Site uses cookies to provide basic functionality.

OK
MARK
1 2 3 4 5 6 7 8 9 10 11 12 13 14 15 16
Prev Up Next Toggle notes
Chapter 5
Mark Shona 5:1  Vakasvika mhiri kwegungwa, kunyika yeVaGadharini.
Mark Shona 5:2  Zvino wakati abuda muchikepe, pakarepo munhu akamuchingamidza achibva kumarinda ane mweya wetsvina,
Mark Shona 5:3  uyo wakange ane ugaro kumarinda, uye kwakange kusina wakange achigona kumusunga kunyange nemaketani,
Mark Shona 5:4  nokuti kazhinji waisungwa nezvisungo zvemakumbo nemaketani, asi maketani aigurwa nepakati naye, nezvisungo zvemakumbo zvaigurwa kuita zvidimbu; uye kwakange kusina waigona kumupingudza.
Mark Shona 5:5  Zvino nguva dzese, usiku nemasikati, waiva mumakomo nemumarinda achidanidzira, achizvicheka nemabwe.
Mark Shona 5:6  Zvino wakati achiona Jesu ari kure, akamhanya ndokumunamata;
Mark Shona 5:7  akadanidzira nenzwi guru akati: Ndinei nemwi Jesu, Mwanakomana waMwari Wekumusoro-soro? Ndinokupikirai naMwari, murege kundirwadzisa.
Mark Shona 5:8  Nokuti wakati kwaari: Buda mumunhu, mweya wetsvina.
Mark Shona 5:9  Ndokumubvunza akati: Zita rako ndiani? Akapindura achiti: Zita rangu rinonzi Regiyoni, nokuti tiri vazhinji.
Mark Shona 5:10  Akamukumbirisa zvikuru kuti arege kuvaendesa kunze kwenyika.
Mark Shona 5:11  Zvino kwakange kuripo pedo nemakomo boka guru renguruve dzichifura.
Mark Shona 5:12  Nemadhimoni ese akamukumbira zvikuru achiti: Titumirei kunguruve kuti tipinde madziri.
Mark Shona 5:13  Pakarepo Jesu akaatendera. Mweya yetsvina ikabuda ikapinda munguruve; boka rikapitirikira kumawere kuenda kugungwa, dzinenge dzaiva zvuru zviviri, dzikabitirirwa mugungwa.
Mark Shona 5:14  Zvino vaifudza nguruve vakatiza, vakanoreva muguta neparuwa. Vakabuda kuzoona kuti chii chainge chaitwa.
Mark Shona 5:15  Vakasvika kuna Jesu, vakaona wakange ane madhimoni, iye waiva neRegiyoni agere, akapfeka ari munhu kwaye; vakatya.
Mark Shona 5:16  Uye avo vakange vazviona, vakavarondedzera kuti zvakaitika sei kune wakange ane madhimoni nepamusoro penguruve.
Mark Shona 5:17  Vakatanga kumukumbirisa kuti abve mudunhu mavo.
Mark Shona 5:18  Zvino wakati achipinda muchikepe, iye waiva nemadhimoni akamukumbirisa kuti ave naye.
Mark Shona 5:19  Asi Jesu haana kumutendera, asi wakati kwaari: Enda kumba kwako, kune vekwako, unovaudza kuti zvikuru sei Ishe zvaakuitira, nekukuitira tsitsi.
Mark Shona 5:20  Akabva ndokuenda akatanga kuparidza muDhekapori kukura kwezvinhu Jesu zvaakamuitira; vese vakashamisika.
Mark Shona 5:21  Jesu wakati ayambukazve nechikepe kune rimwe divi, chaunga chikuru chikaunganira kwaari, uye wakange ava parutivi rwegungwa.
Mark Shona 5:22  Zvino tarira, kwakasvika umwe wevakuru vesinagoge, wainzi Jairosi; zvino wakati amuona, akawira patsoka dzake.
Mark Shona 5:23  Akamukumbirisa zvikuru achiti: Mukunda wangu mudiki wotandadza, dai mauya muise maoko pamusoro pake kuti aponeswe uye achararama.
Mark Shona 5:24  Akaenda naye; chaunga chikuru chikamutevera, chikamutsimbirira.
Mark Shona 5:25  Zvino umwe mukadzi waiva nekubuda ropa makore gumi nemaviri,
Mark Shona 5:26  wakange atambura zvikuru kuvarapi vazhinji, wakange apedza zvese zvaakange anazvo, asina kutongobatsirika, asi pachinhambo cheizvi ainyanyisa,
Mark Shona 5:27  wakati anzwa zvaJesu, akauya nepakati pechaunga neshure, akabata nguvo yake.
Mark Shona 5:28  Nokuti wakati: Kana ndikabata nguvo dzake chete, ndichaponeswa.
Mark Shona 5:29  Zvino pakarepo chitubu cheropa rake chikapwa, akanzwa mumuviri kuti waporeswa pachifo.
Mark Shona 5:30  Zvino pakarepo Jesu achiziva mukati make kuti simba rabuda maari, akatendeuka pachaunga akati: Ndiani wabata nguvo dzangu?
Mark Shona 5:31  Vadzidzi vake vakati kwaari: Munoona chaunga chinokutsimbirirai, zvino moti: Ndiani wandibata?
Mark Shona 5:32  Zvino wakaringa-ringa kuona uyo wakange aita ichi.
Mark Shona 5:33  Asi mukadzi achitya, nekubvunda, achiziva zvakange zvaitika maari, akauya ndokuwira pamberi pake, ndokumuudza chokwadi chese.
Mark Shona 5:34  Ndokuti kwaari: Mukunda, rutendo rwako rwakuponesa, enda nerugare, poreswa pachifo chako.
Mark Shona 5:35  Wakati achataura, kwakasvika vamwe vemukuru wesinagoge vakati: Mukunda wenyu wafa, muchiri kutambudzirei Mudzidzisi?
Mark Shona 5:36  Pakarepo Jesu achinzwa shoko rakataurwa akati kumukuru wesinagoge: Usatya, tenda chete.
Mark Shona 5:37  Akasatendera munhu kumutevera, kunze kwaPetro, naJakobho, naJohwani munin'ina waJakobho.
Mark Shona 5:38  Zvino wakasvika mumba memukuru wesinagoge, akaona mhere-mhere nevaichema nekurira zvikuru.
Mark Shona 5:39  Zvino wakati apinda akati kwavari: Munoitirei mhere-mhere muchichema? Mwana haana kufa, asi arere.
Mark Shona 5:40  Vakamuseka. Asi iye wakati avabudisa vese panze, akatora baba vemwana namai nevakange vanaye, akapinda makange murere mwana.
Mark Shona 5:41  Akabata ruoko rwemwana, akati kwaari: "Tarita kumi"; ndokuti kana zvichishandurwa: Musikana mudiki, ndinoti kwauri, muka.
Mark Shona 5:42  Pakarepo musikana wakasimuka, akafamba; nokuti waiva wemakore gumi nemaviri; vakashamisika nekushamisika kukuru.
Mark Shona 5:43  Akavaraira zvikuru kuti kusava nemunhu anoziva izvi; akati apiwe kudya.