Site uses cookies to provide basic functionality.

OK
LUKE
Prev Up Next Toggle notes
Chapter 6
Luke Shona 6:1  Zvino zvakaitika nesabata rechipiri shure kwerekutanga, achigura nemuminda yezviyo, vadzidzi vake vatanha hura, vakadya, vachidzipukuta nemaoko.
Luke Shona 6:2  Asi vamwe veVaFarisi vakati kwavari: Munoitirei zvisiri pamutemo kuita nemasabata?
Luke Shona 6:3  Zvino Jesu achivapindura, wakati: Hamuna kuverenga izvo kunyange Dhavhidhi zvaakaita, paakange ava nenzara iye nevakange vanaye,
Luke Shona 6:4  kuti wakapinda sei mumba maMwari, akatora akadya zvingwa zvekuratidza, akapa nevakange vanaye; izvo zvisiri pamutemo kudyiwa asi nevapristi vega?
Luke Shona 6:5  Ndokuti kwavari: Mwanakomana wemunhu ndiIshe wesabatawo.
Luke Shona 6:6  Zvino zvakaitikawo nerimwe sabata kuti wakapinda musinagoge, akadzidzisa; zvino kwakange kune munhu ipapo uye ruoko rwake rwerudyi rwakange rwakawonyana.
Luke Shona 6:7  Vanyori neVaFarisi vakamutarisisa, kuona kana angaporesa nesabata, kuti vawane mhosva yavangamupomera.
Luke Shona 6:8  Asi iye wakaziva mifungo yavo, akati kumunhu wakange ane ruoko rwakawonyana: Simuka, uende unomira pakati. Akasimuka akamira.
Luke Shona 6:9  Zvino Jesu akati kwavari: Ndichakubvunzai chimwe chinhu: Zviri pamutemo here nemasabata kuita zvakanaka kana kuita zvakaipa? Kuponesa upenyu kana kuparadza?
Luke Shona 6:10  Zvino akaringa-ringa kwavari vese, akati kumunhu: Tandavadza ruoko rwako. Akaita saizvozvo. Ruoko rwake rwukaporeswa ndokugwinya serumwe.
Luke Shona 6:11  Ivo vakazara neupengo; vakataurirana umwe neumwe, kuti vangamuitei Jesu.
Luke Shona 6:12  Zvino zvakaitika nemazuva iwayo kuti wakabuda akaenda kugomo kunonyengetera; agara usiku hwese mukunyengetera kuna Mwari.
Luke Shona 6:13  Zvino kwakati kwaedza, akadanira vadzidzi vake kwaari; akasanangura kwavari gumi nevaviri, vaakatumidzawo kuti vaapositori;
Luke Shona 6:14  Simoni, waakatumidzawo Petro, naAndiriya munin'ina wake, Jakobho naJohwani, Firipi naBhatoromiyo,
Luke Shona 6:15  Matewu naTomasi, Jakobho waArifiyosi, naSimoni wainzi Ziroti;
Luke Shona 6:16  Judhasi waJakobho, naJudhasi Isikariyoti, wakavawo mutengesi.
Luke Shona 6:17  Akaburuka navo, akamira panzvimbo pakaenzana, nechaunga chevadzidzi vake, nechaunga chikuru chevanhu vaibva Judhiya rese neJerusarema, nepagungwa reTire neSidhoni, vakauya kuzomunzwa, nekuporeswa pazvifo zvavo;
Luke Shona 6:18  nevakange vachitambudziwa nemweya yetsvina, vakaporeswa.
Luke Shona 6:19  Chaunga chese chikatsvaka kumubata; nokuti kwakabuda simba kwaari rikaporesa vese.
Luke Shona 6:20  Ndokusimudzira meso ake kuvadzidzi vake, akati: Makaropafadzwa varombo, nokuti ushe hwaMwari ndohwenyu.
Luke Shona 6:21  Makaropafadzwa imwi mune nzara zvino, nokuti muchagutiswa. Makaropafadzwa imwi munochema ikozvino, nokuti muchaseka.
Luke Shona 6:22  Makaropafadzwa, kana vanhu vachikuvengai, uye kana vachikusarurai, vachikunyombai, vachirasa zita renyu serakashata, nekuda kweMwanakomana wemunhu.
Luke Shona 6:23  Farai nezuva iro, muuruke nemufaro; nokuti tarirai, mubairo wenyu mukuru kudenga; nokuti zvakaita madzibaba avo saizvozvo kuvaporofita.
Luke Shona 6:24  Asi mune nhamo imwi vakafuma! Nokuti magamuchira nyaradzo yenyu.
Luke Shona 6:25  Mune nhamo imwi munoguta! Nokuti muchanzwa nzara. Mune nhamo imwi munoseka zvino! Nokuti muchachema nekuwungudza.
