Site uses cookies to provide basic functionality.

OK
LUKE
Prev Up Next Toggle notes
Chapter 14
Luke Shona 14:1  Zvino zvakaitika pakupinda kwake mumba meumwe wevakuru kuVaFarisi kuzodya chingwa nesabata, kuti ivo vakamucherekedza.
Luke Shona 14:2  Zvino tarira, kwakange kune umwe munhu pamberi pake waiva nerukandwe.
Luke Shona 14:3  Jesu ndokupindura akataura kunyanzvi dzemutemo neVaFarisi, achiti: Zviri pamutemo here kuporesa nesabata?
Luke Shona 14:4  Asi vakanyarara. Zvino akamubata akamuporesa ndokurega achienda.
Luke Shona 14:5  Akavapindura achiti: Ndiani wenyu, ungati ane mbongoro kana nzombe ikawira mugomba, akasaisimudza pakarepo nezuva resabata?
Luke Shona 14:6  Vakasagona kumupindurazve pamusoro pezvinhu izvi.
Luke Shona 14:7  Zvino wakataura mufananidzo kune vakakokwa, achiona kuti vanosarudza sei zvigaro zvepamusoro, akati kwavari:
Luke Shona 14:8  Kana wakokwa neumwe munhu kumuchato, usagara pachigaro chepamusoro; zvimwe umwe anokudzwa kupfuura iwe wakokwa naye,
Luke Shona 14:9  zvino wakakukoka iwe naiye asvike ati kwauri: Dziurira uyu; ipapo uchatanga kutora nzvimbo yepasisa nenyadzi.
Luke Shona 14:10  Asi kana wakokwa, enda ugare panzvimbo yepasisa, kuti kana uyo wakakukoka achisvika, angati kwauri: Shamwari, kwira kumusoro; zvino uchava nerukudzo pamberi pevagere pakudya newe.
Luke Shona 14:11  Nokuti ani nani anozvikwiridzira, achaninipiswa; neanozvininipisa achakwiridzirwa.
Luke Shona 14:12  Ipapo akatiwo kune wakamukoka: Kana waita chisvusvuro kana chirairo, usadana shamwari dzako, kana vanakomana vamai vako, kana hama dzako, kana vavakidzani vafumi, zvimwe ivowo vangazokukokazve, ugoripirwa.
Luke Shona 14:13  Asi kana waita mabiko, dana varombo, vanokamhina, mhetamakumbo, mapofu;
Luke Shona 14:14  uye ucharopafadzwa, nokuti havana zvokukuripira nazvo, nokuti ucharipirwa pakumuka kwevakarurama.
Luke Shona 14:15  Umwe wevakange vagere naye pakudya wakati achinzwa zvinhu izvi, akati kwaari: Wakaropafadzwa uyo achadya chingwa paushe hwaMwari.
Luke Shona 14:16  Asi akati kwaari: Umwe munhu wakaita chirairo chikuru, akakokera vazhinji.
Luke Shona 14:17  Akatuma muranda wake nenguva yekuraira kuti ati kune vakange vakakokwa: Uyai, nokuti zvese zvagadzirwa zvino.
Luke Shona 14:18  Zvino vese vakatanga umwe neumwe kuzvikumbirira ruregerero. Wekutanga akati kwaari: Ndatenga munda, ndinofanira kuenda ndinomuona; ndinokukumbira, ini undiregerere.
Luke Shona 14:19  Uye umwe akati: Ndatenga zvipani zvishanu zvenzombe, ndinoenda kunodziidza; ndinokumbira, ini undiregerere.
Luke Shona 14:20  Uye umwe akati: Ndawana mukadzi, naizvozvo handigoni kuuya.
Luke Shona 14:21  Zvino muranda uyo wakauya akapira zvinhu izvi ishe wake. Ipapo mwene weimba akatsamwa, akati kumuranda wake: Buda nekukurumidza uende kumigwagwa nemunzira dzemuguta, upinze pano varombo, nevanokamhina, nemhetamakumbo, nemapofu.
Luke Shona 14:22  Muranda ndokuti: Ishe, zvaitwa sezvamaraira, asi nzvimbo ichipo.
Luke Shona 14:23  Ishe akati kumuranda: Buda kumigwagwa nekuuzhowa, ugombedzere vapinde, kuti imba yangu izadzwe.
Luke Shona 14:24  Nokuti ndinoti kwamuri: Hakuna umwe kune varume avo vakakokwa acharavira chirairo changu.
Luke Shona 14:25  Zvino zvaunga zvikuru zvaifamba naye; akatendeuka akati kwavari:
Luke Shona 14:26  Kana ani nani achiuya kwandiri, akasavenga baba vake namai, nemukadzi, nevana, nevanin'ina nemadzikoma, nehanzvadzi, hongu, kunyange neupenyu hwake, haagoni kuva mudzidzi wangu.
Luke Shona 14:27  Zvino ani nani asingatakuri muchinjikwa wake akanditevera, haagoni kuva mudzidzi wangu.
Luke Shona 14:28  Nokuti ndiani wenyu, anoti achida kuvaka shongwe, asingatangi agara pasi, akaverenga madhuriro, kana ane zvekupedzesa?
Luke Shona 14:29  Kuti zvimwe ateya nheyo akasagona kupedza, vese vanoona vanotanga kumuseka,
Luke Shona 14:30  vachiti: Uyu munhu akatanga kuvaka, asi akakoniwa kupedzisa.
Luke Shona 14:31  Kana ndeupi mambo, kana achienda kuhondo akamirisana neumwe mambo, asingatangi agara pasi, akafungisisa kuti angagona here nezvuru gumi kusangana neanouya akapikisana naye nezvuru makumi maviri?
Luke Shona 14:32  Asi kana zvisakadaro, iye achiri kure, anotuma nhume, akumbire zverugare.
Luke Shona 14:33  Saka saizvozvo, ani nani kwamuri asingasii zvese zvaanazvo, haagoni kuva mudzidzi wangu.
Luke Shona 14:34  Munyu wakanaka; asi kana munyu warasa kuvava, ucharungwa nei?
Luke Shona 14:35  Hauchina kufanira kunyange pamunda, kana padutu remupfudze; vanourasira kunze. Ane nzeve dzekunzwa, ngaanzwe.