Site uses cookies to provide basic functionality.

OK
COLOSSIANS
1 2 3 4
Prev Up Next Toggle notes
Chapter 2
Colo Shona 2:1  Nokuti ndinoda kuti muzive kuti kurwa kukuru zvakadini kwandinako pamusoro penyu, nevari paRaodhikia, nevese vasina kuona chiso changu panyama,
Colo Shona 2:2  kuti moyo yavo inyaradzwe, vasonanidzwe murudo, nemufuma yese yekuvimbiswa kwakakwana kwekunzwisisa, paruzivo rwechakavanzika chaMwari naBaba, nechaKristu,
Colo Shona 2:3  maari fuma yese yeuchenjeri neyeruzivo yakavigwa.
Colo Shona 2:4  Ndinoreva izvi, kuti kusava nemunhu anokunyengerai nemashoko anonyengera.
Colo Shona 2:5  Nokuti kunyange ndisipo panyama, zvakadaro ndinemwi pamweya, ndichifara nekuvona kurongeka kwenyu, nekusimba kwerutendo rwenyu muna Kristu.
Colo Shona 2:6  Naizvozvo sezvamakagamuchira Kristu Jesu Ishe, fambai maari,
Colo Shona 2:7  makadzika midzi nekuvakwa maari, nekusimbiswa murutendo, sezvamakadzidziswa, muchiwedzera makuri nekuvonga.
Colo Shona 2:8  Chenjerai, zvimwe umwe munhu angakupambai neuchenjeri, nekunyengera kusina maturo, setsika dzevanhu, sedzidziso dzekuvamba dzenyika, uye kwete sekuna Kristu.
Colo Shona 2:9  Nokuti kuzara kwese kweuMwari kunogara maari pamuviri.
Colo Shona 2:10  Uye makazadziswa maari, iye musoro weutungamiriri hwese nesimba;
Colo Shona 2:11  wamakadzingiswawo maari nedzingiso isina kuitwa nemaoko, pakubvisa muviri wezvivi zvenyama, pakudzingisa kwaKristu;
Colo Shona 2:12  makavigwa pamwe naye pabhabhatidzo, pamakamutswawo pamwe naye nerutendo rwekuita kwaMwari, wakamumutsa kubva kuvakafa.
Colo Shona 2:13  Nemwi makafa mukudarika nekusadzingiswa kwenyama yenyu, wakakuitai vapenyu pamwe naye, akukanganwirai kudarika kwese,
Colo Shona 2:14  akadzima rugwaro rwezviga rwaipikisana nesu, rwaipesana nesu, akarubvisa pakati, aruroverera pamuchinjikwa;
Colo Shona 2:15  akurura vatungamiriri nemasimba, akavabudisa pachena, akatungamira kuvakunda mauri.
Colo Shona 2:16  Naizvozvo kusava nemunhu anokutongai pakudya kana pachinwiwa, kana panhau yemutambo kana yekugara kwemwedzi kana yemasabata;
Colo Shona 2:17  zvinova mumvuri wezvinhu zvichauya, asi muviri ndewa Kristu.
Colo Shona 2:18  Kusava nemunhu anokutorerai mubairo wenyu nemano, achifarira kuzvininipisa nekunamata vatumwa, achipindira pazvinhu zvaasina kuona, achizvikudza pasina nefungwa dzake dzenyama,
Colo Shona 2:19  uye asingabatisisi Musoro, uyo maari muviri wese nezvisungo nemarunda unoriritirwa, nekurukirwa pamwe, uchikura nekukura kwaMwari.
Colo Shona 2:20  Naizvozvo kana makafa pamwe naKristu kune dzidziso dzekuvamba dzenyika, munosungikanirei nemirairo semugere munyika,
Colo Shona 2:22  izvo zvese zvichaparara nekushandiswa) semirairo nedzidziso dzevanhu?
Colo Shona 2:23  Zvine chimiro cheuchenjeri pakuzvidira kunamata, nekuzvininipisa, nekutambudza muviri; hazvitongobatsiri kukunda kugutsa nyama.