Luke Shona 6:26  Mune nhamo kana vanhu vese vachitaura zvakanaka pamusoro penyu! Nokuti madzibaba avo akaita saizvozvo kuvaporofita venhema.
Luke Shona 6:27  Asi ndinoti kwamuri munonzwa: Idai mhandu dzenyu, itai zvakanaka kune vanokuvengai,
Luke Shona 6:28  ropafadzai vanokutukai, munyengeterere vanokubatai zvakaipa.
Luke Shona 6:29  Kune anokurova padama, umupe rimwewo; anokutorera nguvo, usarambidza neshati.
Luke Shona 6:30  Asi upe umwe neumwe anokumbira kwauri; neanokutorera zvako, usazvirevazve.
Luke Shona 6:31  Uye sezvamunoda kuti vanhu vaite kwamuri, imwi muvaitirewo saizvozvo.
Luke Shona 6:32  Uye kana muchida avo vanokudai, mune kuvongwa kwakadini? Nokuti vatadziwo vanoda vanovada.
Luke Shona 6:33  Uye kana muchiitira zvakanaka kune avo vanokuitirai zvakanaka, mune kuvongwa kwakadini? Nokuti vatadzi vanoitawo izvozvo.
Luke Shona 6:34  Uye kana muchikweretesa vamunotarisira kugamuchira kwavari, mune kuvongwa kwakadini? Nokuti vatadzi vanokweretesawo vatadzi, kuti vagamuchirezve zvakaenzana nazvo.
Luke Shona 6:35  Asi idai vavengi venyu, muite zvakanaka, mukweretese musingatarisirizve chinhu; zvino mubairo wenyu uchava mukuru, mugova vana veWekumusoro-soro; nokuti iye ane moyo munyoro kune vasingavongi nevakaipa.
Luke Shona 6:36  Naizvozvo ivai netsitsi, sababa venyuwo vane tsitsi.
Luke Shona 6:37  Musatonga, uye hamungazotongwi; musapa mhosva, uye hamungazopiwi mhosva; regererai, mugoregererwawo.
Luke Shona 6:38  Ipai, nemwi muchapiwa; chiyero chakanaka, chakatsikirirwa, nekuzunguzirwa, chinopfachukira vachakupai pachifuva chenyu. Nokuti nechiyero ichocho chamunoyera nacho muchayerwa nacho zvekare.
Luke Shona 6:39  Akataura mufananidzo kwavari akati: Ko bofu ringatungamirira bofu here? Ko haangawiri mugomba ari maviri here?
Luke Shona 6:40  Mudzidzi haasi pamusoro pemudzidzisi wake; asi umwe neumwe kana apedzeredzwa achava semudzidzisi wake.
Luke Shona 6:41  Uye unotarirei rubanzu rwuri muziso reumwe wako, asi danda riri muziso rako pachako haurinanzereri?
Luke Shona 6:42  Kana unogona kureva sei kune umwe wako, uchiti: Umwe wangu, rega ndibudise rubanzu rwuri muziso rako, iwe pachako usingaoni danda riri muziso rako? Iwe munyepedzeri, budisa pakutanga danda kubva muziso rako, zvino ipapo uchaona zvakanaka kubudisa rubanzu rwuri muziso reumwe wako.
Luke Shona 6:43  Nokuti hausi muti wakanaka unobereka chibereko chakaipa; kana muti wakaipa unobereka chibereko chakanaka.
Luke Shona 6:44  Nokuti muti umwe neumwe unozikanwa nechibereko chawo pachawo. Nokuti paminzwa, havatanhi maonde, kana parukato kutanha mazambiringa.
Luke Shona 6:45  Munhu wakanaka kubva pafuma yakanaka yemoyo wake anobudisa zvakanaka, nemunhu wakaipa kubva pafuma yakaipa yemoyo wake anobudisa zvakaipa; nokuti kubva pazvizere mumoyo muromo wake anotaura.
Luke Shona 6:46  Zvino munondiidzirei Ishe, Ishe, musingaiti zvinhu zvandinoreva?
Luke Shona 6:47  Ani nani anouya kwandiri akanzwa mashoko angu akaaita, ndichakuratidzai kuti wakafanana nani;
Luke Shona 6:48  wakafanana nemunhu wakavaka imba, akachera akadzikisa, akateya nheyo paruware; zvino mafashame akati auya, rukova rukarova zvine simba paimba iyo, rukasagona kuizunungusa; nokuti yakange yakateyiwa paruware.
Luke Shona 6:49  Asi anonzwa asingaiti, wakafanana nemunhu wakavaka imba pavhu isina nheyo; ipo rukova rwakarova nesimba, pakarepo ikawa, kuwa kweimba iyo kukava kukuru.