ACTS
Chapter 26
Acts | Shona | 26:1 | Zvino Agripa akati kuna Pauro: Unotenderwa kuzvitaurira. Ipapo Pauro akatandavadza ruoko, akazvipindurira achiti: | |
Acts | Shona | 26:2 | Pane zvese zvandakamhan'arirwa neVaJudha, mambo Agripa, ndinoona ndichifara kuti ndodozvidavirira pamberi penyu nhasi; | |
Acts | Shona | 26:3 | zvikuru nokuti ndinoziva kuti mune ruzivo rwetsika dzese nemakakava ari pakati peVaJudha; naizvozvo ndinokukumbirai, kuti mundinzwe nemoyo murefu. | |
Acts | Shona | 26:4 | Naizvozvo mufambiro wangu kubva paudiki, waiva kubva pakutanga pakati perudzi rwangu paJerusarema, VaJudha vese vanoziva, | |
Acts | Shona | 26:5 | vaindiziva kubva pakutanga kana vachida kupupura, kuti nenzira yakasimba yeboka rechitendero chedu ndairarama ndiri muFarisi. | |
Acts | Shona | 26:6 | Uye ikozvino ndimire ndichitongwa nekuda kwetariro yechivimbiso chakaitwa naMwari kumadzibaba, | |
Acts | Shona | 26:7 | marudzi edu gumi nemaviri achishumira akasimba siku nesikati vachitarisira kusvika pachiri. Nekuda kwetariro iyi, mambo Agripa, ndinopiwa mhosva neVaJudha. | |
Acts | Shona | 26:8 | Sei zvichifungwa kuti zvinhu zvisingatendeseki kwamuri, kana Mwari achimutsa vakafa? | |
Acts | Shona | 26:9 | Naizvozvo ini ndaifunga ndomene kuti ndinofanira kuita zvinhu zvizhinji zvinopesana nezita raJesu weNazareta; | |
Acts | Shona | 26:10 | neni zvandakaita muJerusarema, uye ini ndakapfigira vazhinji vevatsvene mumatirongo, ndagamuchira simba kubva kuvapristi vakuru; nepavaiurawa ndaizvisarudza. | |
Acts | Shona | 26:11 | Uye ndaivaranga kazhinji mumasinagoge ese, ndichivaroverera kuti vanyombe; zvino ndichinyanya kuvapengera, ndakavashusha kusvikira nekumaguta ekunze. | |
Acts | Shona | 26:13 | pamasikati makuru, mambo, ndakaona munzira chiedza chichibva kudenga, chaikunda kupenya kwezuva, chichipenya chakandipoteredza nevaifamba neni. | |
Acts | Shona | 26:14 | Zvino takati tese tawira pasi pavhu, ndakanzwa izwi richitaura kwandiri richiti nerurimi rwechiHebheru: Sauro, Sauro, unondishushirei? Zvinokuremera kukavana nezvibayo. | |
Acts | Shona | 26:16 | Asi simuka, uye umire netsoka dzako; nokuti ndazviratidzira izvi kwauri, ndikuite mushumiri nechapupu zvese chezvinhu zvawakaona nezvandichazviratidza nazvo kwauri, | |
Acts | Shona | 26:18 | kusvinudza meso avo, nekuvatendeusa kubva murima vaende kuchiedza, nepasimba raSatani vaende kuna Mwari, kuti vagamuchire kanganwiro yezvivi, uye nhaka pakati pevakaitwa vatsvene nerutendo rwuri mandiri. | |
Acts | Shona | 26:20 | asi ndakaparidza kutanga kune veDhamasiko neveJerusarema, nekudunhu rese reJudhiya, nekuvahedheni, kuti vatendeuke, uye vadzokere kuna Mwari, vaite mabasa akafanira kutendeuka. | |
Acts | Shona | 26:22 | Naizvozvo ndawana rubatsiro kubva kuna Mwari, ndakamira kusvikira zuva rino, ndichipupura kuvadiki nevakuru, ndisingarevi zvimwe zvinhu kunze kweizvo vaporofita naMozisi zvavakataura kuti zvichaitika, | |
Acts | Shona | 26:23 | kuti Kristu wakafanira kutambudzika, uye kuti ari wekutanga kumuka kuvakafa, achaparidza chiedza kuvanhu ava nekuvahedheni. | |
Acts | Shona | 26:24 | Zvino wakati achazvidavirira zvinhu izvi, Fesitasi akati nenzwi guru: Pauro, unopenga; kudzidza kukuru kunokupenza. | |
Acts | Shona | 26:25 | Asi wakati: Handipengi, Fesitasi changamire; asi ndinodanidzira mashoko echokwadi uye euchenjeri. | |
Acts | Shona | 26:26 | Nokuti mambo vanoziva zvezvinhu izvi ivo vandinotaura pamberi pavowo ndisingatyi; nokuti ndine chokwadi kuti hapana chimwe chezvinhu izvi chakavanzika kwavari, nokuti chinhu ichi hachina kuitwa pachikona. | |
Acts | Shona | 26:29 | Pauro ndokuti: Ndinoshuva kuna Mwari, kunyange nediki uye nehuru musava imwi mega, asi nevese vanondinzwa nhasi, vave vakadai sezvandiri ini, kunze kwezvisungo izvi. | |
Acts | Shona | 26:30 | Zvino wakati ataura zvinhu izvi, mambo akasimuka, nemutungamiriri, naBhenike, nevakange vagere navo; | |
Acts | Shona | 26:31 | vakati vabuda vakataurirana, vachiti: Munhu uyu haaiti chinhu chakafanira rufu kana zvisungo. | |