ACTS
Chapter 1
Acts | Shona | 1:1 | Rondedzero yekutanga ndakaiita, haiwa Teofiro, pamusoro pezvese Jesu zvaakatanga kuita uyewo kudzidzisa, | |
Acts | Shona | 1:2 | kusvikira zuva raakakwidzwa, amboraira neMweya Mutsvene kuvaapositori vaakange asarudza; | |
Acts | Shona | 1:3 | vaakazviratidzawo kwavari ari mupenyu shure kwekutambudzika kwake neuchapupu uzhinji hunopwisa, achionekwa navo kwemazuva makumi mana, achitaura zvinhu zveushe hwaMwari. | |
Acts | Shona | 1:4 | Zvino aungana navo, akavaraira kuti varege kubva muJerusarema asi vamirire chivimbiso chaBaba, chamakanzwa neni; | |
Acts | Shona | 1:5 | nokuti Johwani zvirokwazvo wakabhabhatidza nemvura, asi imwi muchabhabhatidzwa neMweya Mutsvene pasina mazuva mazhinji kubva ikozvino. | |
Acts | Shona | 1:6 | Naizvozvo ivo vakati vaungana vakamubvunza vachiti: Ishe, muchadzosera ushe kuna Israeri nenguva ino here? | |
Acts | Shona | 1:7 | Zvino akati kwavari: Hazvisi zvenyu kuziva nguva kana misi Baba yavakatara nesimba ravo pachavo; | |
Acts | Shona | 1:8 | asi muchagamuchira simba, Mweya Mutsvene asvika pamusoro penyu; uye muchava zvapupu zvangu zvese paJerusarema nemuJudhiya mese nemuSamaria, kusvikirawo kumugumo wenyika. | |
Acts | Shona | 1:9 | Zvino wakati areva zvinhu izvi, akakwidzwa vakatarira, negore rikamubvisa pameso avo. | |
Acts | Shona | 1:10 | Zvino vachakatarisisa kudenga, achikwira, zvino tarira, varume vaviri vakamira navo nenguvo chena; | |
Acts | Shona | 1:11 | ivowo vakati: Varume veGarirea, makamirirei makatarisisa kudenga? Iyeyu Jesu, anobviswa kwamuri achikwidzwa kudenga, achauya saizvozvo sezvamunomuona achienda kudenga. | |
Acts | Shona | 1:12 | Zvino vakadzokera kuJerusarema vachibva pagomo rinonzi reMiorivhi riri pedo neJerusarema, chinhambwe cherwendo rwesabata. | |
Acts | Shona | 1:13 | Vakati vapinda, vakakwira mukamuri yepamusoro apo paigara vese Petro naJakobho naJohwani naAndiriya, Firipi naTomasi, Bhatironomiyo naMatewu, Jakobho waArifio naSimoni muZiroti, naJudhasi waJakobho. | |
Acts | Shona | 1:14 | Ava vese vakatsungirira nemoyo umwe mumunyengetero nemukumbiro, pamwe nevakadzi, naMaria mai vaJesu, uye nevanin'ina vake. | |
Acts | Shona | 1:15 | Zvino mumazuva iwayo Petro wakasimuka pakati pevadzidzi akati (kwaiva nechaunga nevanhu pamwe vanenge zana nemakumi maviri): | |
Acts | Shona | 1:16 | Varume hama, zvakafanira kuti rugwaro urwu rwuzadziswe, Mweya Mutsvene zvawakagara wataura nemuromo waDhavhidhi pamusoro paJudhasi, wakange ari mutungamiriri wevaya vakabata Jesu, | |
Acts | Shona | 1:18 | Zvino uyu wakawana munda nemubairo wezvakaipa, akawa nemusoro, akaparuka nepakati, ura hwake hwese hukabvajukira kunze. | |
Acts | Shona | 1:19 | Zvikanzwikwa kuvagari vese paJerusarema, zvekuti munda uyo watumidzwa nerurimi rwavo pachavo kuti Akeridhama, ndiko kuti: Munda weropa. | |
Acts | Shona | 1:20 | Nokuti zvakanyorwa mubhuku reMapisarema zvichinzi: Musha wake ngauve dongo, uye kurege kuva neanogara mauri; uye: Utariri hwake, umwe ngaatore. | |
Acts | Shona | 1:21 | Naizvozvo zvakafanira pavarume ava vaifamba nesu munguva yese, apo Ishe Jesu aipinda nekubuda pakati pedu, | |
Acts | Shona | 1:22 | kutanga parubhabhatidzo rwaJohwani, kusvikira pazuva raakwidzwa kubva kwatiri, umwe wavo ngaave chapupu pamwe nesu chekumuka kwake. | |
Acts | Shona | 1:23 | Zvino vakamisa vaviri: Josefa wainzi Bharisabhasi, wakatumidzwawo Jusito, naMatiasi. | |
Acts | Shona | 1:24 | Vakanyengetera vachiti: Imwi Ishe, imwi muzivi wemoyo yevese, taridzai umwe pavaviri ava wamasarudza, | |
Acts | Shona | 1:25 | kugamuchira mugove paushumiri nevuapositori, Judhasi hwaakatsauka pahuri, kuti aende panzvimbo yake pachake. | |