I TIMOTHY
Chapter 5
I Ti | Shona | 5:4 | Asi kana imwe chirikadzi ine vana kana vazukuru, ngavatange kudzidza kuratidza rukudzo kumba kwavo pachavo, vadzosere zvakafanira kuvabereki; nokuti ndizvo zvakanaka zvinogamuchirwa pamberi paMwari. | |
I Ti | Shona | 5:5 | Zvino uyo ari chirikadzi zvirokwazvo yakasiiwawo yega anovimba naMwari, anogarawo pamikumbiro neminyengetero siku nesikati. | |
I Ti | Shona | 5:8 | Asi kana munhu asingachengeti vekwake, zvikuruwo veimba yake, waramba rutendo, uye wakaipa kukunda asingatendi. | |
I Ti | Shona | 5:9 | Chirikadzi ngainyorwe pasi ine makore asiri pasi pemakumi matanhatu, yaiva mukadzi wemurume umwe, | |
I Ti | Shona | 5:10 | inopupurirwa mabasa akanaka, kana yakarera vana, kana yakagamuchira vaeni, kana yakashambidza tsoka dzevatsvene, kana yakabatsira vari mumatambudziko, kana yakateverera basa rese rakanaka. | |
I Ti | Shona | 5:11 | Asi chirikadzi diki urambe, nokuti kana dzochiva zvinopesana naKristu, dzinoda kuwanikwa; | |
I Ti | Shona | 5:13 | Neipapowo dzinodzidza usimbe dzichipotedza dzimba; uye hadzisi simbe chete, asi vezvisina maturo, vanopindira zvisi zvavo, vachitaura zvavasingafaniri. | |
I Ti | Shona | 5:14 | Naizvozvo ndinoda kuti chirikadzi diki dziwanikwe, dzibereke vana, dzibate dzimba dzadzo, dzirege kutongopa muvengi mukana wekutuka. | |
I Ti | Shona | 5:16 | Kana murume upi neupi kana mukadzi anotenda ane chirikadzi, ngaadzibatsire, nekereke irege kuremedzwa, kuti ibatsire chirikadzi chaidzo. | |
I Ti | Shona | 5:17 | Vakuru vanobata zvakanaka ngavaverengerwe sevanofanirwa nekukudzwa kwakapetwa, zvikuru avo vanobata nesimba pashoko nepadzidziso. | |
I Ti | Shona | 5:18 | Nokuti rugwaro rwunoti: Usasunga muromo wenzombe inopura; uye: Mushandi wakafanirwa nemubairo wake. | |
I Ti | Shona | 5:19 | Usangogamuchira mhaka inopomerwa mutariri, kunze kana kuri mberi kwezvapupu zviviri kana zvitatu. | |
I Ti | Shona | 5:21 | Ndinokurairisa kwazvo pamberi paMwari naIshe Jesu Kristu, nevatumwa vakasanangurwa, kuti uchengete zvinhu izvi usingagari watotonga, kana kuita chinhu uchitsaura vanhu. | |
I Ti | Shona | 5:22 | Usakurumidza kuisa maoko pamusoro pemunhu, kana kugovana pazvivi zvevamwe; uzvichengete iwe uri mutsvene. | |
I Ti | Shona | 5:23 | Usachiramba uchinwa mvura chete, asi ushandise waini shoma, nekuda kwemudumbu mako neundonda hwako hwekazhinji. | |
I Ti | Shona | 5:24 | Zvivi zvevamwe vanhu zviri pachena, zvinotungamirira kukutongwa; zvevamwewo zvichiteverawo. | |