MARK
Chapter 2
Mark | Shona | 2:2 | Zvino pakarepo vazhinji vakaungana zvekuti pakange pasisina nzvimbo, kunyange pamukova; akataura shoko kwavari. | |
Mark | Shona | 2:4 | Zvino vakati vasingagoni kusvika pedo naye nekuda kwechaunga, vakapfurunyura denga paakange ari, vakati varidzura vakaburusira hwanyanza hwaakange arere pahuri iye wakange akafa mitezo. | |
Mark | Shona | 2:5 | Jesu wakati aona rutendo rwavo akati kune wakange akafa mitezo: Mwana, zvivi zvako zvakanganwirwa kwauri. | |
Mark | Shona | 2:7 | Uyu anotaurirei kunyomba sezvizvi? Ndiani anogona kukanganwira zvivi kunze kweumwe chete, Mwari? | |
Mark | Shona | 2:8 | Zvino pakarepo Jesu achiziva mumweya wake kuti vanofunga saizvozvo mukati mavo wakati kwavari: Munofungirei zvinhu izvi mumoyo yenyu? | |
Mark | Shona | 2:9 | Chii chakareruka zvikuru, kuti kune wakafa mitezo: Zvivi zvako zvakanganwirwa kwauri; kana kuti: Simuka, utore hwanyanza hwako, ufambe? | |
Mark | Shona | 2:10 | Asi kuti muzive kuti Mwanakomana wemunhu ane simba panyika rekukanganwira zvivi (akati kune wakange akafa mitezo): | |
Mark | Shona | 2:12 | Zvino pakarepo wakasimuka, akatora hwanyanza, ndokubuda pamberi pavo vese; zvekuti vese vakashamisika, vakarumbidza Mwari, vachiti: Hatina kumbozviona zvakadai. | |
Mark | Shona | 2:14 | Wakati achipfuura, akaona Revhi waArifiyosi agere paimba yemutero, akati kwaari: Nditevere. Akasimuka akamutevera. | |
Mark | Shona | 2:15 | Zvino zvakaitika agere pakudya mumba make, kuti vateresi vazhinji nevatadzi vakagarawo pamwe naJesu nevadzidzi vake; nokuti vakange vari vazhinji vakamutevera. | |
Mark | Shona | 2:16 | Zvino vanyori neVaFarisi vakati vamuona achidya nevateresi nevatadzi, vakati kuvadzidzi vake: Nemhaka yei achidya nekunwa nevateresi nevatadzi? | |
Mark | Shona | 2:17 | Jesu wakati achizvinzwa akati kwavari: Vatano havadi chiremba, asi vanorwara. Handina kuuya kuzodana vakarurama, asi vatadzi mukutendeuka. | |
Mark | Shona | 2:18 | Uye vadzidzi vaJohwani neveVaFarisi vaitsanya; vakauya vakati kwaari: Nemhaka yeyi vadzidzi vaJohwani neveVaFarisi vachitsanya asi vadzidzi venyu havatsanyi? | |
Mark | Shona | 2:19 | Jesu akati kwavari: Vana veimba yemuchato vanogona kutsanya muwani achiri kwavari here? Kana vachingova nemuwani kwavari, havagoni kutsanya; | |
Mark | Shona | 2:21 | Uye hakuna anosonera chigamba chemucheka usakaunyana panguvo sharu; kana zvikasadaro chinoiswa chinobvaruka kubva pachiri, chitsva kubva pane chakasakara, buri rikanyanya. | |
Mark | Shona | 2:22 | Uye hakuna anodira waini itsva muhombodo sharu; kana zvikasadaro waini itsva inoparusa hombodo, waini ikateuka nehombodo ikaparara; asi waini itsva inofanira kudirwa muhombodo itsva. | |
Mark | Shona | 2:23 | Zvino zvakaitika kuti achigura nemuminda yezviyo nesabata, vadzidzi vake ndokutanga kutanha hura vachifamba. | |
Mark | Shona | 2:25 | Iye akati kwavari: Hamuna kutomboverenga here Dhavhidhi zvaakaita, paakange ashaiwa, ava nenzara, iye nevakange vanaye? | |
Mark | Shona | 2:26 | Kuti wakapinda sei mumba maMwari nenguva yaAbhiatari mupristi mukuru, akadya zvingwa zvekuratidza zvakange zvisiri pamutemo kudyiwa, kunze nevapristi, akapawo kwavari vaiva naye? | |