COLOSSIANS
Chapter 3
Colo | Shona | 3:1 | Naizvozvo kana makamutswa pamwe naKristu, tsvakai zvekumusoro, uko kuna Kristu agere kuruoko rwerudyi rwaMwari. | |
Colo | Shona | 3:5 | Naizvozvo urayai mitezo yenyu iri panyika, upombwe, tsvina, kushumba kwakaipa, kuda zvakaipa, uye kuchiva, kunova kunamata zvifananidzo. | |
Colo | Shona | 3:8 | Asi ikozvino imwiwo bvisai zvese izvi, kutsamwa, hasha, uipi, kunyomba, nekutaura zvinonyadzisa kubva mumuromo wenyu; | |
Colo | Shona | 3:11 | apo pasina muGiriki uye muJudha, kudzingiswa uye kusadzingiswa, mutorwa, muSikitia, musungwa, wakasununguka; asi Kristu ndiye zvese, uye ari mune zvese. | |
Colo | Shona | 3:12 | Naizvozvo pfekai sevasanangurwa vaMwari, vatsvene nevanodikanwa, moyo yetsitsi, moyo munyoro, kuzvininipisa, unyoro, nemoyo murefu; | |
Colo | Shona | 3:13 | muchiitirana moyo murefu, nekukanganwirana kana umwe ane mhosva neumwe; Kristu sezvaakakukanganwiraiwo, saizvozvowo imwi; | |
Colo | Shona | 3:15 | Nerugare rwaMwari ngarwutonge mumoyo yenyu, ndirwo rwamakadanirwawo mumuviri mumwe; uye ivai vanovonga. | |
Colo | Shona | 3:16 | Shoko raKristu ngarigare mamuri neufumi muuchenjeri hwese; muchidzidzisana nekurairana mumapisarema, nenziyo, nenziyo dzemweya, muimbire Ishe nenyasha mumoyo wenyu; | |
Colo | Shona | 3:17 | uye zvese chero chipi chamunoita pashoko kana pachiito, itai zvese muzita raIshe Jesu, muchivonga Mwari naBaba kubudikidza naye. | |
Colo | Shona | 3:22 | Varanda, teererai pazvinhu zvese vari vatenzi venyu panyama; kwete nekushandira maziso sevafadzi vevanhu, asi nemoyo wakarurama, muchitya Mwari; | |
Colo | Shona | 3:24 | muchiziva kuti kuna Ishe muchagamuchira mubairo wenhaka; nokuti munoshandira Ishe Kristu. | |