LUKE
Chapter 24
Luke | Shona | 24:1 | Zvino nemusi wekutanga wevhiki, mambakwedza, vakauya kuguva, vakatakura zvinonhuhwira zvavakange vagadzirira, nevamwe vanavo. | |
Luke | Shona | 24:4 | Zvino vakati vakakanganiswa kwazvo nazvo, zvino tarira, varume vaviri vakamira navo vakapfeka nguvo dzinopenya; | |
Luke | Shona | 24:5 | zvino vachiri kutya, ndokukotamisa zviso pasi, varume vakati kwavari: Munotsvakirei mupenyu pavakafa? | |
Luke | Shona | 24:7 | achiti: Mwanakomana wemunhu anofanira kukumikidzwa mumaoko evanhu vezvivi, nekurovererwa pamuchinjikwa, uye pazuva retatu amukezve. | |
Luke | Shona | 24:9 | Zvino vakadzoka vachibva kuguva, vakaudza zvinhu izvi zvese kuvanegumi neumwe nekune vamwe vese. | |
Luke | Shona | 24:10 | Vaiva Maria Magidharini naJohwana naMaria mai vaJakobho, nevamwe vavaiva navo, vakaudza vaapositori zvinhu izvi. | |
Luke | Shona | 24:11 | Zvino mashoko avo akaonekera sekutaura kusina maturo pamberi pavo, uye havana kuvatenda. | |
Luke | Shona | 24:12 | Asi Petro wakasimuka akamhanyira kuguva; akakotama ndokutarira, akaona micheka yerineni yakaradzikwa yega; ndokuenda, ashamisika mukati make nezvakange zvaitika. | |
Luke | Shona | 24:13 | Zvino tarira, pazuva iroro vaviri vavo vaifamba vachienda kumusha wainzi Emausi, wakange uri masitadhia* makumi matanhatu kubva kuJerusarema. | |
Luke | Shona | 24:15 | Zvino zvakaitika kuti vachitaurirana nekubvunzana, Jesu amene wakaswedera akafamba navo, | |
Luke | Shona | 24:17 | Zvino wakati kwavari: Mashoko ei awa amunokurukurirana muchifamba, uye makasuruvara? | |
Luke | Shona | 24:18 | Umwe, wainzi Kiriyopasi, ndokupindura akati kwaari: Ndiwe wega mutorwa muJerusarema, uye hauziva zvakaitikamo mumazuva ano here? | |
Luke | Shona | 24:19 | Zvino akati kwavari: Zvinhui? Ivo vakati kwaari: Zviri maererano naJesu weNazareta, waiva murume muporofita ane simba pachiito nepashoko pamberi paMwari nevanhu vese; | |
Luke | Shona | 24:20 | uye kuti vapristi vakuru nevatongi vedu vakamukumikidza sei kuti atongerwe rufu, uye vakamuroverera pamuchinjikwa. | |
Luke | Shona | 24:21 | Asi isu taivimba kuti ndiye waizodzikunura Israeri. Asiwo kunze kweizvi zvese, nhasi izuva retatu kubva zvaitika zvinhu izvi. | |
Luke | Shona | 24:23 | zvino vati vasingawani mutumbi wake, vauya vachiti vaona chiratidzo chevatumwawo, vati mupenyu. | |
Luke | Shona | 24:24 | Uye vamwe vevaiva nesu vaenda kuguva, vakawanawo zvakadaro vakadziwo sezvavakange vareva; asi iye havana kumuona. | |
Luke | Shona | 24:25 | Zvino iye akati kwavari: Haiwa imwi vekusanzwisisa, uye mune moyo ine chinono kutenda zvese vaporofita zvavakataura! | |
Luke | Shona | 24:26 | Ko Kristu wakange asingafaniri kutambudzika nezvinhu izvi, ndokupinda pakubwinya kwake here? | |
Luke | Shona | 24:27 | Ndokutanga kuna Mozisi nekuvaporofita vese, akadudzira kwavari mumagwaro ese zvinhu zviri maererano naye. | |
Luke | Shona | 24:29 | Asi vakamumanikidza, vachiti: Garai nesu, nokuti koda kuvira, uye zuva ranyura. Ndokupinda kunogara navo. | |
Luke | Shona | 24:30 | Zvino zvakaitika agere navo pakudya, wakatora chingwa akaropafadza, akamedura ndokupa kwavari. | |
Luke | Shona | 24:32 | Zvino vakataurirana vachiti: Moyo wedu wanga usingapisi mukati medu here paanga achitaura nesu munzira, nepaanga achitizarurira magwaro? | |
Luke | Shona | 24:33 | Zvino vakasimuka neawa iroro, vakadzokera kuJerusarema, vakawana vanegumi neumwe vakaungana nevaiva navo, | |
Luke | Shona | 24:35 | Ivo vakarondedzera zvinhu zvakaitika munzira, uye kuti wakazikanwa navo sei pakumedura chingwa. | |
Luke | Shona | 24:36 | Zvino vakati vachataura zvinhu izvozvi, Jesu amene wakamira pakati pavo, akati kwavari: Rugare kwamuri. | |
Luke | Shona | 24:39 | Tarirai maoko angu netsoka dzangu, kuti ndini ndomene. Ndibatei, muone, nokuti mweya hauna nyama nemafupa, sezvamunoona ndinazvo. | |
Luke | Shona | 24:41 | Zvino vakati vachigere kutenda nekuda kwekufara vachishamisika, akati kwavari: Mune chinodyika pano here? | |
Luke | Shona | 24:44 | Zvino wakati kwavari: Awa mashoko andakataura kwamuri ndichiri nemwi, kuti zvinhu zvese zvinofanira kuzadziswa, zvakanyorwa pamurairo waMozisi, nepavaporofita nepaMapisarema maererano neni. | |
Luke | Shona | 24:46 | Ndokuti kwavari: Zvakanyorwa saizvozvi, saizvozvowo zvakafanira Kristu kutambudzika, nekumuka kubva kuvakafa zuva retatu, | |
Luke | Shona | 24:47 | uye kuti kutendeuka nekanganwiro yezvivi zviparidzirwe marudzi ese muzita rake, kutanga paJerusarema. | |
Luke | Shona | 24:49 | Zvino tarirai, ini ndinotuma chivimbiso chaBaba vangu pamusoro penyu; asi imwi garai muguta reJerusarema, kusvikira mafukidzwa nesimba rinobva kumusoro. | |
Luke | Shona | 24:50 | Zvino akavatungamirira kunze kusvikira Bhetaniya, ndokusimudza maoko ake akavaropafadza. | |