Site uses cookies to provide basic functionality.

OK
EPHESIANS
1 2 3 4 5 6
Prev Up Next Toggle notes
Chapter 5
Ephe Shona 5:1  Naizvozvo ivai vateveri vaMwari, sevana vanodikanwa;
Ephe Shona 5:2  uye fambai murudo, Kristu sezvaakatidawo, akazvipa nekuda kwedu, ave chipo nechibairo kuna Mwari zvive hwema hunonhuhwira.
Ephe Shona 5:3  Asi upombwe netsvina yese kana kuchiva ngazvirege kutongorehwa pakati penyu, sezvinofanira vatsvene;
Ephe Shona 5:4  neunzenza, nekutaura kweupenzi, kana kunemera, zvinhu zvisina kufanira; asi zviri nani kuvonga.
Ephe Shona 5:5  Nokuti munozviziva izvi, kuti mhombwe yega-yega, kana munhu asina kuchena, kana munhu anochiva, anova munamati wezvifananidzo, haana nhaka muushe hwaKristu nehwaMwari.
Ephe Shona 5:6  Ngakurege kuva nemunhu unokunyengerai nemashoko asina maturo; nokuti nekuda kwezvinhu izvi kutsamwa kwaMwari kunouya pamusoro pevana vekusateerera.
Ephe Shona 5:8  Nokuti maimbova rima, asi ikozvino mava chiedza muna Ishe; fambai sevana vechiedza.
Ephe Shona 5:9  Nokuti chibereko cheMweya chiri mukunaka kwese nekururama nechokwadi,
Ephe Shona 5:11  uye musadyidzana nemabasa erima asina zvibereko, asi zviri nani mutsiurewo;
Ephe Shona 5:12  nokuti zvinhu zvinoitwa navo pakavanda zvinonyadzisa kunyange kutaura.
Ephe Shona 5:13  Asi zvinhu zvese zvinotsiurwa zvinoratidzwa nechiedza; nokuti zvese zvinoratidzwa chiedza.
Ephe Shona 5:14  Naizvozvo anoti: Simuka iwe urere, uye muka kubva kuvakafa, zvino Kristu achakuvhenekera.
Ephe Shona 5:15  Naizvozvo chenjerai kuti munofamba sei nekuchenjerera, kwete semapenzi asi sevakachenjera;
Ephe Shona 5:17  Naizvozvo musava matununu, asi vanonzwisisa zviri kuda kwaIshe.
Ephe Shona 5:18  Uye regai kuraradza newaini, makuri mune bongozozo guru, asi zadzwai neMweya,
Ephe Shona 5:19  muchitaurirana nemapisarema nenziyo, nenziyo dzeMweya, muchiimba nekuita mutinhimira mumoyo yenyu kuna Ishe,
Ephe Shona 5:20  muchipa kuvonga nguva dzese pamusoro pezvinhu zvese kuna Mwari naBaba, muzita raIshe wedu Jesu Kristu,
Ephe Shona 5:22  Vakadzi, zviisei pasi pevarume venyu pachenyu, sekuna Ishe,
Ephe Shona 5:23  nokuti murume musoro wemukadzi, saKristuwo ari musoro wekereke, uye ndiye Muponesi wemuviri.
Ephe Shona 5:24  Asi kerekewo sezvairi pasi paKristu, saizvozvowo vakadzi kuvarume vavo pachavo pachinhu chese.
Ephe Shona 5:25  Varume, idai vakadzi venyu pachenyu, Kristu sezvaakadawo kereke, akazvipa nekuda kwayo;
Ephe Shona 5:26  kuti aiite tsvene ainatse nekusuka kwemvura neShoko,
Ephe Shona 5:27  kuti aikumikidze kwaari, kereke inobwinya isina gwapa kana kuwonyana, kana chimwe chezvakadai, asi kuti ive tsvene isina chaingapomerwa.
Ephe Shona 5:28  Saizvozvo varume vanofanira kuda vakadzi vavo pachavo semiviri yavo pachavo. Anoda mukadzi wake pachake, anozvida iye.
Ephe Shona 5:29  Nokuti hakuna wakatongovenga nyama yake pachake, asi anoifunda nekuchengetedza, sezvinoita Ishewo kukereke;
Ephe Shona 5:30  nokuti isu tiri mitezo yemuviri wake, yenyama yake neyemafupa ake.
Ephe Shona 5:31  Nekuda kweizvozvi munhu achasiya baba namai vake, ndokubatanidzwa kumukadzi wake; uye ava vaviri vachava nyama imwe.
Ephe Shona 5:32  Chakavanzika ichi chikuru, asi ndinotaura zvaKristu nezvekereke.
Ephe Shona 5:33  Asi imwiwo umwe neumwe pachake ngaade mukadzi wake pachake sezvaanozvida iye; nemukadzi aone kuti atye murume.