Site uses cookies to provide basic functionality.

OK
MATTHEW
Prev Up Next Toggle notes
Chapter 5
Matt Shona 5:1  Zvino wakati achiona zvaunga akakwira mugomo, zvino wakati agara pasi vadzidzi vake vakauya kwaari;
Matt Shona 5:3  Vakaropafadzwa varombo pamweya; nokuti ushe hwekumatenga ndehwavo.
Matt Shona 5:4  Vakaropafadzwa vanochema; nokuti ivo vachanyaradzwa.
Matt Shona 5:5  Vakaropafadzwa vanyoro; nokuti ivo vachagara nhaka yenyika.
Matt Shona 5:6  Vakaropafadzwa vane nzara nenyota yekururama; nokuti ivo vachagutiswa.
Matt Shona 5:7  Vakaropafadzwa vane tsitsi; nokuti ivo vachaitirwa tsitsi.
Matt Shona 5:8  Vakaropafadzwa vakachena pamoyo; nokuti ivo vachaona Mwari.
Matt Shona 5:9  Vakaropafadzwa vanoyananisa; nokuti ivo vachanzi vana vaMwari.
Matt Shona 5:10  Vakaropafadzwa vanoshushwa nekuda kwekururama; nokuti ushe hwekumatenga ndehwavo.
Matt Shona 5:11  Makaropafadzwa imwi, kana vachikutukai, vachikushushai, vachikutaurirai zvakaipa zvese vachireva nhema nekuda kwangu.
Matt Shona 5:12  Farai mupembere kwazvo, nokuti mubairo wenyu mukuru mumatenga; nokuti vakashusha saizvozvo vaporofita vakakutangirai.
Matt Shona 5:13  Imwi muri munyu wenyika; asi kana munyu warasa kuvava, ucharungwa nei? Hauchabatsiri chinhu, asi kurasirwa kunze, utsikwe-tsikwe nevanhu.
Matt Shona 5:14  Imwi muri chiedza chenyika; guta rakamiswa pamusoro pegomo haringavanziki;
Matt Shona 5:15  uye mwenje havautungidzi vakauisa pasi pedengu, asi pachigadziko chemwenje, uvhenekere vese vari mumba.
Matt Shona 5:16  Saizvozvo chiedza chenyu ngachivhenekere pamberi pevanhu, kuti vaone mabasa enyu akanaka, vagokudza Baba venyu vari kumatenga.
Matt Shona 5:17  Musafunga kuti ndauya kuzoparadza murairo kana vaporofita; handina kuuya kuzoparadza, asi kuzozadzisa.
Matt Shona 5:18  Nokuti zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Kusvikira denga nenyika zvichipfuura, vara diki rimwe kana chidodzi chimwe kubva pamurairo hazvingatongopfuuri, kusvikira zvese zvaitika.
Matt Shona 5:19  Naizvozvo ani nani anotyora umwe wemirairo midikisa iyi, akadzidzisa vanhu saizvozvo, achanzi mudikisa muushe hwekumatenga; asi ani nani anoita akaidzidzisa, iye achanzi mukuru muushe hwekumatenga.
Matt Shona 5:20  Nokuti ndinoti kwamuri: Kunze kwekuti kururama kwenyu kukapfuura kwevanyori nekweVaFarisi, hamungatongopindi muushe hwekumatenga.
Matt Shona 5:21  Makanzwa kuti zvakanzi kune vekare: Usauraya; uye ani nani anouraya achava nemhosva yemutongo;
Matt Shona 5:22  asi ini ndinoti kwamuri: Ani nani anotsamwira umwe wake pasina chikonzero, achava nemhosva yemutongo; neanoti kune umwe wake: Dununu! achava nemhosva yedare remakurukota; uye anoti: Benzi! achava nemhosva yegehena remoto.
Matt Shona 5:23  Naizvozvo kana uchiuisa chipo chako kuaritari, ipapo ukarangarira kuti umwe wako ane chekupikisana newe,
Matt Shona 5:24  siya ipapo chipo chako pamberi pearitari, uende umbonotanga wayanana neumwe wako, ugouya wopira chipo chako.
