LUKE
Chapter 18
Luke | Shona | 18:1 | Zvino wakavaudzawo mufananidzo kuti vanofanira kunyengetera nguva dzese, uye vasaora moyo, | |
Luke | Shona | 18:2 | achiti: Kwaiva mune rimwe guta neumwe mutongi, wakange asingatyi Mwari, uye asingaremekedzi munhu; | |
Luke | Shona | 18:3 | zvino kwakange kune chirikadzi muguta iro, yakange ichiuya kwaari, ichiti: Ndiruramisirei kumuvengi wangu. | |
Luke | Shona | 18:4 | Asi wakange asingadi kwenguva; asi pashure pezvinhu izvi wakati mukati make: Kunyange ndisingatyi Mwari, uye ndisingaremekedzi munhu; | |
Luke | Shona | 18:5 | asi nokuti chirikadzi iyi inonditambudza, ndichairuramisira, zvimwe pakupedzisira ingasvika pakunditsamwisa kwazvo. | |
Luke | Shona | 18:7 | Ko Mwari haangaruramisiri here vakasanangurwa vake, vanodana kwaari masikati neusiku, kunyange achivanonokera? | |
Luke | Shona | 18:8 | Ndinoti kwamuri: Achakurumidza kuvaruramisira. Asi kana Mwanakomana wemunhu achisvika, achawana rutendo panyika here? | |
Luke | Shona | 18:9 | Zvino wakareva mufananidzo uyu kune vamwewo vaizvivimba kuti vakarurama, vachizvidza vamwe, akati: | |
Luke | Shona | 18:11 | MuFarisi wakamira akazvinyengeterera zvinhu izvi, akati: Mwari, ndinokutendai kuti handina kufanana nevamwe vanhu, makororo, vasakarurama, mhombwe, kana kunyange semuteresi uyu. | |
Luke | Shona | 18:13 | Asi muteresi amire kure wakasada kunyange kusimudzira meso kudenga, asi wakarova pachifuva chake, achiti: Mwari, ndinzwirei tsitsi ini mutadzi. | |
Luke | Shona | 18:14 | Ndinoti kwamuri: Uyu wakaburukira kumba kwake anzi wakarurama pane uya; nokuti umwe neumwe anozvikwiridzira achaninipiswa, uye anozvininipisa achakwiridzirwa. | |
Luke | Shona | 18:15 | Zvino vakauisa kwaari vachechewo, kuti avabate; asi vadzidzi vakati vachizviona, vakavatsiura. | |
Luke | Shona | 18:16 | Asi Jesu wakadanira ivo vacheche kwaari akati: Tenderai vacheche vauye kwandiri, musavadzivisa, nokuti ushe hwaMwari ndehwevakadai. | |
Luke | Shona | 18:17 | Zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Ani nani asingagamuchiri ushe hwaMwari semucheche, haangatongopindi mahuri. | |
Luke | Shona | 18:18 | Zvino umwe mutungamiriri wakamubvunza, achiti: Mudzidzisi wakanaka, ndiitei kuti ndigare nhaka yeupenyu husingaperi? | |
Luke | Shona | 18:19 | Jesu ndokuti kwaari: Unondiidzirei wakanaka? Hakuna wakanaka, kunze kweumwe, Mwari. | |
Luke | Shona | 18:20 | Mirairo unoiziva, inoti: Usaita upombwe, usauraya, usaba, usapupura nhema, kudza baba vako namai vako. | |
Luke | Shona | 18:22 | Zvino Jesu wakati achinzwa zvinhu izvi akati kwaari: Uchiri kushaiwa chinhu chimwe; tengesa zvese zvaunazvo, ugovere varombo, uye uchava nefuma yakakosha kudenga; ugouya pano wonditevera. | |
Luke | Shona | 18:23 | Zvino wakati anzwa zvinhu izvi, akashungurudzika zvikuru; nokuti wakange akafuma zvikuru. | |
Luke | Shona | 18:24 | Zvino Jesu wakati achiona kuti washungurudzika zvikuru akati: Zvicharemera sei vane fuma kupinda muushe hwaMwari. | |
Luke | Shona | 18:25 | Nokuti zvakareruka kuti kamera ripinde richidarika nemuburi retsono, kumufumi kupinda muushe hwaMwari. | |
Luke | Shona | 18:29 | Zvino akati kwavari: Zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Hakuna munhu wakasiya imba, kana vabereki, kana madzikoma nevanin'ina, kana mukadzi, kana vana, nekuda kweushe hwaMwari, | |
Luke | Shona | 18:30 | asingazogamuchiri zvakapetwa kazhinji nenguva ino, nemunguva inouya upenyu husingaperi. | |
Luke | Shona | 18:31 | Zvino wakatora vanegumi nevaviri, akati kwavari: Tarirai, tinokwira kuJerusarema, uye zvinhu zvese zvakanyorwa nevaporofita maererano neMwanakomana wemunhu zvichazadziswa. | |
Luke | Shona | 18:34 | Asi ivo havana kunzwisisa chinhu chimwe cheizvozvi, uye shoko iri rakange rakavanzwa kwavari, uye havana kunzwisisa zvinhu zvakarehwa. | |
Luke | Shona | 18:39 | Zvino vakange vakatungamira vakaritsiura kuti rinyarare; asi iro rakanyanyisa kudanidzira, richiti: Mwanakomana waDhavidhi, ndinzwirei tsitsi! | |
Luke | Shona | 18:40 | Zvino Jesu wakamira, akaraira kuti riuyiswe kwaari; zvino rakati raswedera akaribvunza, | |