LUKE
Chapter 11
Luke | Shona | 11:1 | Zvino zvakaitika achinyengetera pane imwe nzvimbo, apo amira, umwe wevadzidzi vake akati kwaari: Ishe, tidzidzisei kunyengetera, Johwani sezvaakadzidzisawo vadzidzi vake. | |
Luke | Shona | 11:2 | Ndokuti kwavari: Kana muchinyengetera, muti: Baba vedu vari kumatenga, zita renyu ngariitwe dzvene. Ushe hwenyu ngahuuye. Chido chenyu ngachiitwe, panyikawo sezvachinoitwa kudenga. | |
Luke | Shona | 11:4 | Uye mutikanganwire zvivi zvedu, nokuti isuwo tinokanganwira ani nani ane ngava kwatiri. Uye musatipinza pakuedzwa, asi mutisunungure pakuipa. | |
Luke | Shona | 11:5 | Akati kwavari: Ndeupi wenyu ane shamwari, uye anoenda kwaari pakati peusiku, akati kwaari: Shamwari, ndikwerete zvingwa zvitatu, | |
Luke | Shona | 11:6 | nokuti shamwari yangu yasvika kwandiri ichibva parwendo, asi handina chinhu chandingamuperekera; | |
Luke | Shona | 11:7 | uye uyo ari mukati akapindura akati: Usandinetsa; ikozvino mukova wapfigwa, nevana vangu vadiki vaneni pamubhedha; handigoni kumuka ndikakupa. | |
Luke | Shona | 11:8 | Ndinoti kwamuri: Kunyange akasamuka akamupa, nekuda kwekuva shamwari yake, asi nekuda kwekutsungirira kwake achamuka akamupa zvese zvaanoshaiwa. | |
Luke | Shona | 11:9 | Zvino ini ndinoti kwamuri: Kumbirai, muchapiwa; tsvakai, muchawana; gogodzai, muchazarurirwa. | |
Luke | Shona | 11:10 | Nokuti wese anokumbira anogamuchira; neanotsvaka anowana; neanogogodza anozarurirwa. | |
Luke | Shona | 11:11 | Kuti ndeupi wenyu ari baba, kana mwanakomana achikumbira chingwa, angazomupa ibwe? Kanawo hove, angazomupa nyoka panzvimbo yehove here? | |
Luke | Shona | 11:13 | Naizvozvo kana imwi makaipa muchiziva kupa zvipo zvakanaka vana venyu, Baba vari kudenga vachapa zvikuru sei Mweya Mutsvene vanovakumbira. | |
Luke | Shona | 11:14 | Zvino wakange achibudisa dhimoni iro raiva chimumumu. Zvino zvakaitika kuti dhimoni rabuda, chimumumu chikataura; zvaunga zvikashamisika. | |
Luke | Shona | 11:17 | Asi iye achiziva mifungo yavo wakati kwavari: Ushe hwese hunopesana huchizvipikisa hunoparadzwa; neimba inopikisana neimba inowa. | |
Luke | Shona | 11:18 | Kana Sataniwo achipesana achizvipikisa, ushe hwake hungazomira sei? Nokuti munoti, ndinobudisa madhimoni naBheerizebhuri. | |
Luke | Shona | 11:19 | Asi kana ini ndichibudisa madhimoni naBheerizebhuri, vanakomana venyu vanobudisa nani? Naizvozvo ivo vachava vatongi venyu. | |
Luke | Shona | 11:20 | Asi kana ndichibudisa madhimoni nemunwe waMwari, naizvozvo ushe hwaMwari hwasvika kwamuri. | |
Luke | Shona | 11:21 | Kana chikakarara chashonga zvombo chichirinda chivanze chacho, nhumbi dzacho dziri murugare; | |
Luke | Shona | 11:22 | asi kana wakasimba kuchipfuura akachirwisa, akachikunda, anotora nhumbi dzacho dzese dzekurwa dzachange chichivimba nadzo, ndokugovera zvaapamba zvacho. | |
Luke | Shona | 11:24 | Kana mweya wetsvina wabuda mumunhu, unofamba uchigura nemunzvimbo dzakawoma, uchitsvaka zororo; asi uchishaiwa unoti: Ndichadzokera kuimba yangu kwandakabuda. | |
Luke | Shona | 11:26 | Ipapo unoenda ndokutora pamwe naye imwe mweya minomwe yakaipa kuupfuura, ndokupinda ndokugaramo; uye kuguma kwemunhu uyo kwakaipa kupfuura kutanga. | |
Luke | Shona | 11:27 | Zvino zvakaitika pakutaura kwake zvinhu izvozvi, umwe mukadzi pakati pechaunga akasimudza inzwi, akati kwaari: Rakaropafadzwa dumbu rakakutakurai, nemazamu amakayamwa. | |
Luke | Shona | 11:28 | Asi iye akati: Hongu, asi zvikuru vakaropafadzwa vanonzwa shoko raMwari vachirichengeta. | |