Matt Shona 5:25  Tenderana nemudzivisi wako nekukurumidza, uchiri munzira naye, zvimwe mudzivisi angakukumikidza kumutongi, mutongi akukumikidze kumupurisa, ukakandirwa mutirongo.
Matt Shona 5:26  Zvirokwazvo ndinoti kwauri: Haungatongobudimo, kusvikira waripa kamari kekupedzisira.
Matt Shona 5:27  Makanzwa kuti zvakanzi kune vekare: Usaita upombwe;
Matt Shona 5:28  asi ini ndinoti kwamuri: Wese anotarisa mukadzi kuti amuchive, watoita upombwe naye mumoyo make.
Matt Shona 5:29  Uye kana ziso rako rerudyi richikugumbusa, uridzure urase kubva kwauri; nokuti zviri nani kwauri kuti umwe wemitezo yako uparare, kwete kuti muviri wako wese ukandirwe mugehena.
Matt Shona 5:30  Zvino kana ruoko rwako rwerudyi ruchikugumbusa, urugure urasire kure newe; nokuti zviri nani kwauri kuti umwe wemitezo yako uparare, kwete kuti muviri wako wese ukandirwe mugehena.
Matt Shona 5:31  Zvakanziwo: Ani nani anoramba mukadzi wake, ngaamupe rugwaro rwekurambana;
Matt Shona 5:32  asi ini ndinoti kwamuri: Ani nani anoramba mukadzi wake, kunze kwemhosva yeupombwe, anomuitisa upombwe; uye ani nani anowana wakarambwa anoita upombwe.
Matt Shona 5:33  Zvekare makanzwa kuti zvakanzi kune vekare: Usapika nhema, asi uripire Ishe mhiko dzako;
Matt Shona 5:34  asi ini ndinoti kwamuri: Musatongopika; kana nedenga, nokuti chigaro chaMwari cheushe;
Matt Shona 5:35  kana nenyika, nokuti chitsiko chetsoka dzake; kana neJerusarema, nokuti iguta raMambo mukuru;
Matt Shona 5:36  uye usapika nemusoro wako, nokuti haugoni kuita ruvhudzi rumwe ruchena kana rutema.
Matt Shona 5:37  Asi shoko renyu ngarive: Hongu, hongu; kwete, kwete; chinopfuura izvi chinobva kune wakaipa.
Matt Shona 5:38  Makanzwa kuti zvakanzi: Ziso neziso, uye zino nezino;
Matt Shona 5:39  asi ini ndinoti kwamuri: Musapikisa wakaipa; asi ani nani anokurova padama rako rerudyi, umutendeusire rimwewo.
Matt Shona 5:40  Neanoda kukusungisa, nekutora shati yako, umutendere nguvo yakowo.
Matt Shona 5:41  Ani nani anokumanikidza kuenda maira imwe uende naye mbiri.
Matt Shona 5:42  Ipa anokumbira kwauri, usafuratira anoda kukwereta kwauri.
Matt Shona 5:43  Makanzwa kuti zvakanzi: Ude umwe wako, uvenge muvengi wako.
Matt Shona 5:44  Asi ini ndinoti kwamuri: Idai vavengi venyu, ropafadzai vanokutukai, batai zvakanaka vanokuvengai, munyengeterere vanokubatai zvakaipa vachikushushai.
Matt Shona 5:45  Kuti muve vana vaBaba venyu vari kumatenga, nokuti vanobudisira zuva ravo kune vakaipa nevakanaka, nemvura vanoinaisira vakarurama nevasakarurama.
Matt Shona 5:46  Nokuti kana muchida vanokudai, mune mubairo wei? Ko, vateresiwo havaiti izvozvo here?
Matt Shona 5:47  Uye kana muchikwazisa vamwe venyu chete, munoita zvikuru kupfuura vamwe nei? Ko, vateresiwo havaiti saizvozvo here?
Matt Shona 5:48  Naizvozvo imwi muve vakakwana, saBaba venyu vari kumatenga vakakwana.