Site uses cookies to provide basic functionality.

OK
ROMANS
1 2 3 4 5 6 7 8 9 10 11 12 13 14 15 16
Prev Up Next Toggle notes
Chapter 6
Roma Shona 6:1  Zvino tichatii? Ticharambira muchivi kuti nyasha dziwande here?
Roma Shona 6:2  Ngazvisadaro! Isu takafa kuchivi, ticharamba tichirarama sei machiri?
Roma Shona 6:3  Kana hamuzivi here kuti isu tese takabhabhatidzwa muna Kristu Jesu, takabhabhatidzwa murufu rwake?
Roma Shona 6:4  Naizvozvo takavigwa pamwe naye murufu nerubhabhatidzo; kuti sezvo Kristu akamutswa kubva kuvakafa nekubwinya kwaBaba, saizvozvo isuwo tifambe pautsva hweupenyu.
Roma Shona 6:5  Nokuti kana takadzvarwa pamwe pakufanana kwerufu rwake, asi tichadarowo pakumuka kwake;
Roma Shona 6:6  tichiziva izvi, kuti munhu wedu wekare wakarovererwa pamwe naye, kuti muviri wechivi uparadzwe, kuti isu tisachishumira chivi;
Roma Shona 6:8  Zvino kana takafa pamwe naKristu, tinotenda kuti tichararamawo pamwe naye;
Roma Shona 6:9  tichiziva kuti Kristu amutswa kubva kuvakafa haafizve; rufu haruchina simba pamusoro pake.
Roma Shona 6:10  Nokuti pakuti wakafa, wakafa kamwe kuchivi; zvino pakuti anorarama, anorarama kuna Mwari.
Roma Shona 6:11  Saizvozvo nemwi zviverengei semakafa zvirokwazvo kuchivi, asi munorarama kuna Mwari naKristu Jesu Ishe wedu.
Roma Shona 6:12  Naizvozvo chivi ngachirege kutonga mumuviri wenyu unofa, kuti muchiteerere kuchiva kwacho;
Roma Shona 6:13  uye musapa mitezo yenyu ive midziyo yekusarurama kuchivi; asi muzvipe imwi kuna Mwari sevapenyu kubva kuvakafa, nemitezo yenyu ive midziyo yekururama kuna Mwari.
Roma Shona 6:14  Nokuti chivi hachizotongi pamusoro penyu; nokuti hamusi pasi pemurairo, asi pasi penyasha.
Roma Shona 6:15  Ko zvino? Tichatadza here, nokuti hatisi pasi pemurairo, asi pasi penyasha? Ngazvisadaro!
Roma Shona 6:16  Hamuzivi here kuti uyo wamunozvipa kwaari muve varanda vekumuteerera, muri varanda vaiye wamunoteerera; kana vechivi chinoisa kurufu, kana vekuteerera kunoisa kukururama?
Roma Shona 6:17  Asi Mwari ngaavongwe, kuti maiva varanda vechivi, asi mava kuteerera kubva pamoyo muenzaniso wedzidziso wamakakumikidzwa kwauri;
Roma Shona 6:18  uye masunungurwa kubva pachivi, makaitwa varanda vekururama.
Roma Shona 6:19  Ndinotaura nenzira yevanhu nekuda kweutera hwenyama yenyu; nokuti sezvamakapa mitezo yenyu kuva varanda kutsvina neuipi zvinoisa kune zvakaipa, saizvozvo ikozvino ipai mitezo yenyu kuva varanda vekururama kunoisa kuutsvene.
Roma Shona 6:20  Nokuti pamaiva varanda vechivi, makange makasununguka pakururama.
Roma Shona 6:21  Naizvozvo maiva nechibereko chei panguva iyo pazvinhu izvo zvamava kunyadziswa nazvo ikozvino? Nokuti mugumo wezvinhu izvo rufu.
Roma Shona 6:22  Asi ikozvino zvamakasunungurwa pachivi, mukaitwa varanda kuna Mwari, mune chibereko chenyu chinoisa kuutsvene, uye mugumo upenyu husingaperi.
Roma Shona 6:23  Nokuti mubairo wechivi rufu, asi chipo chenyasha chaMwari upenyu husingaperi muna Kristu Jesu Ishe wedu.