Site uses cookies to provide basic functionality.

OK
LUKE
Prev Up Next Toggle notes
Chapter 11
Luke Shona 11:1  Zvino zvakaitika achinyengetera pane imwe nzvimbo, apo amira, umwe wevadzidzi vake akati kwaari: Ishe, tidzidzisei kunyengetera, Johwani sezvaakadzidzisawo vadzidzi vake.
Luke Shona 11:2  Ndokuti kwavari: Kana muchinyengetera, muti: Baba vedu vari kumatenga, zita renyu ngariitwe dzvene. Ushe hwenyu ngahuuye. Chido chenyu ngachiitwe, panyikawo sezvachinoitwa kudenga.
Luke Shona 11:3  Mutipei zuva rimwe nerimwe kudya kwedu kwemazuva ese.
Luke Shona 11:4  Uye mutikanganwire zvivi zvedu, nokuti isuwo tinokanganwira ani nani ane ngava kwatiri. Uye musatipinza pakuedzwa, asi mutisunungure pakuipa.
Luke Shona 11:5  Akati kwavari: Ndeupi wenyu ane shamwari, uye anoenda kwaari pakati peusiku, akati kwaari: Shamwari, ndikwerete zvingwa zvitatu,
Luke Shona 11:6  nokuti shamwari yangu yasvika kwandiri ichibva parwendo, asi handina chinhu chandingamuperekera;
Luke Shona 11:7  uye uyo ari mukati akapindura akati: Usandinetsa; ikozvino mukova wapfigwa, nevana vangu vadiki vaneni pamubhedha; handigoni kumuka ndikakupa.
Luke Shona 11:8  Ndinoti kwamuri: Kunyange akasamuka akamupa, nekuda kwekuva shamwari yake, asi nekuda kwekutsungirira kwake achamuka akamupa zvese zvaanoshaiwa.
Luke Shona 11:9  Zvino ini ndinoti kwamuri: Kumbirai, muchapiwa; tsvakai, muchawana; gogodzai, muchazarurirwa.
Luke Shona 11:10  Nokuti wese anokumbira anogamuchira; neanotsvaka anowana; neanogogodza anozarurirwa.
Luke Shona 11:11  Kuti ndeupi wenyu ari baba, kana mwanakomana achikumbira chingwa, angazomupa ibwe? Kanawo hove, angazomupa nyoka panzvimbo yehove here?
Luke Shona 11:12  Kanawo kuti akakumbira zai, angazomupa chinyavada here?
Luke Shona 11:13  Naizvozvo kana imwi makaipa muchiziva kupa zvipo zvakanaka vana venyu, Baba vari kudenga vachapa zvikuru sei Mweya Mutsvene vanovakumbira.
Luke Shona 11:14  Zvino wakange achibudisa dhimoni iro raiva chimumumu. Zvino zvakaitika kuti dhimoni rabuda, chimumumu chikataura; zvaunga zvikashamisika.
Luke Shona 11:15  Asi vamwe vavo vakati: Anobudisa madhimoni naBheerizebhuri mukuru wemadhimoni.
Luke Shona 11:16  Uye vamwe vachiidza, vakatsvaka kwaari chiratidzo chinobva kudenga.
Luke Shona 11:17  Asi iye achiziva mifungo yavo wakati kwavari: Ushe hwese hunopesana huchizvipikisa hunoparadzwa; neimba inopikisana neimba inowa.
Luke Shona 11:18  Kana Sataniwo achipesana achizvipikisa, ushe hwake hungazomira sei? Nokuti munoti, ndinobudisa madhimoni naBheerizebhuri.
Luke Shona 11:19  Asi kana ini ndichibudisa madhimoni naBheerizebhuri, vanakomana venyu vanobudisa nani? Naizvozvo ivo vachava vatongi venyu.
Luke Shona 11:20  Asi kana ndichibudisa madhimoni nemunwe waMwari, naizvozvo ushe hwaMwari hwasvika kwamuri.
Luke Shona 11:21  Kana chikakarara chashonga zvombo chichirinda chivanze chacho, nhumbi dzacho dziri murugare;
Luke Shona 11:22  asi kana wakasimba kuchipfuura akachirwisa, akachikunda, anotora nhumbi dzacho dzese dzekurwa dzachange chichivimba nadzo, ndokugovera zvaapamba zvacho.
Luke Shona 11:23  Asina ini anopesana neni; neasingaunganidzi neni anoparadzira.
Luke Shona 11:24  Kana mweya wetsvina wabuda mumunhu, unofamba uchigura nemunzvimbo dzakawoma, uchitsvaka zororo; asi uchishaiwa unoti: Ndichadzokera kuimba yangu kwandakabuda.
Luke Shona 11:25  Zvino kana wasvika unowana yatsvairwa nekurongedzwa.
Luke Shona 11:26  Ipapo unoenda ndokutora pamwe naye imwe mweya minomwe yakaipa kuupfuura, ndokupinda ndokugaramo; uye kuguma kwemunhu uyo kwakaipa kupfuura kutanga.
Luke Shona 11:27  Zvino zvakaitika pakutaura kwake zvinhu izvozvi, umwe mukadzi pakati pechaunga akasimudza inzwi, akati kwaari: Rakaropafadzwa dumbu rakakutakurai, nemazamu amakayamwa.
