ACTS
Chapter 5
Acts | Shona | 5:2 | akazvisiira pamutengo, mukadzi wake achizivawo, akauya nechimwe chikamu, ndokuisa patsoka dzevaapositori. | |
Acts | Shona | 5:3 | Asi Petro wakati: Ananiasi, Satani wazadzirei moyo wako kuti ureve nhema kuMweya Mutsvene, nekuzvisiira pamutengo wemunda? | |
Acts | Shona | 5:4 | Uchiripo hauna kuramba uri wako here, watengeswa wakange usi musimba rako here? Sei waisa mumoyo mako chiito ichi? Hauna kureva nhema kuvanhu, asi kuna Mwari. | |
Acts | Shona | 5:5 | Zvino Ananiasi achinzwa mashoko awa, wakawira pasi, akapera; kutya kukuru ndokuwira pamusoro pevese vakanzwa zvinhu izvi. | |
Acts | Shona | 5:7 | Zvino zvakaitika maawa anenge matatu apfuura, kuti mukadzi wake asingazivi zvaitika wakapinda. | |
Acts | Shona | 5:8 | Petro ndokumupindura akati: Ndiudze kana matengesa munda nezvakadai? Ndokuti: Hongu, nezvakadai. | |
Acts | Shona | 5:9 | Petro ndokuti kwaari: Sei matenderana kuedza Mweya waIshe? Tarira, tsoka dzevaviga murume wako pamukova, newe vachakutakurira kunze. | |
Acts | Shona | 5:10 | Ipapo akawira pasi pakarepo patsoka dzake, akapera; majaya akapinda akamuwana afa, akamutakurira kunze ndokuviga nechepamurume wake. | |
Acts | Shona | 5:11 | Kutya kukuru ndokuwira pamusoro pekereke yese nepamusoro pevese vakanzwa zvinhu izvi. | |
Acts | Shona | 5:12 | Uye nemaoko evaapositori kwakaitwa zviratidzo nezvishamiso zvizhinji pakati pevanhu; uye vese vaiva nemoyo umwe muberere raSoromoni. | |
Acts | Shona | 5:13 | Asi pavamwe kwakange kusina munhu wakashinga kuzvisanganisa kwavari; asi vanhu vaivakudza. | |
Acts | Shona | 5:14 | Uye vatendi vakanyanya kuwedzerwa kuna Ishe, zvaunga zvinoti zvevarume zvikati zvevakadzi. | |
Acts | Shona | 5:15 | Zvekuti vatakurira kunze varwere munzira dzemuguta, uye vakaradzika pamibhedha nepanhovo, kuti kana Petro achiuya, kunyange mumvuri udzikatire umwe wavo. | |
Acts | Shona | 5:16 | Zvino kwakaunganawo chaunga chemaguta akapoteredza kuJerusarema, vachitakura varwere, nevaitambudzwa nemweya yetsvina, vakaporeswa vese. | |
Acts | Shona | 5:17 | Zvino mupristi mukuru akasimuka, nevese vaiva naye vari sangano reVaSadhusi, vakazara negodo, | |
Acts | Shona | 5:21 | Zvino vakati vanzwa, vakapinda mutembere mangwanani-ngwanani vakadzidzisa. Asi mupristi mukuru wakasvika nevaiva naye, vakakokera dare remakurukota pamwe neungano yese yedare revakuru revana vaIsraeri, vakatumira mapurisa kutirongo kuti vauiswe. | |
Acts | Shona | 5:23 | achiti: Tirongo zvirokwazvo takawana rakavharwa nekuchengetedzwa kwese, nevarindi vamire panze pamberi pemikova; asi tati tazarura, mukati hatina kuwana munhu. | |
Acts | Shona | 5:24 | Zvino mupristi nemutungamiriri wetembere nevapristi vakuru vakati vanzwa mashoko iwayo, vakasava nechokwadi pamusoro pavo, kuti izvi zvichazovei. | |
Acts | Shona | 5:25 | Zvino kwakasvika umwe akavaudza achiti: Tarirai, varume vamakaisa mutirongo vamire mutembere vachidzidzisa vanhu. | |
Acts | Shona | 5:26 | Zvino mutungamiriri nemapurisa vakaenda vakauya navo kwete nesimba, nokuti vaitya vanhu kuti vasatakwa nemabwe. | |
Acts | Shona | 5:27 | Vakati vavauisa vakavamisa pamberi pedare remakurukota. Mupristi mukuru ndokuvabvunza, | |
Acts | Shona | 5:28 | achiti: Hatina kukurairisai kuti musadzidzisa nezita iri here? Zvino tarirai, mazadza Jerusarema nedzidziso yenyu, uye muchishuva kuuisa ropa remunhu uyu pamusoro pedu. | |
Acts | Shona | 5:29 | Zvino Petro nevaapositori vakapindura vakati: Zvakafanira kuteerera Mwari kupfuura vanhu. | |
Acts | Shona | 5:31 | Iye uyu Mwari wakamusimudza neruoko rwake rwerudyi, ave Muvambi neMuponesi, kupa Israeri kutendeuka nekanganwiro yezvivi. | |
Acts | Shona | 5:32 | Uye isu tiri zvapupu zvake zvezvinhu izvi, neMweya Mutsvenewo, Mwari waakapa avo vanomuteerera. | |
Acts | Shona | 5:34 | Ipapo kukasimuka umwe padare remakurukota, muFarisi wainzi Gamarieri, mudzidzisi wemurairo, waikudzwa nevanhu vese, akaraira kuti vaapositori vabudiswe chinguva chidiki. | |
Acts | Shona | 5:35 | Ndokuti kwavari: Varume VaIsraeri, zvichenjererei maererano nevanhu ava, zvamoda kuita. | |
Acts | Shona | 5:36 | Nokuti mazuva ano asati asvika kwakamuka Tudhasi, achiti iye pachake wakange ari munhu, uwandu hwevanhu hunenge mazana mana vakazvisanganisa naye; iye wakaurawa, nevese vaimuteerera neuwandu hwavo vakaparadzirwa, vakava pasina. | |
Acts | Shona | 5:37 | Shure kweuyu kukamuka Judhasi muGarirea, pamazuva ekuverengwa, akakwevera vanhu vazhinji shure kwake; iyewo wakaparara, nevese vakamuteerera neuwandu hwavo vakaparadzirwa. | |
Acts | Shona | 5:38 | Zvino ikozvino ndinoti kwamuri: Sudurukai kuvanhu ava, muvarege, nokuti kana zano iri kana basa iri riri revanhu, richaparadzwa. | |
Acts | Shona | 5:39 | Asi kana zviri zvaMwari, hamugoni kuzviparadza; kuti zvimwe muwanikwe muchirwa naMwariwo. | |
Acts | Shona | 5:40 | Vakamuteerera; uye vakati vadanira vaapositori kwavari vakavarova, vakavaraira kusataura muzita raJesu, vakavaregedza. | |
Acts | Shona | 5:41 | Naizvozvo vakabva pazviso zvedare remakurukota, vachifara kuti vakafanirwa nekuzvidzwa nekuda kwezita rake. | |