Site uses cookies to provide basic functionality.

OK
EPHESIANS
1 2 3 4 5 6
Prev Up Next Toggle notes
Chapter 2
Ephe Shona 2:1  Wakakuraramisai, imwiwo makange makafa mukudarika nemuzvivi,
Ephe Shona 2:2  izvo zvamaifamba mazviri kare maererano nenzira yenyika ino, maererano nenzira dzemutungamiriri wesimba redenga, dzemweya unobata zvino muvana vekusateerera;
Ephe Shona 2:3  vataifamba tesewo pakati pavo kare mukuchiva kwenyama yedu, tichiita kuda kwenyama nekwefungwa, uye pachisikirwo taiva vana vekutsamwirwa, sevamwewo.
Ephe Shona 2:4  Asi Mwari, wakafuma panyasha, nekuda kwerudo rwake rukuru rwaakatida narwo,
Ephe Shona 2:5  kunyange takange takafa mukudarika, wakatiraramisa pamwe naKristu (makaponeswa nenyasha);
Ephe Shona 2:6  akatimutsa pamwe naye, akatigarisa pamwe naye kunzvimbo dzekudenga muna Kristu Jesu;
Ephe Shona 2:7  kuti nenguva dzinouya aratidze fuma hurusa yenyasha dzake muunyoro kwatiri muna Kristu Jesu.
Ephe Shona 2:8  Nokuti nenyasha makaponeswa nerutendo, uye izvi hazvibvi kwamuri; chipo chaMwari;
Ephe Shona 2:10  Nokuti tiri basa rake, takasikirwa mabasa akanaka muna Kristu Jesu, Mwari aakagara agadzira, kuti tifambe maari.
Ephe Shona 2:11  Naizvozvo rangarirai kuti imwi maimbova vahedheni munyama, vanonzi kusadzingiswa nechinonzi kudzingiswa munyama kunoitwa nemaoko,
Ephe Shona 2:12  kuti panguva iyo makange musina Kristu, muri vatorwa paubwo hwaIsraeri, uye vatorwa pasungano dzechivimbiso, musina tariro, uye musina Mwari panyika.
Ephe Shona 2:13  Asi ikozvinowo muna Kristu Jesu, imwi maimbova kure, mava pedo neropa raKristu.
Ephe Shona 2:14  Nokuti ndiye rugare rwedu, iye wakaita zviviri zvive chimwe, uye wakaputsa mudhuri wapakati wekuparadzanisa,
Ephe Shona 2:15  aparadza munyama yake ruvengo, iwo mutemo wemirairo pazviga, kuti asike maari vaviri vave munhu umwe mutsva, aite rugare,
Ephe Shona 2:16  uye ayananise vaviri kuna Mwari mumuviri umwe kubudikidza nemuchinjikwa, auraya ruvengo nawo,
Ephe Shona 2:17  uye wakasvika akaparidza rugare kwamuri imwi maiva kure, nekune avo vaiva pedo;
Ephe Shona 2:18  nokuti kubudikidza naye tese tine mapindiro neMweya umwe kuna Baba.
Ephe Shona 2:19  Naizvozvo zvino hamusisiri vaeni uye vatorwa, asi vebwo pamwe nevatsvene uye veimba yaMwari.
Ephe Shona 2:20  Makavakwa pamusoro penheyo dzevaapositori nevaporofita, Jesu Kristu amene ari ibwe repakona.
Ephe Shona 2:21  Maari imba yese yakabatanidzwa ikure ive tembere tsvene muna Ishe.
Ephe Shona 2:22  Maari nemwiwo makavakwa pamwe muve ugaro hwaMwari muMweya.