Site uses cookies to provide basic functionality.

OK
COLOSSIANS
1 2 3 4
Prev Up Next Toggle notes
Chapter 1
Colo Shona 1:1  Pauro muapositori waJesu Kristu nechido chaMwari, naTimotio hama,
Colo Shona 1:2  kuvatsvene nehama dzakatendeka muna Kristu dziri paKorose: Nyasha kwamuri nerugare rwunobva kuna Mwari Baba vedu naIshe Jesu Kristu.
Colo Shona 1:3  Tinovonga Mwari naBaba vaIshe wedu Jesu Kristu, tichikunyengetererai nguva dzese,
Colo Shona 1:4  sezvo takanzwa zverutendo rwenyu muna Kristu Jesu, uye zverudo kuvatsvene vese,
Colo Shona 1:5  nekuda kwetariro yakaisirwa imwi kumatenga, yamakagara manzwa pashoko rechokwadi cheevhangeri,
Colo Shona 1:6  yasvika kwamuri sepanyika yesewo; ichibereka chibereko, sezvainoitawo kwamuri, kubvira pazuva ramakanzwa nekuziva nyasha dzaMwari muchokwadi;
Colo Shona 1:7  sezvamakadzidzawo kuna Epafrasi, muranda anodikanwa pamwe nesu, anova mushumiri wakatendeka waKristu nekuda kwenyu,
Colo Shona 1:9  Nekuda kweizvi isuwo, kubvira pazuva ratakanzwa, hatimiri kukunyengetererai, nekukumbira kuti muzadzwe neruzivo rwechido chake pauchenjeri hwese nekunzwisisa kwemweya,
Colo Shona 1:10  kuti mufambe zvinofanira Ishe pane zvese zvinofadza, muchibereka zvibereko pabasa rese rakanaka, muchikura paruzivo rwaMwari;
Colo Shona 1:11  muchisimbiswa nesimba rese, zvichienderana nesimba rekubwinya kwake, pamoyo murefu wese nekutsungirira pamwe nemufaro;
Colo Shona 1:12  muchivonga kuna Baba, vakatiita kuti tifanire kugoverana kwenhaka yevatsvene muchiedza,
Colo Shona 1:13  vakatinunura pasimba rerima, vakatishandurira muushe hweMwanakomana werudo rwavo,
Colo Shona 1:14  watine dzikunuro maari neropa rake, ndiko kukanganwirwa kwezvivi.
Colo Shona 1:15  Anova mufananidzo waMwari asingaonekwi, dangwe rechisikwa chega-chega.
Colo Shona 1:16  Nokuti maari zvinhu zvese zvakasikwa, zviri kumatenga nezviri panyika, zvinoonekwa nezvisingaonekwi, kana zviri zvigaro zveushe, kana umambo, kana ukuru, kana masimba; zvinhu zvese zvakasikwa naye, zvikasikirwa iye.
Colo Shona 1:17  Ndiyewo anotangira zvinhu zvese, uye zvinhu zvese zvakabatanidzwa maari.
Colo Shona 1:18  Uye iye musoro wemuviri, wekereke; anova kutanga, dangwe kubva kune vakafa; kuti pazvese iye ave wekutanga;
Colo Shona 1:19  nokuti zvakafadza Baba, kuti kuzara kwese kugare maari,
Colo Shona 1:20  uye ayananisa naye zvinhu zvese kwaari, aita rugare neropa remuchinjikwa wake kubudikidza naiye, kunyange zviri panyika kunyange zviri kumatenga.
Colo Shona 1:21  Nemwi maimbova vaeni nevavengi mufungwa nemabasa akaipa, asi ikozvinowo wayanana nemwi
Colo Shona 1:22  mumuviri wenyama yake kubudikidza nerufu, akukumikidzei muri vatsvene uye musina mhosva uye musingamhuriki pamberi pake;
Colo Shona 1:23  zvino kana muchirambira parutendo makateyiwa uye makasimbiswa, uye hamubviswi patariro yeevhangeri yamakanzwa, yakaparidzirwa chisikwa chega-chega chiri pasi pedenga; iyo yandakaitwa mushumiri wayo ini Pauro.
Colo Shona 1:24  Zvino ikozvino ndinofara pamatambudziko angu nekuda kwenyu, nekuzadzisa zvakasara pamatambudziko aKristu munyama yangu nekuda kwemuviri wake, unova kereke;
Colo Shona 1:25  ini yandakaitwa mushumiri wayo zvichienderana nekubatiswa kwaMwari chandakapiwa pamusoro penyu, kuzadzisa shoko raMwari,
Colo Shona 1:26  chakavanzika chakange chakavanzwa kubvira kare uye kubva kumazera, asi ikozvino chinoratidzwa kuvatsvene vake,
Colo Shona 1:27  kune ivo Mwari vaakada kuzivisa kuti fuma yekubwinya kwechakavanzika ichi pakati pevahedheni chii, chinova Kristu mamuri, tariro yekubwinya;
Colo Shona 1:28  watinoparidza isu, tichiyambira munhu umwe neumwe, nekudzidzisa munhu umwe neumwe munjere dzese, kuti tikumikidze munhu umwe neumwe akakwana muna Kristu Jesu;
Colo Shona 1:29  ndizvo zvandinoshingairirawo, ndichirwa zvinoenderana nekubata kwake kunobata mandiri nesimba.