Site uses cookies to provide basic functionality.

OK
PHILEMON
1
Chapter 1
Phil Shona 1:1  Pauro musungwa waKristu Jesu, naTimotio hama, kuna Firimoni mudikanwi nemushumiri pamwe nesu,
Phil Shona 1:2  nekumudikanwi Apifia, nekuna Akipo muuto pamwe nesu, nekukereke iri mumba mako:
Phil Shona 1:3  Nyasha kwamuri nerugare rwunobva kuna Mwari Baba vedu naIshe Jesu Kristu.
Phil Shona 1:4  Ndinovonga Mwari wangu, ndichikureva nguva dzese paminyengetero yangu,
Phil Shona 1:5  ndichinzwa zverudo rwako, nerutendo rwaunarwo kuna Ishe Jesu nekuvatsvene vese,
Phil Shona 1:6  kuti kudyidzana kwerutendo rwako kuve nesimba pakuziva chese chakanaka chiri mamuri muna Kristu Jesu.
Phil Shona 1:7  Nokuti tine mufaro mukuru nekunyaradzwa parudo rwako, nokuti ura hwevatsvene hwakavandudzwa newe, hama.
Phil Shona 1:8  Naizvozvo kunyange ndine kushinga kukuru muna Kristu kukuraira izvo zvakafanira,
Phil Shona 1:9  asi nekuda kwerudo zviri nani kukumbirisa, sezvandakadai ini Pauro mutana, uye ikozvinowo musungwa waJesu Kristu.
Phil Shona 1:10  Ndinokukumbirisa pamusoro pemwana wangu, wandakabereka muzvisungo zvangu, Onesimo,
Phil Shona 1:11  wakange asingambokubatsiri, asi ikozvino anobatsira kwauri nekwandiri,
Phil Shona 1:12  wandatumirazve kwauri; asi iwe, mugamuchire, ndiko kuti ura hwangu;
Phil Shona 1:13  wandaida kuramba naye aneni, kuti panzvimbo yako andishumire pazvisungo zveevhangeri;
Phil Shona 1:14  asi handina kuda kuita chinhu kunze kwetendero yako, kuti chakanaka chako chirege kuitwa nekurovererwa, asi sepachido.
Phil Shona 1:15  Nokuti zvimwe wakaparadzaniswa newe chinguva nemhaka iyi, kuti umugamuchirezve nekusingaperi;
Phil Shona 1:16  arege kuchiva semuranda, asi anopfuura muranda, hama inodikanwa, zvikuru kwandiri, asi zvikuru sei kwauri zvese panyama nemuna Ishe.
Phil Shona 1:17  Naizvozvo kana uchindiverenga semubatidzani, mugamuchire seunogamuchira ini.
Phil Shona 1:18  Asi kana akakutadzira chimwe kana kuva nengava newe, izvozvo zviverengere kwandiri;
Phil Shona 1:19  ini Pauro ndanyora neruoko rwangu, ini ndicharipa; kuti ndirege kuti kwauri, uri ngava kwandiri iwewo pachako.
Phil Shona 1:20  Hongu, hama, ngandive nemufaro newe muna Ishe; vandudza ura hwangu muna Ishe.
Phil Shona 1:21  Ndakunyorera ndichivimba kuteerera kwako, ndichiziva kutiwo uchaita kupfuura zvandinoreva.
Phil Shona 1:22  Uyewo panguva iyoyo ndigadzirire pekugara; nokuti ndinotarisira kuti kubudikidza neminyengetero yenyu ndichapiwa kwamuri.
Phil Shona 1:23  Anokukwazisa Epafrasi musungwa pamwe neni muna Kristu Jesu,
Phil Shona 1:24  Mariko, Arisitako, Dhemasi, Ruka, vabati pamwe neni.
Phil Shona 1:25  Nyasha dzaIshe wedu Jesu Kristu ngadzive nemweya wenyu. Ameni.