Luke Shona 11:28  Asi iye akati: Hongu, asi zvikuru vakaropafadzwa vanonzwa shoko raMwari vachirichengeta.
Luke Shona 11:29  Zvino kwakati kwaungana zvaunga zvakatsikirirana, akatanga kuti: Zera iri rakaipa; rinotsvaka chiratidzo, asi hakuna chiratidzo chichapiwa kwariri, kunze kwechiratidzo chaJona muporofita.
Luke Shona 11:30  Nokuti Jona sezvaakava chiratidzo kuVaNinivhi, saizvozvowo zvichaita Mwanakomana wemunhu kuzera iri.
Luke Shona 11:31  Mambokadzi wechamhembe achasimuka pakutongwa pamwe nevarume vezera iri akavapa mhosva; nokuti wakabva pamigumo yenyika kuzonzwa uchenjeri hwaSoromoni, zvino tarirai, mukuru kuna Soromoni ari pano.
Luke Shona 11:32  Varume veNinivhi vachasimuka pakutonga nezera iri, vakaripa mhosva, nokuti vakatendeuka pakuparidza kwaJona; zvino tarira, mukuru kuna Jona ari pano.
Luke Shona 11:33  Hakuna munhu anoti kana atungidza mwenje anoisa pakavanda, kana pasi pedengu, asi pachigadziko chemwenje, kuti avo vanopinda vaone chiedza.
Luke Shona 11:34  Mwenje wemuviri iziso; naizvozvo kana ziso rako riri benyu, muviri wakowo wese uzere nechiedza; asi kana rakaipa, muviri wakowo une rima.
Luke Shona 11:35  Naizvozvo chenjera kuti chiedza chiri mukati mako chisava rima.
Luke Shona 11:36  Naizvozvo kana muviri wako wese uzere nechiedza, pasina rumwe rutivi rwune rima, uchazara nechiedza wese, sepaya mwenje uchikuvhenekera nekupenya.
Luke Shona 11:37  Wakati achitaura, umwe muFarisi akamukumbira kuti adye naye; akapinda, akagara pakudya.
Luke Shona 11:38  Zvino muFarisi wakati achiona, akashamisika kuti wakange asina kutanga ashamba asati adya chisvusvuro.
Luke Shona 11:39  Ishe ndokuti kwaari: Ikozvino imwi VaFarisi munonatsa kunze kwemukombe nekwendiro, asi mukati menyu muzere neupambi neuipi.
Luke Shona 11:40  Imwi mapenzi, heya wakaita kunze, haana kuita mukatiwo?
Luke Shona 11:41  Asi ipai sechipo kuvarombo izvo zvinhu zvemukati; zvino tarirai, zvese zvichava zvakachena kwamuri.
Luke Shona 11:42  Asi mune nhamo VaFarisi! Nokuti munopa chegumi cheminte* neruyi* nemiriwo yese, uye muchidarika mutongo nerudo rwaMwari; maifanira kuita izvi, nekusarega zvimwe.
Luke Shona 11:43  Mune nhamo VaFarisi! Nokuti munoda zvigaro zvepamusoro mumasinagoge, nekwaziso pamisika.
Luke Shona 11:44  Mune nhamo, vanyori neVaFarisi, vanyepedzeri! Nokuti makafanana nemarinda asingaonekwi, uye vanhu vanofamba pamusoro pawo vasingazivi.
Luke Shona 11:45  Zvino umwe wenyanzvi dzemutemo wakapindura akati kwaari: Mudzidzisi, kana muchitaura izvi munotuka isuwo.
Luke Shona 11:46  Asi akati: Mune nhamowo imwi nyanzvi dzemutemo! Nokuti munoremedza vanhu nemitoro inorema kutakurwa, asi imwi momene hamubati mitoro iyi neumwe weminwe yenyu.
Luke Shona 11:47  Mune nhamo! Nokuti munovaka marinda evaporofita, uye madzibaba enyu akavauraya.
Luke Shona 11:48  Naizvozvo munopupura kuti munotenderana nemabasa emadzibaba enyu; nokuti ivo vakavauraya zvirokwazvo, imwiwo munovaka marinda avo.
Luke Shona 11:49  Naizvozvo uchenjeri hwaMwari hunotiwo: Ndichavatumira vaporofita nevaapositori, vamwe vavo vachauraya nekushusha;
Luke Shona 11:50  kuti ropa revaporofita vese rakateurwa kubva pakuvambwa kwenyika ritsvakwe pazera iri,
Luke Shona 11:51  kubva paropa raAberi kusvikira paropa raZakaria wakaparara pakati pearitari neimba yaMwari; hongu, ndinoti kwamuri: Richatsvakwa pazera iri.
Luke Shona 11:52  Mune nhamo, nyanzvi dzemutemo! Nokuti makabvisa kiyi yeruzivo; hamuna kupinda momene, nevaipinda makavadzivirira.
Luke Shona 11:53  Wakati achitaura zvinhu izvi kwavari, vanyori neVaFarisi vakatanga kuita daka naye zvikurusa, nekumubvunzisisa pamusoro pezvizhinji,
Luke Shona 11:54  vachimuteya, nekutsvaka kubata chinhu chinobuda mumuromo make, vagomupa mhosva.