PHILIPPIANS
Chapter 2
Phil | Shona | 2:1 | Naizvozvo kana kune imwe kurudziro kuna Kristu, kana imwe nyaradzo yerudo, kana kumwe kudyidzana kweMweya, kana mune umwe moyo munyoro nemukunzwira tsitsi, | |
Phil | Shona | 2:2 | zadzisai mufaro wangu, kuti muve nefungwa imwe, muve nerudo rumwe, nemweya umwe, nendangariro imwe; | |
Phil | Shona | 2:3 | musingaiti chinhu nenharo kana nekuzvikudza kusina maturo, asi mukuzvininipisa kwemoyo umwe neumwe achikudza vamwe kukupfuurai pakunaka; | |
Phil | Shona | 2:7 | asi wakazviita asina maturo, akatora chimiro chemuranda, akava mumufananidzo wevanhu; | |
Phil | Shona | 2:8 | akati awanikwa muchimiro chemunhu, akazvininipisa, akava wakateerera kusvikira parufu, irwo rufu rwemuchinjikwa. | |
Phil | Shona | 2:11 | uye rurimi rwega-rwega rwupupure kuti Jesu Kristu ndiye Ishe, kuve rumbidzo yaMwari Baba. | |
Phil | Shona | 2:12 | Naizvozvo, vadikanwi vangu, sezvamakateerera nguva dzese, kwete sepakuvapo kwangu chete, asi ikozvino kunyanyisa pakusavapo kwangu, shandai ruponeso rwenyu pachenyu nekutya nekudedera; | |
Phil | Shona | 2:13 | nokuti ndiMwari anoshanda mamuri, zvese kuda nekuita nekuda kwechido chake chakanaka. | |
Phil | Shona | 2:15 | kuti muve vakachena uye vasina chavangapomerwa, vana vaMwari vasina gwapa pakati perudzi rwakakombama nekutsauka, vamunopenya pakati pavo sezviedza munyika, | |
Phil | Shona | 2:16 | muchitaridza shoko reupenyu, pakuzvikudza kwangu nezuva raKristu, kuti handina kumhanya pasina, kana kushanda pasina. | |
Phil | Shona | 2:17 | Asi kana neni ndikadururwa sechibairo chinodururwa pamusoro pechibairo nebasa rerutendo rwenyu, ndinofara uye ndinofara nemwi mese. | |
Phil | Shona | 2:19 | Asi ndinovimba muna Ishe Jesu kutumira Timotio kwamuri nekukurumidza, kuti iniwo ndifare pandinoziva zviri maererano nemwi. | |
Phil | Shona | 2:22 | Asi munoziva kutendeka kwake, kuti semwana kuna baba wakashanda pamwe neni paevhangeri. | |
Phil | Shona | 2:23 | Zvino ndiye wandinotarisira kutumira kwamuri pakarepo, kana ndaona zvakanangana neni; | |
Phil | Shona | 2:25 | Asi ndakaona zvakafanira kutuma kwamuri Epafrodito, hama, nemushandi pamwe neni neuto pamwe neni, asi nhume yenyu nemushumiri wekushaiwa kwangu; | |
Phil | Shona | 2:26 | sezvo akange achikushuvai mese, uye akatambudzika, nokuti makange manzwa kuti wakange achirwara. | |
Phil | Shona | 2:27 | Nokuti zvirokwazvo wakange achirwara ari pedo nekufa; asi Mwari wakamunzwira tsitsi; kwete iye ega, asi neni, kuti ndirege kuva neshungu pamusoro peshungu. | |
Phil | Shona | 2:28 | Naizvozvo ndakashingaira zvikuru kumutuma, kuti kana momuonazve mufare, neni shungu dzangu dziderere zvikuru. | |