Site uses cookies to provide basic functionality.

OK
ROMANS
1 2 3 4 5 6 7 8 9 10 11 12 13 14 15 16
Prev Up Next Toggle notes
Chapter 12
Roma Shona 12:1  Naizvozvo ndinokukumbirisai, hama, netsitsi dzaMwari, mupire miviri yenyu, chive chibairo chipenyu, chitsvene, chinogamuchirika kuna Mwari, ndiko kunamata kwenyu kunonzwisisika.
Roma Shona 12:2  Uye musazvifananidza nenyika ino, asi mushandurwe nekuvandudzwa kwefungwa yenyu, kuti muidze chiri chido chaMwari chakanaka uye chinogamuchirika uye chakazara.
Roma Shona 12:3  Nokuti ndinoti, nenyasha dzakapiwa kwandiri, kune umwe neumwe ari pakati penyu, arege kuzvifunga kuti mukuru kupfuura paanofanira kufunga napo; asi afunge neuchenjeri, Mwari sezvaakagovera umwe neumwe chiyero cherutendo.
Roma Shona 12:4  Nokuti sezvatine mitezo mizhinji pamuviri umwe, asi mitezo yese haina basa rakafanana;
Roma Shona 12:5  saizvozvo tiri vazhinji, tiri muviri umwe muna Kristu, uye umwe neumwe tiri mitezo weumwe kune umwe.
Roma Shona 12:6  Uye tine zvipo zvakasiyana maererano nenyasha dzinopiwa kwatiri; kungava kuporofita, ngatiporofite nechiyero cherutendo;
Roma Shona 12:7  kana ushumiri, ngatishande paushumiri; kana anodzidzisa, pakudzidzisa;
Roma Shona 12:8  kana anoraira, pakuraira; anopa, ngaape nemoyo wese; anotonga, ngaatonge nekushingaira; anoitira tsitsi, nemufaro.
Roma Shona 12:9  Rudo ngaruve rwechokwadi. Semai zvakaipa, makanamatira zvakanaka.
Roma Shona 12:10  Dananai zvikuru nerudo rwehama; pakukudza muchitangirana.
Roma Shona 12:11  Musava neusimbe pakushingaira; mupise pamweya; muchishumira Ishe;
Roma Shona 12:12  muchifara mutariro; muchitsungirira padambudziko; muchirambira mumunyengetero;
Roma Shona 12:13  muchigovera pakushaiwa kwevatsvene; muchishingirira kugamuchira vaeni.
Roma Shona 12:14  Ropafadzai vanokushushai; ropafadzai, musatuka.
Roma Shona 12:16  Ivai vemoyo umwe, umwe kune umwe. Musafunganya zvinhu zvakakwirira, asi mufambidzane navanozvininipisa. Musazviidza vakachenjera.
Roma Shona 12:17  Musatsiva ani zvake chakaipa nechakaipa. Muchirangarirai zvakarurama pamberi pevanhu vese.
Roma Shona 12:18  Kana zvichigona, sezvinobva kwamuri, garai nerugare nevanhu vese.
Roma Shona 12:19  Vadikanwi, musazvitsivira, asi ipai hasha nzvimbo; nokuti kwakanyorwa kuchinzi: Kutsiva ndekwangu, ini ndicharipira, anodaro Ishe.
Roma Shona 12:20  Naizvozvo kana muvengi wako ane nzara, mupe kudya; kana ane nyota, munwise; nokuti mukuita izvozvo, uchadurikidza mazimbe emoto pamusoro wake.
Roma Shona 12:21  Usakundwa nechakaipa, asi kunda chakaipa nechakanaka.