Site uses cookies to provide basic functionality.

OK
LUKE
Prev Up Next Toggle notes
Chapter 24
Luke Shona 24:1  Zvino nemusi wekutanga wevhiki, mambakwedza, vakauya kuguva, vakatakura zvinonhuhwira zvavakange vagadzirira, nevamwe vanavo.
Luke Shona 24:2  Zvino vakawana ibwe rakakunguruswa kubva paguva.
Luke Shona 24:3  Vakabva vapinda vakasawana mutumbi waIshe Jesu.
Luke Shona 24:4  Zvino vakati vakakanganiswa kwazvo nazvo, zvino tarira, varume vaviri vakamira navo vakapfeka nguvo dzinopenya;
Luke Shona 24:5  zvino vachiri kutya, ndokukotamisa zviso pasi, varume vakati kwavari: Munotsvakirei mupenyu pavakafa?
Luke Shona 24:6  Haasi pano, asi wamuka; rangarirai kuti wakataura sei kwamuri achiri muGarirea,
Luke Shona 24:7  achiti: Mwanakomana wemunhu anofanira kukumikidzwa mumaoko evanhu vezvivi, nekurovererwa pamuchinjikwa, uye pazuva retatu amukezve.
Luke Shona 24:9  Zvino vakadzoka vachibva kuguva, vakaudza zvinhu izvi zvese kuvanegumi neumwe nekune vamwe vese.
Luke Shona 24:10  Vaiva Maria Magidharini naJohwana naMaria mai vaJakobho, nevamwe vavaiva navo, vakaudza vaapositori zvinhu izvi.
Luke Shona 24:11  Zvino mashoko avo akaonekera sekutaura kusina maturo pamberi pavo, uye havana kuvatenda.
Luke Shona 24:12  Asi Petro wakasimuka akamhanyira kuguva; akakotama ndokutarira, akaona micheka yerineni yakaradzikwa yega; ndokuenda, ashamisika mukati make nezvakange zvaitika.
Luke Shona 24:13  Zvino tarira, pazuva iroro vaviri vavo vaifamba vachienda kumusha wainzi Emausi, wakange uri masitadhia* makumi matanhatu kubva kuJerusarema.
Luke Shona 24:14  Zvino ivo vaitaurirana pamusoro pezvinhu izvi zvese zvakange zvaitika.
Luke Shona 24:15  Zvino zvakaitika kuti vachitaurirana nekubvunzana, Jesu amene wakaswedera akafamba navo,
Luke Shona 24:17  Zvino wakati kwavari: Mashoko ei awa amunokurukurirana muchifamba, uye makasuruvara?
Luke Shona 24:18  Umwe, wainzi Kiriyopasi, ndokupindura akati kwaari: Ndiwe wega mutorwa muJerusarema, uye hauziva zvakaitikamo mumazuva ano here?
Luke Shona 24:19  Zvino akati kwavari: Zvinhui? Ivo vakati kwaari: Zviri maererano naJesu weNazareta, waiva murume muporofita ane simba pachiito nepashoko pamberi paMwari nevanhu vese;
Luke Shona 24:20  uye kuti vapristi vakuru nevatongi vedu vakamukumikidza sei kuti atongerwe rufu, uye vakamuroverera pamuchinjikwa.
Luke Shona 24:21  Asi isu taivimba kuti ndiye waizodzikunura Israeri. Asiwo kunze kweizvi zvese, nhasi izuva retatu kubva zvaitika zvinhu izvi.
Luke Shona 24:22  Asi vamwewo vakadzi vekwedu vatishamisa, vanga vafumira kuguva;
Luke Shona 24:23  zvino vati vasingawani mutumbi wake, vauya vachiti vaona chiratidzo chevatumwawo, vati mupenyu.
Luke Shona 24:24  Uye vamwe vevaiva nesu vaenda kuguva, vakawanawo zvakadaro vakadziwo sezvavakange vareva; asi iye havana kumuona.
Luke Shona 24:25  Zvino iye akati kwavari: Haiwa imwi vekusanzwisisa, uye mune moyo ine chinono kutenda zvese vaporofita zvavakataura!
