MATTHEW
Chapter 6
Matt | Shona | 6:1 | Chenjerai kuti basa renyu rerudo musariita pamberi pevanhu kuti muonekwe navo; kana zvisakadaro hamuna mubairo kuna Baba venyu vari kumatenga. | |
Matt | Shona | 6:2 | Naizvozvo kana uchiita basa rerudo, rega kuridza hwamanda pamberi pako sezvinoita vanyepedzeri mumasinagoge nemunzira dzemumaguta kuti vakudzwe nevanhu. Zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Vagamuchira mubairo wavo. | |
Matt | Shona | 6:3 | Asi iwe kana uchiita basa rerudo, ruboshwe rwako ngarurege kuziva zvinoita rudyi rwako. | |
Matt | Shona | 6:4 | Kuti kuita kwako basa rerudo kuve pakavanda; uye Baba vako vanoona pakavanda, ivo vachakuripira pachena. | |
Matt | Shona | 6:5 | Zvino kana uchinyengetera, usava sevanyepedzeri; nokuti vanoda kunyengetera vamire mumasinagoge nepamharadzano dzenzira dzemumaguta kuti vaonekwe nevanhu. Zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Vagamuchira mubairo wavo. | |
Matt | Shona | 6:6 | Asi iwe kana uchinyengetera, pinda muimba yako yemukati, ugovhara mukova wako, unyengetere kuna Baba vako vari pakavanda; zvino Baba vako vanoona pakavanda vachakuripira pachena. | |
Matt | Shona | 6:7 | Asi kana muchinyengetera, musapamhidzira-pamhidzira zvisina maturo sevahedheni; nokuti vanofunga kuti vachanzwikwa nekutaura kwavo kuzhinji. | |
Matt | Shona | 6:8 | Naizvozvo musafanana navo; nokuti Baba venyu vanoziva chamunoshaiwa musati mavakumbira. | |
Matt | Shona | 6:9 | Naizvozvo imwi nyengeterai seizvi: Baba vedu vari kumatenga, zita renyu ngariitwe dzvene; | |
Matt | Shona | 6:13 | uye musatipinza pakuedzwa, asi mutisunungure pakuipa. Nokuti ushe ndehwenyu nesimba nekubwinya kusvikira rinhi narinhi. Ameni. | |
Matt | Shona | 6:14 | Nokuti kana muchikanganwira vanhu kudarika kwavo, Baba venyu vari kudenga vachakukanganwiraiwo. | |
Matt | Shona | 6:15 | Asi kana musingakanganwiri vanhu kudarika kwavo, Baba venyu havangakanganwiriwo kudarika kwenyu. | |
Matt | Shona | 6:16 | Uyezve kana muchitsanya, musava nezviso zvinopunyaira sevanyepedzeri; nokuti vanounyanisa zviso zvavo, kuti vaonekwe nevanhu kuti vanotsanya. Zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Vagamuchira mubairo wavo. | |
Matt | Shona | 6:18 | kuti urege kuonekwa kuvanhu kuti unotsanya, asi kuna Baba vako vari pakavanda; zvino Baba vako vanoona pakavanda vachakuripira pachena. | |
Matt | Shona | 6:19 | Regai kuzviunganidzira fuma panyika, pane chifusi nengura zvinoodza, nepane mbavha dzinopaza dzichiba; | |
Matt | Shona | 6:20 | asi muzviunganidzire fuma kudenga, uko kusina chifusi kana ngura zvinoodza, naapo mbavha padzisingapazi kana kuba. | |
Matt | Shona | 6:22 | Mwenje wemuviri iziso; naizvozvo kana ziso rako riri benyu, muviri wako wese uchazara nechiedza. | |
Matt | Shona | 6:23 | Asi kana ziso rako rakaipa, muviri wako wese uchazara nerima. Naizvozvo kana chiedza chiri mauri chiri rima, rima iro iguru sei! | |
Matt | Shona | 6:24 | Hapana angashumira vatenzi vaviri; nokuti achavenga umwe, akada umwe; kana achanamatira umwe, akazvidza umwe. Hamungashumiri Mwari naMamona*. | |
Matt | Shona | 6:25 | Naizvozvo ndinoti kwamuri: Musafunganya pamusoro peupenyu hwenyu, zvamuchadya kana zvamuchanwa, kana pamusoro pemuviri wenyu, zvamuchapfeka. Upenyu hahupfuuri kudya here, nemuviri chipfeko? | |
Matt | Shona | 6:26 | Tarirai shiri dzedenga, nokuti hadzidzvari kana kukohwa kana kuunganidza mumatura, asi Baba venyu vekudenga vanodzirurira. Imwi hamudzipfuuri zvikuru here? | |
Matt | Shona | 6:28 | Nepamusoro pezvipfeko munofunganyirei? Nyatsorangarirai midovatova yenyika, inokura sei; haishingairi, hairuki; | |
Matt | Shona | 6:29 | asi ndinoti kwamuri: Kunyange Soromoni pakubwinya kwake kwese haana kupfekedzwa seimwe yeiyi. | |
Matt | Shona | 6:30 | Zvino kana Mwari achifukidza saizvozvo uswa hwenyika, huripo nhasi, hunokandirwa muchoto mangwana, haangakufukidziyi nekupfuurisa here imwi verutendo rudiki? | |
Matt | Shona | 6:32 | Nokuti izvozvi zvese vahedheni vanozvitsvaka, nokuti Baba venyu vekudenga vanoziva kuti munoshaiwa izvozvi zvese. | |
Matt | Shona | 6:33 | Asi tangai kutsvaka ushe hwaMwari, nekururama kwake, zvino izvozvi zvese zvichawedzerwa kwamuri. | |