Toggle notes
Chapter 1
Phil | Shona | 1:1 | Pauro musungwa waKristu Jesu, naTimotio hama, kuna Firimoni mudikanwi nemushumiri pamwe nesu, | |
Phil | Shona | 1:6 | kuti kudyidzana kwerutendo rwako kuve nesimba pakuziva chese chakanaka chiri mamuri muna Kristu Jesu. | |
Phil | Shona | 1:7 | Nokuti tine mufaro mukuru nekunyaradzwa parudo rwako, nokuti ura hwevatsvene hwakavandudzwa newe, hama. | |
Phil | Shona | 1:9 | asi nekuda kwerudo zviri nani kukumbirisa, sezvandakadai ini Pauro mutana, uye ikozvinowo musungwa waJesu Kristu. | |
Phil | Shona | 1:13 | wandaida kuramba naye aneni, kuti panzvimbo yako andishumire pazvisungo zveevhangeri; | |
Phil | Shona | 1:14 | asi handina kuda kuita chinhu kunze kwetendero yako, kuti chakanaka chako chirege kuitwa nekurovererwa, asi sepachido. | |
Phil | Shona | 1:15 | Nokuti zvimwe wakaparadzaniswa newe chinguva nemhaka iyi, kuti umugamuchirezve nekusingaperi; | |
Phil | Shona | 1:16 | arege kuchiva semuranda, asi anopfuura muranda, hama inodikanwa, zvikuru kwandiri, asi zvikuru sei kwauri zvese panyama nemuna Ishe. | |
Phil | Shona | 1:19 | ini Pauro ndanyora neruoko rwangu, ini ndicharipa; kuti ndirege kuti kwauri, uri ngava kwandiri iwewo pachako. | |
Phil | Shona | 1:21 | Ndakunyorera ndichivimba kuteerera kwako, ndichiziva kutiwo uchaita kupfuura zvandinoreva. | |
Phil | Shona | 1:22 | Uyewo panguva iyoyo ndigadzirire pekugara; nokuti ndinotarisira kuti kubudikidza neminyengetero yenyu ndichapiwa kwamuri. | |