Site uses cookies to provide basic functionality.

OK
LUKE
Prev Up Next Toggle notes
Chapter 12
Luke Shona 12:1  Zvichakadaro makumi ezvuru zvechaunga akati aungana, zvekuti vaitsikana, akatanga kutaura kuvadzidzi vake pakutanga achiti: Imwi chenjerai mbiriso yeVaFarisi, inova unyepedzeri.
Luke Shona 12:2  Uye hakuna chinhu chakafukidzwa, chisingazopenengurwi, nechakavigwa, chisingazozikanwi.
Luke Shona 12:3  Naizvozvo zvese zvamakataura murima zvichanzwikwa muchiedza; neizvo zvamakataura munzeve mudzimba dzemukati zvichaparidzwa pamusoro pematenga edzimba.
Luke Shona 12:4  Uye ndinoti kwamuri shamwari dzangu: Musatya vanouraya muviri, asi shure kweizvozvo vasingazogoni kuita chimwe chinhu.
Luke Shona 12:5  Asi ndichakuratidzai wamunofanira kutya: Ityai iye anoti shure kwekuuraya ane simba rekukanda mugehena; hongu, ndinoti kwamuri: Ityai iye.
Luke Shona 12:6  Ko tushiri tushanu hatutengeswi nemakobiri maviri here? Hakuna kamwe kadzo kanokanganikwa pamberi paMwari.
Luke Shona 12:7  Asi kunyange nevhudzi remusoro wenyu rakaverengwa rese. Musatya naizvozvo, munopfuura tushiri tuzhinji.
Luke Shona 12:8  Ndinotiwo kwamuri: Umwe neumwe anondibvuma pamberi pevanhu, Mwanakomana wemunhu achamubvumawo pamberi pevatumwa vaMwari;
Luke Shona 12:9  asi anondiramba pamberi pevanhu, acharambwa pamberi pevatumwa vaMwari.
Luke Shona 12:10  Uye umwe neumwe anoreva shoko achipikisa Mwanakomana wemunhu, achakanganwirwa; asi uyo anonyomba Mweya Mutsvene haazokanganwirwi.
Luke Shona 12:11  Kana vachikuisai kumasinagoge nevatongi nevane simba, musafunganya kuti muchapindura sei kana chii, kana muchataurei;
Luke Shona 12:12  nokuti Mweya Mutsvene achakudzidzisai neawa iro zvamunofanira kutaura.
Luke Shona 12:13  Zvino umwe wechaunga wakati kwaari: Mudzidzisi, udzai mwanakomana wamai vangu agovane nhaka neni.
Luke Shona 12:14  Asi wakati kwaari: Iwe munhu, ndiani wakandigadza kuva mutongi kana mugoveri pamusoro penyu?
Luke Shona 12:15  Akati kwavari: Ngwarirai muchenjerere ruchiva, nokuti upenyu hwemunhu hahusi mukuwanda kwezvinhu zvaanazvo.
Luke Shona 12:16  Akataura mufananidzo kwavari, achiti: Munda weumwe munhu mufumi wakabereka kwazvo;
Luke Shona 12:17  akafunga mukati make, achiti: Ndichaitei? Nokuti handina nzvimbo pandingaunganidzira zvibereko zvangu.
Luke Shona 12:18  Ndokuti: Ndichaita izvi: Ndichaputsa matura angu, ndivake makuru, ndiunganidzire zvirimwa zvangu zvese ipapo, nenhumbi dzangu,
Luke Shona 12:19  ndigoti kumweya wangu: Mweya, une zvinhu zvakawanda zvakanaka, zvakachengeterwa makore mazhinji; zorora, idya, inwa, fara.
Luke Shona 12:20  Asi Mwari akati kwaari: Dununu, usiku huno mweya wako uchadikanwa kubva kwauri; ko izvo zvawagadzirira, zvichava zvaani?
Luke Shona 12:21  Zvakadaro kune anozviunganidzira fuma, asi asina kufuma kuna Mwari.
Luke Shona 12:22  Zvino wakati kuvadzidzi vake: Naizvozvo ndinoti kwamuri: Musafunganya pamusoro peupenyu hwenyu, kuti muchadyei; kana muviri, kuti muchapfekei.
Luke Shona 12:24  Fungai makunguvo, kuti haadzvari, kana kukohwa, haana tsapi kana dura; asi Mwari anoafunda. Imwi munokunda zvikuru sei shiri?
Luke Shona 12:25  Ndiani kwamuri nekufunganya angagona kuwedzera mbimbi imwe paurefu hwake?
Luke Shona 12:26  Naizvozvo kana musingagoni kuita chinhu chidikisa, munofunganyirei pamusoro pezvimwe?
Luke Shona 12:27  Fungai midovatova, kuti inokura sei; haishingairi, hairuki; asi ndinoti kwamuri: NaSoromoni mukubwinya kwake kwese, haana kupfekedzwa seumwe wayo.
Luke Shona 12:28  Zvino kana Mwari achipfekedza saizvozvo uswa huri panyika nhasi, mangwana hwokandirwa muchoto, uchakupfekedzai nekupfuurisa sei, imwi verutendo rudiki?
Luke Shona 12:29  Zvino imwi musatsvaka zvamuchadya kana zvamuchamwa; uye musazvidya moyo.
