Site uses cookies to provide basic functionality.

OK
EPHESIANS
1 2 3 4 5 6
Prev Up Next Toggle notes
Chapter 3
Ephe Shona 3:1  Nemhaka yeizvi, ini Pauro, musungwa waKristu Jesu nekuda kwenyu vahedheni,
Ephe Shona 3:2  kana zvirokwazvo makanzwa nezvekushandiswa kwenyasha dzaMwari dzakapiwa kwandiri pamusoro penyu,
Ephe Shona 3:3  kuti sechakazarurwa wakandizivisa chakavanzika, sezvandakambonyora nemashoko mashoma;
Ephe Shona 3:4  naizvozvo kana muchirava, munogona kunzwisisa ruzivo rwangu muchakavanzika chaKristu;
Ephe Shona 3:5  icho pane mamwe mazera chisina kuziviswa kuvanakomana vevanhu, sezvachozarurwa ikozvino kuvaapositori vake vatsvene nevaporofita muMweya;
Ephe Shona 3:6  kuti vahedheni vave vadyi venhaka pamwe nesu uye vemuviri umwe nevagovani vechivimbiso chake muna Kristu kubudikidza neevhangeri,
Ephe Shona 3:7  yandakaitwa nayo mushumiri zvichienderana nechipo chenyasha dzaMwari chakapiwa kwandiri nekubata kwesimba rake.
Ephe Shona 3:8  Kwandiri ndiri mudiki kumudikisa wevatsvene vese, nyasha idzi dzakapiwa, kuti ndiparidze pakati pevahedheni fuma isinganzvereki yaKristu,
Ephe Shona 3:9  nekuita kuti vese vaone kuti kudyidzana kwakadini kwechakavanzika chakange chakavigwa muna Mwari kubva pakuvamba kwenyika, wakasika zvinhu zvese kubudikidza naJesu Kristu,
Ephe Shona 3:10  kuti ikozvino kuchenjera kwakasiyana-siyana kwaMwari kuziviswe nekereke paushe nepamasimba panzvimbo dzekudenga,
Ephe Shona 3:11  sechiga chekusingaperi chaakatema muna Kristu Jesu Ishe wedu;
Ephe Shona 3:12  maari tine kutsunga nekupinda nechivimbo, nerutendo rwake.
Ephe Shona 3:13  Naizvozvo ndinokumbira kuti murege kuora moyo pamatambudziko angu pamusoro penyu, ndiwo kurumbidzwa kwenyu.
Ephe Shona 3:14  Nekuda kweizvozvi ndinofugama mabvi angu kuna Baba vaIshe wedu Jesu Kristu,
Ephe Shona 3:15  rudzi rwese rwuri kumatenga nepanyika rwunotumidzwa mavari,
Ephe Shona 3:16  kuti vakupei, zvichienderana nefuma yekubwinya kwavo, musimbiswe musimba neMweya wake mumunhu wemukati,
Ephe Shona 3:17  kuti Kristu agare pamoyo yenyu nerutendo; mune midzi uye makateiwa nheyo murudo,
Ephe Shona 3:18  kuti mugone kwazvo kunzwisisa pamwe nevatsvene vese, kuti kufara, nekureba, nekukwirira, nekudzika chii,
Ephe Shona 3:19  nekuziva rudo rwaKristu rwunopfuura ruzivo, kuti muzadzwe mukuzara kwese kwaMwari.
Ephe Shona 3:20  Zvino kune ane simba rekuita zvikuru kwazvo zvinopfuura zvese zvatinokumbira kana kufunga, maererano nesimba rinobata matiri,
Ephe Shona 3:21  kwaari ngakuve nekubwinya mukereke naKristu Jesu kusvikira kumarudzi ese narinhi narinhi. Ameni.