Site uses cookies to provide basic functionality.

OK
GALATIANS
1 2 3 4 5 6
Prev Up Next Toggle notes
Chapter 4
Gala Shona 4:1  Zvino ndinoti, mudyi wenhaka, kana achingori mwana chete, haatongosiyani nemuranda, kunyange ari ishe wezvese;
Gala Shona 4:2  asi ari pasi pevachengeti nevatariri kusvikira panguva yakatarwa nababa.
Gala Shona 4:3  Saizvozvo nesu, patakange tiri vana, taiva muuranda pasi pedzidziso dzekutanga dzenyika.
Gala Shona 4:4  Asi apo kuzara kwenguva kwasvika, Mwari wakatuma Mwanakomana wake, wakavapo kubva kumukadzi, wakavapo pasi pemurairo,
Gala Shona 4:5  kuti adzikunure vari pasi pemurairo, kuti tigamuchire kuitwa vanakomana.
Gala Shona 4:6  Uye nokuti muri vanakomana, Mwari wakatuma Mweya weMwanakomana wake mumoyo yenyu, achidanidzira achiti: Abha*, Baba!
Gala Shona 4:7  Saka hausisiri muranda, asi mwanakomana; zvino kana wava mwanakomana, wavawo mudyi wenhaka yaMwari nemuna Kristu.
Gala Shona 4:8  Asi nenguva iyo, musingazivi Mwari, maiva varanda vevasiri vamwari pachisikirwo;
Gala Shona 4:9  asi ikozvino sezvo moziva Mwari, zvikuru sei zvamunozikanwa naMwari, modzokerazve sei kudzidziso dzekutanga dzisina simba dzeurombo, dzamunoshuva kuva muuranda hwadzo zvekarezve?
Gala Shona 4:10  Munochengetedza misi, nemwedzi, nenguva, nemakore.
Gala Shona 4:11  Ndinokutyirai, zvimwe ndakashingairira pasina kwamuri.
Gala Shona 4:12  Ivai seni, nokuti ini ndakaitawo semwi, hama, ndinokukumbirisai; hamuna kutombonditadzira chinhu;
Gala Shona 4:13  munozivawo kuti nemuundonda hwenyama, ndakaparidza evhangeri kwamuri pakutanga,
Gala Shona 4:14  nemuedzo wangu waiva panyama yangu hamuna kuzvidza kana kuramba, asi makandigamuchira semutumwa waMwari, saKristu Jesu.
Gala Shona 4:15  Zvino ropafadzo yenyu chii? Nokuti ndinokupupurirai kuti, kana zvichibvira, mutumbure meso enyu mundipe.
Gala Shona 4:16  Naizvozvo ndava muvengi wenyu nekukuudzai chokwadi here?
Gala Shona 4:17  Vanokushingairirai zvisina kunaka; asi vanoda kukuvharirai kunze, kuti mushingairire ivo.
Gala Shona 4:18  Asi zvakanaka kushingairwa pachakanaka nguva dzese, uye kwete pakuvapo kwangu chete.
Gala Shona 4:19  Vana vangu vadiki, vandinorwadziwazve nemimba pakubereka, kusvikira Kristu aumbwa mamuri,
Gala Shona 4:20  asi ndaishuva kuvapo nemwi ikozvino, uye kushandura inzwi rangu; nokuti ndiri mukukanganiswa pamusoro penyu.
Gala Shona 4:21  Ndiudzei, imwi munoshuva kuva pasi pemurairo, hamunzwi murairo here?
Gala Shona 4:22  Nokuti kwakanyorwa kuti Abhurahama wakange ane vanakomana vaviri, umwe kubva kumurandakadzi, neumwe kubva kune wakasununguka.
Gala Shona 4:23  Asi wakabva kumurandakadzi wakaberekwa panyama, asi wakabva kune wakasununguka nechivimbiso.
Gala Shona 4:24  Zvinhu izvi zvinodimikira; nokuti ava isungano mbiri; imwe yepagomo reSinai, inoberekera uranda, inova Agari.
Gala Shona 4:25  Nokuti Agari ndiro gomo reSinai muArabhiya, rinomiririra Jerusarema raikozvino uye riri pauranda pamwe nevana varo.
Gala Shona 4:26  Asi Jerusarema riri kumusoro rakasununguka rinova mai vedu tese.
Gala Shona 4:27  Nokuti kwakanyorwa kuchinzi: Fara, iwe mhanje isingazvari; pururudza, udanidzire, iwe usingarwadziwi nemimba, nokuti vana vemusiiwa vazhinji kwazvo kune veune murume.
Gala Shona 4:29  Asi sepanguva iyo uyo wakaberekwa nemutoo wenyama wakamutambudza iye wemutoo weMweya, zvakadaro kunyange ikozvino.
Gala Shona 4:30  Asi rugwaro rwunoti kudini? Dzinga murandakadzi nemwanakomana wake; nokuti mwanakomana wemurandakadzi haangatongovi mudyi wenhaka pamwe nemwanakomana wewakasununguka.
Gala Shona 4:31  Naizvozvo, hama, hatisi vana vemurandakadzi, asi vewakasununguka.