Luke Shona 12:30  Nokuti zvinhu izvi zvese marudzi enyika anozvitsvaka; asi Baba venyu vanoziva kuti munoshaiwa izvozvi.
Luke Shona 12:31  Asi tsvakai ushe hwaMwari, naizvozvi zvese zvichawedzerwa kwamuri.
Luke Shona 12:32  Musatya boka diki; nokuti Baba venyu vanofara kukupai ushe.
Luke Shona 12:33  Tengesai izvo zvamunazvo mupe varombo zvipo. Muzviitire zvikwama zvisingashakari, fuma kumatenga isingaperi, pasina mbavha ingasvika kana zvifusi zvingaodza.
Luke Shona 12:34  Nokuti pane fuma yenyu, ndipo pachavawo nemoyo wenyu.
Luke Shona 12:35  Zviuno zvenyu ngazvigare zvakasungwa, nemwenje ichipfuta.
Luke Shona 12:36  Nemwi muve sevanhu vakarindira ishe wavo, pakudzoka kwake kumuchato, kuti kana achisvika akagogodza, vangamuzarurira pakarepo.
Luke Shona 12:37  Vakaropafadzwa varanda avo, vanoti kana ishe achisvika anovawana vakarindira; zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Achazvisunga, akavagarisa pakudya, akaswedera akavashandira.
Luke Shona 12:38  Kana akasvika nenguva yekurindira yechipiri, kana kusvika nenguva yekurindira yechitatu, akawana vakadaro, vakaropafadzwa varanda ivavo.
Luke Shona 12:39  Asi muzive izvi, kuti dai mwene weimba aiziva nderipi awa mbavha rainouya, angadai akarinda, akasatendera imba yake kuti ipazwe.
Luke Shona 12:40  Naizvozvo imwiwo ivai makazvigadzirira; nokuti neawa ramusingafungiri Mwanakomana wemunhu anouya.
Luke Shona 12:41  Petro ndokuti kwaari: Ishe, munoutaura mufananidzo uyu kwatiri, kana kune vesewo?
Luke Shona 12:42  Ishe ndokuti: Ko ndiani zvino mutariri wakatendeka uye wakachenjera, ishe waachagadza pamusoro pevaranda vake, kuti ape mugove wekudya nenguva yakafanira?
Luke Shona 12:43  Wakaropafadzwa muranda uyo, unoti kana ishe wake achisvika, amuwane achiita saizvozvo.
Luke Shona 12:44  Zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Achamugadza pamusoro pezvese zvaanazvo.
Luke Shona 12:45  Asi kana muranda uyo akati mumoyo make: Ishe wangu wanonoka kuuya; akatanga kurova varandarume nevarandakadzi, nekudya, nekunwa, nekuraradza;
Luke Shona 12:46  ishe wemuranda uyo achasvika pazuva raasingatarisiri, uye paawa raasingazivi, akamugura nepakati, akagura mugove wake pamwe nevasakatendeka.
Luke Shona 12:47  Muranda uyo waiziva chido chaishe wake, akasagadzirira, kana kuita zvinoenderana nechido chake, acharohwa neshamhu zhinji.
Luke Shona 12:48  Asi wakange asingazivi, akaita zvakafanira kurohwa, acharohwa neshamhu shoma. Uye wese wakapiwa zvizhinji, zvizhinji zvichatsvakwa kwaari; neanobatiswa zvizhinji, vachareva zvinopfuurisa kwaari.
Luke Shona 12:49  Ndakauya kuzokanda moto panyika, zvino ndichadei kana watobatidzwa?
Luke Shona 12:50  Asi ndine rubhabhatidzo rwandichabhabhatidzwa narwo, zvino ndinomanikidzwa sei kusvikira rwuchipedziswa.
Luke Shona 12:51  Munofunga kuti ndakauya kuzopa rugare panyika here? Kwete, ndinoti kwamuri, asi kutozopesanisa.
Luke Shona 12:52  Nokuti kubva zvino vashanu muimba imwe vachapesana, vatatu vachipikisana nevaviri, uye vaviri vachipikisana nevatatu,
Luke Shona 12:53  vachapesana, baba vachipikisana nemwanakomana, nemwanakomana achipikisana nababa; mai vachipikisana nemukunda, nemukunda achipikisana namai; vamwene vachipikisana nemuroora wavo, nemuroora achipikisana navamwene vake.
Luke Shona 12:54  Akatiwo kuzvaunga: Kana muchiona gore richisimuka kubva kumavirira, pakarepo munoti: Mvura inouya; zvodaro.
Luke Shona 12:55  Uye kana muchiona mhepo yechamhembe ichivhuvhuta munoti: Kuchapisa; zvoitika.
Luke Shona 12:56  Vanyepedzeri! Munoziva kuongorora zvimiro zvekudenga nezvenyika, asi hamuongorori sei nguva ino?
Luke Shona 12:57  Ko asi munoregerei nemwi kuzvitongera momene zvakarurama?
Luke Shona 12:58  Nokuti kana uchienda kumutungamiriri nemudzivisi wako, ita zvakanaka kuti usunungurwe kubva kwaari muri munzira; kuti arege kukukwevera kumutongi, mutongi akukumikidze kumupurisa, mupurisa akukande mutirongo.
Luke Shona 12:59  Ndinoti kwauri: Haungatongobudimo, kusvikira waripa kunyange kamari kekupedzisira.