ACTS
Chapter 21
Acts | Shona | 21:1 | Zvino zvakaitika kuti tichibva nechikepe taparadzana navo, takafamba nenzira yakarurama tikasvika muKose, neraitevera muRodhe, tikabvapo tikasvika Patara; | |
Acts | Shona | 21:3 | Takati tabudikira Saipuresi, ndokuisiya kuruoko rweruboshwe, tikaenda kuSiriya nechikepe, tikamhara paTire; nokuti chikepe chaifanira kututunura mutoro ipapo; | |
Acts | Shona | 21:4 | zvino takati tawana vadzidzi, tikagarapo mazuva manomwe; ivo vakati neMweya kuna Pauro, arege kukwira kuJerusarema. | |
Acts | Shona | 21:5 | Zvino zvakaitika kuti takapedza mazuva, tikabva tikaenda, vese vakatiperekedza nevakadzi nevana kusvikira kunze kweguta; zvino takafugama nemabvi pamahombekombe tikanyengetera. | |
Acts | Shona | 21:7 | Asi isu takati tapedza rwendo nechikepe kubva kuTire, takasvika kuPitoremai, tikakwazisa hama tikagara navo zuva rimwe. | |
Acts | Shona | 21:8 | Chifume isu taiva naPauro takabva tikasvika kuKesariya; ndokupinda mumba maFiripi muevhangeri, waiva umwe wevanomwe, tikagara naye. | |
Acts | Shona | 21:10 | Zvino takati tagara mazuva mazhinji, kwakaburuka kubva kuJudhiya umwe muporofita wainzi Agabhusi, | |
Acts | Shona | 21:11 | ndokusvika kwatiri, akatora bhanhire raPauro, akazvisunga maoko nemakumbo ake, akati: Mweya Mutsvene anoreva izvi: Murume bhanhire iri riri rake, VaJudha paJerusarema vachamusunga saizvozvi, nekumukumikidza mumaoko evahedheni. | |
Acts | Shona | 21:12 | Zvino takati tanzwa zvinhu izvi tese isu nevenzvimbo iyo tikakumbirisa kuti arege kukwira kuJerusarema. | |
Acts | Shona | 21:13 | Asi Pauro wakapindura akati: Munoitei muchichema nekuputsa moyo wangu? Nokuti ini ndakagadzirira, kwete kusungwa chete, asi nekufa paJerusarema nekuda kwezita raIshe Jesu. | |
Acts | Shona | 21:16 | Nevamwewo vevadzidzi veKesariya vakaenda nesu, vakauya neumwe Minasoni weSaipuresi, mudzidzi wekare, watainogara naye. | |
Acts | Shona | 21:19 | Zvino wakati avakwazisa, wakarondedzera chimwe nechimwe chezvinhu Mwari chaakaita pakati pevahedheni neshumiro yake. | |
Acts | Shona | 21:20 | Ivo vakati vachizvinzwa, vakakudza Ishe; vakati kwaari: Unoona, hama, kuti zvuru zvingani zveVaJudha vanotenda; uye vese vanoshingairira murairo; | |
Acts | Shona | 21:21 | zvino vakaudzwa nezvako, kuti unodzidzisa VaJudha vese vari pakati pevahedheni kuti vasiye Mozisi, uchiti varege kudzingisa vana, kana kufamba netsika. | |
Acts | Shona | 21:22 | Ko zvino chii? Zvirokwazvo zvakafanira kuti chaunga chiungane; nokuti vachanzwa kuti wasvika. | |
Acts | Shona | 21:24 | vatore pamwe newe, uzvichenure pamwe navo, uye uripe muripo wavo, kuti vaveure musoro, kuti vese vazive kuti zvavakaudzwa maererano newe hapana zviripo, asi iwewo pachako unofamba zvakarurama uchichengeta murairo. | |
Acts | Shona | 21:25 | Asi maererano nevahedheni vanotenda isu tanyora, tikatema kuti vasachengeta chinhu chakadai, kunze kwekuti vazvidzore pane zvakabairwa zvifananidzo, neropa nezvakadzipwa neupombwe. | |
Acts | Shona | 21:26 | Ipapo Pauro wakatora varume avo, zuva raitevera akazvichenura pamwe navo, akapinda mutembere kupira kupera kwemazuva ekunatswa, kusvikira kwabairwa chibairo cheumwe neumwe wavo. | |
Acts | Shona | 21:27 | Zvino mazuva manomwe akati opera, VaJudha vaibva kuAsia pavakamuona mutembere, vakamutsa chaunga chese, ndokuisa maoko kwaari. | |
Acts | Shona | 21:28 | Vakadanidzira, vachiti: Varume VaIsraeri, batsirai! Uyu ndiye munhu anodzidzisa vese kwese-kwese zvinopesana nevanhu, nemurairo, nenzvimbo ino; pamusoro pazvo anouisa VaGirikiwo mutembere, ndokusvibisa nzvimbo ino tsvene. | |
Acts | Shona | 21:29 | Nokuti vakange vamboona Trofimo muEfeso anaye muguta, wavaifunga kuti Pauro wamupinza mutembere. | |
Acts | Shona | 21:30 | Neguta rese rakanyonganiswa; vanhu vakamhanyira pamwe; vakabata Pauro, vakamukwevera kunze kwetembere; mikova ikazarirwa pakarepo. | |
Acts | Shona | 21:31 | Zvino vakati vachitsvaka kumuuraya, shoko rikakwira kumukuru wechuru wehondo, kuti Jerusarema rese ranyonganiswa. | |
Acts | Shona | 21:32 | Iye pakarepo akatora mauto nevakuru vezana, akaburuka achimhanyira kwavari; ivo vakati vachiona mukuru wechuru chemazana nemauto, vakarega kurova Pauro. | |
Acts | Shona | 21:33 | Zvino mukuru wechuru chemazana wakaswedera, akamubata, ndokuraira kuti asungwe nemaketani maviri, akabvunza kuti waiva ani, uye kuti waitei. | |
Acts | Shona | 21:34 | Zvino vamwe pakati pevazhinji vakadanidzira chimwe vamwe chimwewo; zvino asingagoni kuziva chokwadi nekuda kwenyonga-nyonga, wakaraira kuti aiswe kuimba yemauto. | |
Acts | Shona | 21:35 | Zvino wakati asvika pamitanho, zvakaitika kuti atakurwe nemauto nekuda kwemhirizhonga yechaunga; | |
Acts | Shona | 21:37 | Pauro wakati oda kupinzwa muimba yemauto akati kumukuru wechuru: Zvinotenderwa here kuti nditaure chinhu kwauri? Iye ndokuti: Unoziva chiGiriki here? | |
Acts | Shona | 21:38 | Ko iwe hausi uya muEgipita wakamutsa bongozozo mazuva ano asati asvika here, akatungamirira kurenje zvuru zvina zvevarume vaiva mhondi? | |
Acts | Shona | 21:39 | Asi Pauro wakati: Ini ndiri munhu muJudha, weTaso yeKirikia, mugari weguta risina kureruka. Zvino ndinokukumbirai, nditenderei kutaura kuvanhu. | |