Site uses cookies to provide basic functionality.

OK
II TIMOTHY
1 2 3 4
Prev Up Next Toggle notes
Chapter 4
II T Shona 4:1  Naizvozvo ndinorairisa pamberi paMwari, naIshe Jesu Kristu, iye achatonga vapenyu nevakafa, pakuonekwa kwake neushe hwake:
II T Shona 4:2  Paridza shoko; iva wakagadzirira nenguva yakafanira, panguva isakafanira, dzora, tsiura, kurudzira nemoyo murefu wese nedzidziso.
II T Shona 4:3  Nokuti nguva ichavapo yavacharamba kutendera dzidziso mhenyu, asi zvichienderana nekuchiva kwavo pachavo vachazvivunganidzira vadzidzisi, vachirumwa nzeve;
II T Shona 4:4  uye vachafuratidza nzeve dzavo pachokwadi, vachitendeukira kungano.
II T Shona 4:5  Asi iwe svinura pazvinhu zvese, utsungirire pamatambudziko, uite basa remuevhangeri, uzadzise basa rako.
II T Shona 4:6  Nokuti ini ndatodururwa sechipo chinodururwa, nenguva yekubva kwangu yasvika.
II T Shona 4:7  Ndarwa kurwa kwakanaka, ndapedza nhangemutange, ndachengeta rutendo;
II T Shona 4:8  kubva ikozvino, ndakaisirwa korona yekururama Ishe yavachandipa, mutongi wakarurama nezuva iroro; kwetewo kwandiri ndega, asi nekune vese vanoda kuonekwa kwake.
II T Shona 4:10  Nokuti Dhemasi wakandisiya, ada nyika yaikozvino, akaenda kuTesaronika; Kresike kuGaratia, Tito kuDharimatia.
II T Shona 4:11  Ruka ega aneni. Tora Mariko uuye naye nokuti anondibatsira pakushumira.
II T Shona 4:13  Nguvo yandakasiya paTroasi kuna Kapo, kana wouya uuye nayo, nemabhuku, zvikuru magwaro ematehwe.
II T Shona 4:14  Arekisandiro mupfuri wendarira wakandiitira zvakaipa zvizhinji; Ishe achamutsiva zvinoenderana nemabasa ake;
II T Shona 4:15  iwewo umuchenjerere, nokuti wakapikisa zvikurusa mashoko edu.
II T Shona 4:16  Pakuzvidavirira kwangu kwekutanga hapana wakamira neni, asi vese vakandisiya. Dai zvarega kuverengerwa kwavari.
II T Shona 4:17  Asi Ishe wakamira neni, akandisimbisa, kuti neni kuparidza kukwaniswe, nevahedheni vese vanzwe; uye ndakarwirwa kubva pamuromo weshumba.
II T Shona 4:18  Uye Ishe achandirwira pabasa rese rakaipa, uye achandichengetera muushe hwake hwekudenga; kubwinya ngakuve kwaari rinhi narinhi. Ameni.
II T Shona 4:20  Erasto wakasara paKorinde; asi Trofimo ndakamusiya paMireto achirwara.
II T Shona 4:21  Shingairira kuuya chando chisati chasvika. Yubhuro anokukwazisa, naPudheni, naRinosi, naKraudhia, nehama dzese.
II T Shona 4:22  Ishe Jesu Kristu ngaave nemweya wako. Nyasha ngadzive nemwi. Ameni.