Luke Shona 24:26  Ko Kristu wakange asingafaniri kutambudzika nezvinhu izvi, ndokupinda pakubwinya kwake here?
Luke Shona 24:27  Ndokutanga kuna Mozisi nekuvaporofita vese, akadudzira kwavari mumagwaro ese zvinhu zviri maererano naye.
Luke Shona 24:28  Zvino vakaswedera kumusha kwavakange vachienda; iye ndokuita sewopfuurira.
Luke Shona 24:29  Asi vakamumanikidza, vachiti: Garai nesu, nokuti koda kuvira, uye zuva ranyura. Ndokupinda kunogara navo.
Luke Shona 24:30  Zvino zvakaitika agere navo pakudya, wakatora chingwa akaropafadza, akamedura ndokupa kwavari.
Luke Shona 24:31  Zvino meso avo ndokuzarurwa, ndokumuziva; iye ndokunyangarika kwavari.
Luke Shona 24:32  Zvino vakataurirana vachiti: Moyo wedu wanga usingapisi mukati medu here paanga achitaura nesu munzira, nepaanga achitizarurira magwaro?
Luke Shona 24:33  Zvino vakasimuka neawa iroro, vakadzokera kuJerusarema, vakawana vanegumi neumwe vakaungana nevaiva navo,
Luke Shona 24:34  vachiti: Ishe wamuka zvirokwazvo, waonekwa naSimoni.
Luke Shona 24:35  Ivo vakarondedzera zvinhu zvakaitika munzira, uye kuti wakazikanwa navo sei pakumedura chingwa.
Luke Shona 24:36  Zvino vakati vachataura zvinhu izvozvi, Jesu amene wakamira pakati pavo, akati kwavari: Rugare kwamuri.
Luke Shona 24:37  Asi vakavhunduswa, vakatya, vakafunga kuti vaona mweya.
Luke Shona 24:38  Zvino akati kwavari: Munonetsekerei, uye mifungo inomukirei mumoyo yenyu?
Luke Shona 24:39  Tarirai maoko angu netsoka dzangu, kuti ndini ndomene. Ndibatei, muone, nokuti mweya hauna nyama nemafupa, sezvamunoona ndinazvo.
Luke Shona 24:40  Zvino wakati areva izvi akavaratidza maoko netsoka.
Luke Shona 24:41  Zvino vakati vachigere kutenda nekuda kwekufara vachishamisika, akati kwavari: Mune chinodyika pano here?
Luke Shona 24:42  Zvino vakamupa nhindi yehove yakagochwa neyezinga reuchi.
Luke Shona 24:44  Zvino wakati kwavari: Awa mashoko andakataura kwamuri ndichiri nemwi, kuti zvinhu zvese zvinofanira kuzadziswa, zvakanyorwa pamurairo waMozisi, nepavaporofita nepaMapisarema maererano neni.
Luke Shona 24:45  Ipapo akazarura kunzwisisa kwavo, kuti vanzwisise magwaro.
Luke Shona 24:46  Ndokuti kwavari: Zvakanyorwa saizvozvi, saizvozvowo zvakafanira Kristu kutambudzika, nekumuka kubva kuvakafa zuva retatu,
Luke Shona 24:47  uye kuti kutendeuka nekanganwiro yezvivi zviparidzirwe marudzi ese muzita rake, kutanga paJerusarema.
Luke Shona 24:49  Zvino tarirai, ini ndinotuma chivimbiso chaBaba vangu pamusoro penyu; asi imwi garai muguta reJerusarema, kusvikira mafukidzwa nesimba rinobva kumusoro.
Luke Shona 24:50  Zvino akavatungamirira kunze kusvikira Bhetaniya, ndokusimudza maoko ake akavaropafadza.
Luke Shona 24:51  Zvino zvakaitika achavaropafadza, akaparadzana navo, akakwidzwa kudenga.
Luke Shona 24:52  Zvino vakamunamata, vakadzokera kuJerusarema vane mufaro mukuru;
Luke Shona 24:53  uye vakagara nguva dzese mutembere, vachirumbidza nekutenda Mwari. Ameni.