Site uses cookies to provide basic functionality.

OK
EPHESIANS
1 2 3 4 5 6
Prev Up Next Toggle notes
Chapter 6
Ephe Shona 6:1  Vana, teererai vabereki venyu muna Ishe; nokuti izvi zvakarurama.
Ephe Shona 6:2  Kudza baba vako namai, unova murairo wekutanga une chivimbiso,
Ephe Shona 6:3  kuti zvikunakire, uye urarame nguva refu panyika.
Ephe Shona 6:4  Nemwi vana baba, musatsamwisa vana venyu, asi varerei pakuranga nekutsiura kwaIshe.
Ephe Shona 6:5  Varanda, teererai vatenzi venyu panyama, nekutya nekudedera, nemoyo wenyu wakarurama sekuna Kristu;
Ephe Shona 6:6  kwete nekushandira maziso, sevafadzi vevanhu, asi sevaranda vaKristu, vanoita kuda kwaMwari kubva pamoyo;
Ephe Shona 6:7  muchishanda nechido chakanaka sekuna Ishe uye kwete kuvanhu;
Ephe Shona 6:8  muchiziva kuti chinhu chipi nechipi chakanaka umwe neumwe chaanoita, achagamuchira ichochi kuna Ishe, kana muranda, kana wakasununguka.
Ephe Shona 6:9  Nemwi madzitenzi, itai zvinhu zvimwezvo kwavari, muchirega kuvhundudzira; muchiziva kutiwo Tenzi wenyu pachenyu uri kumatenga; uye kwaari hakuna rusarura rwevanhu.
Ephe Shona 6:10  Pakupedzisira hama dzangu, simbai muna Ishe, nemukugwinya kwesimba rake.
Ephe Shona 6:11  Shongai zvombo zvese zvaMwari, kuti mugone kumirisana nemano adhiabhorosi;
Ephe Shona 6:12  nokuti hatirwisani neropa nenyama, asi neutongi, nemasimba, nevatungamiriri verima renyika ino, nemweya yakaipa kunzvimbo dzekumatenga.
Ephe Shona 6:13  Saka torai zvombo zvese zvaMwari kuti mugone kuramba mumire pazuva rakaipa, maita zvese, mumire.
Ephe Shona 6:14  Naizvozvo mirai, zvivuno zvenyu zvakasungwa nechokwadi, makapfeka chidzitiro chechifuva chekururama,
Ephe Shona 6:15  uye makasunga tsoka negadziriro yeevhangeri yerugare;
Ephe Shona 6:16  pamusoro pezvese matora nhoo yerutendo, yamungagona kudzima nayo miseve yese inopfuta yewakaipa.
Ephe Shona 6:17  Uye torai ngowani yeruponeso, nemunondo weMweya, unova shoko raMwari;
Ephe Shona 6:18  muchinyengetera nguva dzese nemunyengetero wese nemukumbiro muMweya, muchirinda pazvinhu izvi nekutsungirira kwese nekukumbirira vatsvene vese,
Ephe Shona 6:19  nepamusoro pangu, kuti shoko ripiwe kwandiri pakushamisa muromo wangu neushingi kuti ndidudzire zvakavanzika zveevhangeri,
Ephe Shona 6:20  yandiri nhume yayo mumaketani, kuti mairi nditaure ndisingatyi, sezvandinofanira kutaura.
Ephe Shona 6:21  Asi kuti imwiwo muzive zvakanangana neni, kuti ndinoitei, Tikiko hama inodikanwa, nemushumiri wakatendeka muna Ishe, achakuzivisai zvinhu zvese;
Ephe Shona 6:22  wandakatuma kwamuri nechinangwa ichi, kuti muzive zvakanangana nesu, uye anyaradze moyo yenyu.
Ephe Shona 6:23  Rugare kuhama, nerudo pamwe nerutendo rwunobva kuna Mwari Baba naIshe Jesu Kristu.
Ephe Shona 6:24  Nyasha ngadzive nevese vanoda Ishe wedu Jesu Kristu nekusingaperi. Ameni.