Luke | Shona | 11:29 | Zvino kwakati kwaungana zvaunga zvakatsikirirana, akatanga kuti: Zera iri rakaipa; rinotsvaka chiratidzo, asi hakuna chiratidzo chichapiwa kwariri, kunze kwechiratidzo chaJona muporofita. | |
Luke | Shona | 11:30 | Nokuti Jona sezvaakava chiratidzo kuVaNinivhi, saizvozvowo zvichaita Mwanakomana wemunhu kuzera iri. | |
Luke | Shona | 11:31 | Mambokadzi wechamhembe achasimuka pakutongwa pamwe nevarume vezera iri akavapa mhosva; nokuti wakabva pamigumo yenyika kuzonzwa uchenjeri hwaSoromoni, zvino tarirai, mukuru kuna Soromoni ari pano. | |
Luke | Shona | 11:32 | Varume veNinivhi vachasimuka pakutonga nezera iri, vakaripa mhosva, nokuti vakatendeuka pakuparidza kwaJona; zvino tarira, mukuru kuna Jona ari pano. | |
Luke | Shona | 11:33 | Hakuna munhu anoti kana atungidza mwenje anoisa pakavanda, kana pasi pedengu, asi pachigadziko chemwenje, kuti avo vanopinda vaone chiedza. | |
Luke | Shona | 11:34 | Mwenje wemuviri iziso; naizvozvo kana ziso rako riri benyu, muviri wakowo wese uzere nechiedza; asi kana rakaipa, muviri wakowo une rima. | |
Luke | Shona | 11:36 | Naizvozvo kana muviri wako wese uzere nechiedza, pasina rumwe rutivi rwune rima, uchazara nechiedza wese, sepaya mwenje uchikuvhenekera nekupenya. | |
Luke | Shona | 11:37 | Wakati achitaura, umwe muFarisi akamukumbira kuti adye naye; akapinda, akagara pakudya. | |
Luke | Shona | 11:38 | Zvino muFarisi wakati achiona, akashamisika kuti wakange asina kutanga ashamba asati adya chisvusvuro. | |
Luke | Shona | 11:39 | Ishe ndokuti kwaari: Ikozvino imwi VaFarisi munonatsa kunze kwemukombe nekwendiro, asi mukati menyu muzere neupambi neuipi. | |
Luke | Shona | 11:41 | Asi ipai sechipo kuvarombo izvo zvinhu zvemukati; zvino tarirai, zvese zvichava zvakachena kwamuri. | |
Luke | Shona | 11:42 | Asi mune nhamo VaFarisi! Nokuti munopa chegumi cheminte* neruyi* nemiriwo yese, uye muchidarika mutongo nerudo rwaMwari; maifanira kuita izvi, nekusarega zvimwe. | |
Luke | Shona | 11:43 | Mune nhamo VaFarisi! Nokuti munoda zvigaro zvepamusoro mumasinagoge, nekwaziso pamisika. | |
Luke | Shona | 11:44 | Mune nhamo, vanyori neVaFarisi, vanyepedzeri! Nokuti makafanana nemarinda asingaonekwi, uye vanhu vanofamba pamusoro pawo vasingazivi. | |
Luke | Shona | 11:45 | Zvino umwe wenyanzvi dzemutemo wakapindura akati kwaari: Mudzidzisi, kana muchitaura izvi munotuka isuwo. | |
Luke | Shona | 11:46 | Asi akati: Mune nhamowo imwi nyanzvi dzemutemo! Nokuti munoremedza vanhu nemitoro inorema kutakurwa, asi imwi momene hamubati mitoro iyi neumwe weminwe yenyu. | |
Luke | Shona | 11:48 | Naizvozvo munopupura kuti munotenderana nemabasa emadzibaba enyu; nokuti ivo vakavauraya zvirokwazvo, imwiwo munovaka marinda avo. | |
Luke | Shona | 11:49 | Naizvozvo uchenjeri hwaMwari hunotiwo: Ndichavatumira vaporofita nevaapositori, vamwe vavo vachauraya nekushusha; | |
Luke | Shona | 11:50 | kuti ropa revaporofita vese rakateurwa kubva pakuvambwa kwenyika ritsvakwe pazera iri, | |
Luke | Shona | 11:51 | kubva paropa raAberi kusvikira paropa raZakaria wakaparara pakati pearitari neimba yaMwari; hongu, ndinoti kwamuri: Richatsvakwa pazera iri. | |
Luke | Shona | 11:52 | Mune nhamo, nyanzvi dzemutemo! Nokuti makabvisa kiyi yeruzivo; hamuna kupinda momene, nevaipinda makavadzivirira. | |
Luke | Shona | 11:53 | Wakati achitaura zvinhu izvi kwavari, vanyori neVaFarisi vakatanga kuita daka naye zvikurusa, nekumubvunzisisa pamusoro pezvizhinji, | |