ACTS
Chapter 20
Acts | Shona | 20:1 | Shure kwekuguma kwemhirizhonga, Pauro akadanira kwaari vadzidzi, akavambundikira, akabuda kuti aende kuMakedhonia. | |
Acts | Shona | 20:2 | Zvino wakati agura nemativi iwawo, avakurudzira nemashoko mazhinji, akasvika kuGirisi, | |
Acts | Shona | 20:3 | akati agara mwedzi mitatu, rangano yaitwa neVaJudha pamusoro pake, ava kuda kuenda kuSiriya nechikepe, akazvipira kudzokera nemuMakedhonia. | |
Acts | Shona | 20:4 | Zvino Sopatro weBheriya wakamuperekedza kusvika kuAsia, neveVaTesaronika, Arisitako naSekundo, naGayo weDhebhe, naTimotio, uye Tikiko naTrofimo VaAsia. | |
Acts | Shona | 20:6 | Asi isu takabva Firipi nechikepe mushure memazuva ezvingwa zvisina mbiriso, zvino takasvika kwavari paTroasi mumazuva mashanu, patakagara mazuva manomwe. | |
Acts | Shona | 20:7 | Zvino nemusi wekutanga wevhiki, vadzidzi vakaungana kumedura chingwa, Pauro akaparidza kwavari, achida kubva chifume, akaredzva nhaurwa kusvikira pakati peusiku. | |
Acts | Shona | 20:9 | Zvino pahwindo pakange pagere rimwe jaya rainzi Yutikosi, rikabatwa nehope kwazvo, Pauro wakati achiparidza nguva refu, iro rikakundwa nehope, rikawira pasi, kubva panhurikwa yechitatu, ndokunongwa rafa. | |
Acts | Shona | 20:10 | Zvino Pauro akaburuka akazviwisira pamusoro paro, akarimbundikira akati: Musazvinetsa; nokuti mweya waro uri mariri. | |
Acts | Shona | 20:11 | Wakati akwirazve ndokumedura chingwa ndokudya, akataura navo nguva refu kusvikira kuchiedza, saizvozvo wakaenda. | |
Acts | Shona | 20:13 | Asi isu, takatungamira kuchikepe, tikaenda nechikepe kuAso, takananga kukwidza Pauro ipapo; nokuti wakange aronga saizvozvo, iye achitarisira kufamba netsoka. | |
Acts | Shona | 20:15 | tikabva ipapo nechikepe, chifume tikasvika pakatarisana neKiyo; chifume tikasvika paSamo; ndokugara paTrogiriamu, chifume tikasvika Mireto. | |
Acts | Shona | 20:16 | Nokuti Pauro wakange akazvipira kupfuura Efeso nechikepe, kuti asapedza nguva paAsia; nokuti waimhanya, kana zvichibvira kwaari, ave paJerusarema nezuva rePendekosita. | |
Acts | Shona | 20:18 | Zvino vakati vasvika kwaari, akati kwavari: Imwi munoziva kubva pazuva rekutanga randakasvika muAsia, kuti ndakava nemwi sei nguva dzese, | |
Acts | Shona | 20:19 | ndichibatira Ishe nekuzvininipisa kwese uye nemisodzi mizhinji, nemiedzo yakandiwira nerangano dzeVaJudha; | |
Acts | Shona | 20:20 | kuti handina sei kuvanza zvezvingabatsira, kusakuparidzirai nekukudzidzisai pachena uye muimba neimba, | |
Acts | Shona | 20:21 | ndichipupura zvese kuVaJudha nekuVaGiriki kutendeukira kuna Mwari, nerutendo kuna Ishe wedu Jesu Kristu. | |
Acts | Shona | 20:22 | Zvino ikozvino tarirai, ini ndinoenda kuJerusarema ndakasungwa neMweya, ndisingazivi zvichandiwira mariri, | |
Acts | Shona | 20:23 | kunze kwekuti Mweya Mutsvene anopupura muguta rimwe nerimwe achiti zvisungo nenhamo zvakandigarira. | |
Acts | Shona | 20:24 | Asi handirangariri chinhu pane izvi, uye handiverengeri upenyu hwangu kuti chinhu chinokosha kwandiri kuti ndipedze rwendo rwangu nemufaro nebasa randakagamuchira kuna Ishe Jesu rekupupura evhangeri yenyasha dzaMwari. | |
Acts | Shona | 20:25 | Zvino ikozvino tarirai, ini ndinoziva kuti imwi mese, vandakafamba pakati penyu ndichiparidza ushe hwaMwari, hamuchazooni chiso changu. | |
Acts | Shona | 20:28 | Naizvozvo zvichenjererei imwi, neboka rese Mweya Mutsvene paakakugadzai vatariri pamusoro paro, kuti mufudze kereke yaMwari, yaakatenga neropa rake amene. | |
Acts | Shona | 20:29 | Nokuti ini ndinoziva izvi, kuti shure kwekuenda kwangu mapumhi anorura achapinda pakati penyu, asingaregi boka; | |
Acts | Shona | 20:30 | uye kubva pamuri imwi momene pachamuka varume vachataura zvinhu zvinotsausa, kuti vakwezve vadzidzi vavatevere. | |
Acts | Shona | 20:31 | Naizvozvo rindai, murangarire kuti kwemakore matatu handina kuguma siku nesikati kuyambira umwe neumwe nemisodzi. | |
Acts | Shona | 20:32 | Uye ikozvino hama, ndinokukumikidzai kuna Mwari nekushoko renyasha dzake, iye anogona kukuvakai, nekukupai nhaka pakati pevese vakaitwa vatsvene. | |
Acts | Shona | 20:35 | Pazvinhu zvese ndakakuratidzai, kuti muchibata saizvozvi munofanira kubatsira vane utera, nekurangarira mashoko aIshe Jesu, kuti iye wakati: Kwakaropafadzwa kupa kupfuura kugamuchira. | |