Site uses cookies to provide basic functionality.

OK
LUKE
Prev Up Next Toggle notes
Chapter 16
Luke Shona 16:1  Zvino wakataurawo kuvadzidzi vake achiti: Kwakange kune umwe munhu mufumi, waiva nemutariri; iye wakapomerwa kwaari seanoparadza nhumbi dzake.
Luke Shona 16:2  Zvino wakamudana akati kwaari: Chii ichi chandinonzwa nezvako? Rondedzera nezveutariri hwako; nokuti hauchazogoni kuva mutariri.
Luke Shona 16:3  Zvino mutariri wakati mukati make: Ndichaitei, sezvo ishe wangu wonditorera utariri? Handigoni kuchera, kupemha ndinonyara.
Luke Shona 16:4  Ndaziva zvandichaita, kuti kana ndabudiswa pautariri, vandigamuchire mudzimba dzavo.
Luke Shona 16:5  Zvino wakadanira kwaari umwe neumwe wavakange vane chikwereti kuna ishe wake, akati kune wekutanga: Une chikwereti chakadini kuna ishe wangu?
Luke Shona 16:6  Iye ndokuti: Zviyero zana zvemafuta. Ndokuti kwaari: Tora rugwaro rwako, ugare pasi nekukurumidza unyore makumi mashanu.
Luke Shona 16:7  Ndokuti kune umwe: Newe, une chikwereti chakadini? Iye ndokuti: Zviyero zana zvezviyo. Akati kwaari: Tora rugwaro rwako, unyore makumi masere.
Luke Shona 16:8  Zvino ishe wakarumbidza mutariri asakarurama, nokuti wakange aita nekuchenjera; nokuti vana venyika ino vakachenjera pazera ravo kukunda vana vechiedza.
Luke Shona 16:9  Neni ndinoti kwamuri: Muzviitire shamwari nafuma wekusakarurama, kuti kana musingachagoni, vakugamuchirei mudzimba dzekusingaperi.
Luke Shona 16:10  Wakatendeka pachidikisa wakatendekawo pachikuru, neusakarurama pachidikisa haana kururamawo pachikuru.
Luke Shona 16:11  Naizvozvo kana musina kutendeka pana fuma usakarurama, ndiani achakubatisai chinhu chechokwadi?
Luke Shona 16:12  Uye kana musina kutendeka pane cheumwe, ndiani achakupai chenyu?
Luke Shona 16:13  Hakuna muranda anogona kubatira madzitenzi maviri; nokuti zvimwe achavenga umwe, ndokuda umwe; kana kuti achanamatira kune umwe, agozvidza umwe. Hamugoni kubatira Mwari nafuma.
Luke Shona 16:14  Zvino neVaFarisi vakange vari vadi vemari, vakanzwa zvinhu izvi zvese, vakamuseka.
Luke Shona 16:15  Zvino wakati kwavari: Imwi ndimwi vanozviruramisa pamberi pevanhu, asi Mwari anoziva moyo yenyu; nokuti icho chinokwiridzirwa pakati pevanhu, chinyangadzo pamberi paMwari.
Luke Shona 16:16  Murairo nevaporofita zvaivapo kusvikira kuna Johwani; kubva ipapo ushe hwaMwari hunoparidzwa, uye umwe neumwe anosenerera mahuri.
Luke Shona 16:17  Asi zvakareruka kuti denga nenyika zvipfuure, pakuti chidodzi chimwe chemurairo chiwe.
Luke Shona 16:18  Ani nani anoramba mukadzi wake akawana umwe anoita upombwe; uye ani nani anowana wakarambwa kumurume anoita upombwe.
Luke Shona 16:19  Kwakange kune umwe munhu mufumi, waipfeka zvine ruvara rwehute nemicheka yakaisvonaka, nekufara paumbozha mazuva ese.
Luke Shona 16:20  Zvino kwakange kune umwe mupemhi wainzi Razaro, wakange akaiswa pasuwo rake azere maronda,
Luke Shona 16:21  uye waishuva kugutswa nezvimedu zvaiwa patafura yemufumi; asi kunyange imbwa dzaiuya dzichinanzva maronda ake.
Luke Shona 16:22  Zvino zvakaitika kuti mupemhi wakafa, akatakurirwa nevatumwa kuchifuva chaAbhurahama; mufumi akafawo, akavigwa.
Luke Shona 16:23  Zvino ari muhadhesi* wakasimudza meso ake, ari pamarwadzo, akaona Abhurahama ari kure, naRazaro ari pachifuva chake.
Luke Shona 16:24  Iye ndokudanidzira akati: Baba Abhurahama, ndinzwirei tsitsi, mutume Razaro, kuti anyike muromo wemunwe wake mumvura, atonhodze rurimi rwangu; nokuti ndinorwadziswa mumurazvo uyu.
Luke Shona 16:25  Asi Abhurahama wakati: Mwana, rangarira kuti iwe muupenyu hwako wakagamuchira zvakanaka zvako, saizvozvo naRazaro zvakaipa; asi zvino iye anonyaradzwa, uye iwe unorwadziwa.
Luke Shona 16:26  Uye pamusoro peizvi zvese, pakati pedu nemwi pane mukaha mukuru wakaiswa, kuti vanoda kuyambuka kubva kuno vachiuya kwamuri vakonewe, neveko varege kuyambukira kwatiri.
Luke Shona 16:27  Iye ndokuti: Naizvozvo ndinokukumbirisai, baba, kuti mumutumire kuimba yababa vangu,
Luke Shona 16:28  nokuti ndine vanakomana vamai vangu vashanu, kuti anyatsovapupurira, zvimwe ivowo vangauya panzvimbo ino yemarwadzo.
Luke Shona 16:29  Abhurahama akati kwaari: Mozisi nevaporofita vanavo; ngavanzwe ivo.
Luke Shona 16:30  Iye ndokuti: Kwete, baba Abhurahama; asi kana umwe akaenda kwavari kubva kuvakafa, vachatendeuka.
Luke Shona 16:31  Asi wakati kwaari: Kana vasingateereri Mozisi nevaporofita, havangatendiswi kunyange kana umwe akamuka kubva kuvakafa.