabhorosi,
Hebr Shona 2:15  agosunungura avo vese kubudikidza nekutya rufu vaiva pasi peuranda upenyu hwese.
Hebr Shona 2:16  Nokuti zvirokwazvo haazvitoreri vatumwa, asi wakazvitorera mbeu yaAbhurahama.
Hebr Shona 2:17  Naizvozvo wakafanira pazvinhu zvese kufananidzwa nehama dzake, kuti ave mupristi mukuru ane tsitsi nekutendeka pazvinhu zvaMwari, kuti aite muripo wezvivi zvevanhu.
Hebr Shona 2:18  Nokuti pane izvozvo iye amene wakatambudzika achiedzwa, anogona kubatsira vanoedzwa.