HEBREWS
Chapter 12
Hebr | Shona | 12:1 | Naizvozvo nesu tine gore rezvapupu rakatikomberedza, ngatibvise mutoro wese nechivi chinonamatira nyore, ngatimhanye nemoyo murefu nhangemutange yatakaisirwa, | |
Hebr | Shona | 12:2 | takatarira kuna Jesu, muvambi nemupedzeredzi werutendo, iye nekuda kwemufaro waakaisirwa, wakatsunga pamuchinjikwa, achizvidza kunyadziswa, akagara kuruoko rwerudyi rwechigaro cheushe chaMwari. | |
Hebr | Shona | 12:3 | Nokuti cherekedzai iye wakatsunga pagakava rakadai revatadzi vachimirisana naye, kuti murege kuneta, muchipera simba pamweya yenyu. | |
Hebr | Shona | 12:5 | uye makakanganwa kurudziro inokurukura kwamuri sekuvana ichiti: Mwanakomana wangu, usazvidza kuranga kwaIshe, kana kupera simba kana uchitsiurwa naye. | |
Hebr | Shona | 12:7 | Kana muchitsunga pakurangwa, Mwari anokubatai sevanakomana; nokuti mwanakomana ndeupi baba wavasingarangi? | |
Hebr | Shona | 12:8 | Asi kana musina kurangwa, pavanoitwa vagovani vese, naizvozvo muri vana veupombwe, uye kwete vanakomana. | |
Hebr | Shona | 12:9 | Uyezve takambova nemadzibaba enyama yedu aidzora, uye tikavakudza; ko, hatingazviisi zvikurusa pasi paBaba vemweya tigorarama here? | |
Hebr | Shona | 12:10 | Nokuti ivo zvimwe vakatiranga kwemazuva mashoma, semaonero avo; asi iye anotirangira kubatsirwa, kuti tigoverane utsvene hwake. | |
Hebr | Shona | 12:11 | Zvino kuranga kwese kunoenda pakuvapo hakuratidzi sekwekufadza, asi kwekushungurudza; zvakadaro pashure kunobereka zvibereko zverugare zvakarurama kune vakarovedzwa mazviri. | |
Hebr | Shona | 12:13 | uye gadzirirai tsoka dzenyu nzira dzakarurama, kuti icho chinokamhina chirege kushodoka, asi panzvimbo yeizvozvo chiporeswe. | |
Hebr | Shona | 12:15 | Muchichenjerera kuti kurege kuva nemunhu anokundikana panyasha dzaMwari; kuti zvimwe mudzi wekuvava urege kukura kuzopa dambudziko, uye nawo vazhinji vasvibiswe; | |
Hebr | Shona | 12:16 | ngakurege kuva neumwe anova mhombwe kana asina hanya naMwari, saEsau, wakatengesa udangwe hwake nekudya kumwe. | |
Hebr | Shona | 12:17 | Nokuti munoziva kuti pashurewo, oda kugara nhaka yekuropafadzwa, wakarambwa; nokuti haana kuwana nzvimbo yekutendeuka, kunyange akaitsvaka zvikuru nemisodzi. | |
Hebr | Shona | 12:18 | Nokuti hamuna kuuya kugomo ringabatwa, nerinopfuta moto, uye kurima, nekusviba, nekudutu remhepo, | |
Hebr | Shona | 12:19 | uye kurira kwehwamanda, nenzwi remashoko; iro ivo vakarinzwa vakakumbira kuti shoko rirege kuchitaurwa kwavari; | |
Hebr | Shona | 12:20 | nokuti vakakonewa kutakura icho chakange charairwa, chekuti: Kana kunyange mhuka ikabata gomo, ichatakwa nemabwe, kana kufurwa nemuseve; | |
Hebr | Shona | 12:22 | Asi mauya kugomo reZiyoni, nekuguta raMwari mupenyu, kuJerusarema rekudenga, nekumazana evatumwa vasingaverengeki, | |
Hebr | Shona | 12:23 | kuungano huru nekereke yematangwe akanyorwa kumatenga, nekuna Mwari mutongi wevese, nekumweya yevakarurama vakapereredzwa, | |
Hebr | Shona | 12:24 | nekuna Jesu murevereri wesungano itsva, nekuropa rekusasa, rinotaura zvinhu zviri nani pane raAbhero. | |
Hebr | Shona | 12:25 | Chenjerai kuti murege kuramba uyo anotaura. Nokuti kana vasina kupukunyuka ivo vakaramba iye wakataura panyika zvinobva kuna Mwari, zvikuru sei isu kana tichifuratira iye anobva kumatenga; | |
Hebr | Shona | 12:26 | iye inzwi rake rakazungunusa nyika nguva iyo, asi ikozvino wakavimbisa, achiti: Kamwe chetezve ini ndichazungunusa kwete nyika chete, asi nedenga. | |
Hebr | Shona | 12:27 | Uye izvi zvekuti: Kamwe chetezve, zvinoratidza kutamiswa kwezvinhu zvinozununguka, sezvinhu zvakaitwa, kuti zvisingazungunuki zvigare. | |
Hebr | Shona | 12:28 | Naizvozvo zvatinogamuchira ushe husingazununguswi, ngative nenyasha dzatingashumira nadzo Mwari zvinogamuchirika pamwe nekukudza nekutya Mwari. | |