LUKE
Chapter 14
Luke | Shona | 14:1 | Zvino zvakaitika pakupinda kwake mumba meumwe wevakuru kuVaFarisi kuzodya chingwa nesabata, kuti ivo vakamucherekedza. | |
Luke | Shona | 14:3 | Jesu ndokupindura akataura kunyanzvi dzemutemo neVaFarisi, achiti: Zviri pamutemo here kuporesa nesabata? | |
Luke | Shona | 14:5 | Akavapindura achiti: Ndiani wenyu, ungati ane mbongoro kana nzombe ikawira mugomba, akasaisimudza pakarepo nezuva resabata? | |
Luke | Shona | 14:7 | Zvino wakataura mufananidzo kune vakakokwa, achiona kuti vanosarudza sei zvigaro zvepamusoro, akati kwavari: | |
Luke | Shona | 14:8 | Kana wakokwa neumwe munhu kumuchato, usagara pachigaro chepamusoro; zvimwe umwe anokudzwa kupfuura iwe wakokwa naye, | |
Luke | Shona | 14:9 | zvino wakakukoka iwe naiye asvike ati kwauri: Dziurira uyu; ipapo uchatanga kutora nzvimbo yepasisa nenyadzi. | |
Luke | Shona | 14:10 | Asi kana wakokwa, enda ugare panzvimbo yepasisa, kuti kana uyo wakakukoka achisvika, angati kwauri: Shamwari, kwira kumusoro; zvino uchava nerukudzo pamberi pevagere pakudya newe. | |
Luke | Shona | 14:12 | Ipapo akatiwo kune wakamukoka: Kana waita chisvusvuro kana chirairo, usadana shamwari dzako, kana vanakomana vamai vako, kana hama dzako, kana vavakidzani vafumi, zvimwe ivowo vangazokukokazve, ugoripirwa. | |
Luke | Shona | 14:14 | uye ucharopafadzwa, nokuti havana zvokukuripira nazvo, nokuti ucharipirwa pakumuka kwevakarurama. | |
Luke | Shona | 14:15 | Umwe wevakange vagere naye pakudya wakati achinzwa zvinhu izvi, akati kwaari: Wakaropafadzwa uyo achadya chingwa paushe hwaMwari. | |
Luke | Shona | 14:17 | Akatuma muranda wake nenguva yekuraira kuti ati kune vakange vakakokwa: Uyai, nokuti zvese zvagadzirwa zvino. | |
Luke | Shona | 14:18 | Zvino vese vakatanga umwe neumwe kuzvikumbirira ruregerero. Wekutanga akati kwaari: Ndatenga munda, ndinofanira kuenda ndinomuona; ndinokukumbira, ini undiregerere. | |
Luke | Shona | 14:19 | Uye umwe akati: Ndatenga zvipani zvishanu zvenzombe, ndinoenda kunodziidza; ndinokumbira, ini undiregerere. | |
Luke | Shona | 14:21 | Zvino muranda uyo wakauya akapira zvinhu izvi ishe wake. Ipapo mwene weimba akatsamwa, akati kumuranda wake: Buda nekukurumidza uende kumigwagwa nemunzira dzemuguta, upinze pano varombo, nevanokamhina, nemhetamakumbo, nemapofu. | |
Luke | Shona | 14:23 | Ishe akati kumuranda: Buda kumigwagwa nekuuzhowa, ugombedzere vapinde, kuti imba yangu izadzwe. | |
Luke | Shona | 14:24 | Nokuti ndinoti kwamuri: Hakuna umwe kune varume avo vakakokwa acharavira chirairo changu. | |
Luke | Shona | 14:26 | Kana ani nani achiuya kwandiri, akasavenga baba vake namai, nemukadzi, nevana, nevanin'ina nemadzikoma, nehanzvadzi, hongu, kunyange neupenyu hwake, haagoni kuva mudzidzi wangu. | |
Luke | Shona | 14:27 | Zvino ani nani asingatakuri muchinjikwa wake akanditevera, haagoni kuva mudzidzi wangu. | |
Luke | Shona | 14:28 | Nokuti ndiani wenyu, anoti achida kuvaka shongwe, asingatangi agara pasi, akaverenga madhuriro, kana ane zvekupedzesa? | |
Luke | Shona | 14:31 | Kana ndeupi mambo, kana achienda kuhondo akamirisana neumwe mambo, asingatangi agara pasi, akafungisisa kuti angagona here nezvuru gumi kusangana neanouya akapikisana naye nezvuru makumi maviri? | |
Luke | Shona | 14:33 | Saka saizvozvo, ani nani kwamuri asingasii zvese zvaanazvo, haagoni kuva mudzidzi wangu. | |