Site uses cookies to provide basic functionality.

OK
HEBREWS
1 2 3 4 5 6 7 8 9 10 11 12 13
Prev Up Next Toggle notes
Chapter 4
Hebr Shona 4:1  Naizvozvo ngatitye zvimwe chivimbiso chekupinda muzororo rake chichiripo umwe wenyu aonekwe achitaira kuchisvikira.
Hebr Shona 4:2  Nokuti nesuwo takaparidzirwa evhangeri, sekwavariwo; asi shoko ravakanzwa harina kuvabatsira, sezvo risina kuvhenganiswa nerutendo kune avo vakanzwa.
Hebr Shona 4:3  Nokuti isu vakatenda tinopinda pazororo, sezvaakareva achiti: Sezvo ndakapika pakutsamwa kwangu ndikati: Havangatongopindi muzororo rangu; kunyange mabasa akange apedzwa kubva pakuvambwa kwenyika.
Hebr Shona 4:4  Nokuti wakataura pane imwe nzvimbo pamusoro pezuva rechinomwe sezvizvi: Mwariwo wakazorora nezuva rechinomwe pamabasa ake ese;
Hebr Shona 4:6  Naizvozvo zvazvichipo kuti vamwe vachapinda mariri, uye vakatanga kuparidzirwa evhangeri havana kupinda nekusateerera,
Hebr Shona 4:7  anogurazve rimwe zuva, achiti: Nhasi, achitaura kubudikidza naDhavhidhi, nguva huru yakadai yapfuura, sezvakwakataurwa, kuchinzi: Nhasi kana muchinzwa inzwi rake, musaomesa moyo yenyu.
Hebr Shona 4:8  Nokuti dai Joshua akange avapa zororo, haazaizoreva pashure peizvi pamusoro perimwe zuva.
Hebr Shona 4:9  Naizvozvo rasarirwa vanhu vaMwari zororo resabata.
Hebr Shona 4:10  Nokuti wakapinda muzororo rake iyewo wakazorora pamabasa ake, saMwari pane ake.
Hebr Shona 4:11  Naizvozvo ngatishingairire kupinda muzororo iroro, kuti kusava neanowira mumuenzaniso iwoyo wekusateerera.
Hebr Shona 4:12  Nokuti shoko raMwari ibenyu, uye rine simba, uye rinopinza kukunda munondo unocheka kumativi maviri, uye rinobaya kusvikira panoparadzana moyo nemweya, nepemafundo nemongo; uye mutongi wendangariro nezvinangwa zvemoyo.
Hebr Shona 4:13  Hakunawo chisikwa chisingaratidziki pamberi pake; asi zvinhu zvese zvakashama uye zvakazarurirwa meso aiye watinozvidavirira kwaari.
Hebr Shona 4:14  Naizvozvo zvatine mupristi mukuru kwazvo, wakapfuurira kumatenga, Jesu Mwanakomana waMwari, ngatibatisise kupupura kwedu.
Hebr Shona 4:15  Nokuti hatina mupristi mukuru asingagoni kunzwiswa tsitsi neutera hwedu, asi wakaedzwa pazvinhu zvese sesu, asina chivi.
Hebr Shona 4:16  Naizvozvo ngatiswederei nekushinga kuchigaro cheushe chenyasha, kuti tigamuchire tsitsi, tiwane nyasha, tibatsirwe panguva yakafanira.