Site uses cookies to provide basic functionality.

OK
MATTHEW
Prev Up Next Toggle notes
Chapter 25
Matt Shona 25:1  Panguva iyo ushe hwekumatenga huchava hwakafananidzwa nevasikana gumi vakatora marambi avo vakabuda kunochingamidza muwani.
Matt Shona 25:2  Zvino vashanu vavo vakange vakachenjera, uye vashanu vari mapenzi.
Matt Shona 25:3  Avo vari mapenzi vakatora marambi avo, vakasatora mafuta pamwe navo.
Matt Shona 25:4  Asi vakachenjera vakatora mafuta mumidziyo yavo nemarambi avo.
Matt Shona 25:5  Zvino muwani wakati achinonoka, vese vakatsumwaira vakarara.
Matt Shona 25:6  Asi pakati peusiku kwakadanidzirwa: Tarirai, muwani ouya, budai munomuchingamidza!
Matt Shona 25:7  Zvino vasikana avo vese vakamuka, vakagadzira marambi avo.
Matt Shona 25:8  Mapenzi akati kune vakachenjera: Tipei pamafuta enyu nokuti marambi edu odzima.
Matt Shona 25:9  Asi vakachenjera vakapindura vachiti: Zvimwe haangakwaniri isu nemwi; asi zviri nani endai kune vanotengesa munozvitengera.
Matt Shona 25:10  Vakati vachienda kunotenga, muwani akasvika. Zvino vakange vakagadzirira vakapinda naye mumuchato, mukova ukapfigwa.
Matt Shona 25:11  Zvino pashure kwakauyawo vamwe vasikana, vachiti: Ishe, ishe, tizarurirei!
Matt Shona 25:12  Asi wakapindura akati: Zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Handikuziviyi imwi.
Matt Shona 25:13  Naizvozvo rindai, nokuti hamuzivi zuva kana awa Mwanakomana wemunhu raachauya mariri.
Matt Shona 25:14  Nokuti zvakaita semunhu wakafamba rwendo, akadana varanda vake, akavapa zvaaiva nazvo.
Matt Shona 25:15  Uye kune umwe wakapa matarenda* mashanu, umwe maviri, umwe rimwe, umwe neumwe zvakakwanirana nesimba rake; pakarepo akafamba rwendo.
Matt Shona 25:16  Uye wakagamuchira matarenda mashanu akaenda akaita mhindu nawo, akaita mamwe matarenda mashanu.
Matt Shona 25:17  Saizvozvowo wemaviri, iye akawanawo mamwe maviri.
Matt Shona 25:18  Asi wakagamuchira rimwe wakaenda akachera pasi, akaviga mari yaishe wake.
Matt Shona 25:19  Shure kwenguva refu, ishe wevaranda avo wakasvika, akagadzira zvemari navo.
Matt Shona 25:20  Kwakauya wakange agamuchira matarenda mashanu akauisa mamwe matarenda mashanu achiti: Ishe, makandikumikidza matarenda mashanu; tarirai, ndawana pamusoro pawo mamwe matarenda mashanu.
Matt Shona 25:21  Ishe wake akati kwaari: Zvakanaka, muranda wakanaka uye wakatendeka, wakange wakatendeka pazvishoma, ndichakuisa pamusoro pezvizhinji; pinda mumufaro waishe wako.
Matt Shona 25:22  Wakange agamuchira matarenda maviri akauyawo akati: Ishe, makandikumikidza matarenda maviri; tarirai, ndawana mamwe matarenda maviri pamusoro pawo.
Matt Shona 25:23  Ishe wake akati kwaari: Zvakanaka, muranda wakanaka uye wakatendeka, wakange wakatendeka pazvishoma, ndichakuisa pamusoro pezvizhinji; pinda mumufaro waishe wako.
Matt Shona 25:24  Asi wakange agamuchira tarenda rimwe naiye wakauya akati: Ishe, ndakange ndichikuzivai imwi kuti muri munhu wakawoma, munokohwa pamusina kudzvara, munounganidza pamusina kukusha;
Matt Shona 25:25  zvino ndakatya, ndikaenda ndikanoviga tarenda renyu muvhu; tarirai, mava nechenyu!
Matt Shona 25:26  Ishe wake akapindura akati kwaari: Muranda wakaipa une usimbe, wakange uchiziva kuti ndinokohwa pandisina kudzvara, ndichiunganidza pandisina kukusha.
Matt Shona 25:27  Saka waifanira kuisa mari yangu kuvatsinhanisi vemari, neni pakusvika ndingadai ndagamuchira zvangu nezvibereko.
Matt Shona 25:28  Naizvozvo mutorerei tarenda, mupe kune ane matarenda gumi.
Matt Shona 25:29  Nokuti wese anazvo achapiwa ave nezvakawandisa; asi kubva kune asina kuchatorwa nechaanacho.
Matt Shona 25:30  Uye muranda pasina murasirei kurima rekunze kwekupedzisira; ipapo pachava nekuchema nekugeda-geda kwemeno.
Matt Shona 25:31  Zvino kana Mwanakomana wemunhu achiuya mukubwinya kwake, nevatumwa vatsvene vese vanaye, ipapo achagara pachigaro cheushe chekubwinya kwake.
Matt Shona 25:32  Zvino pamberi pake pachaunganidzwa ndudzi dzese; uye achadziparadzanisa vamwe kubva kune vamwe, semufudzi anoparadzanisa makwai kubva kumbudzi.
Matt Shona 25:33  Achamisa makwai kuruoko rwake rwerudyi, asi mbudzi kuruboshwe.
Matt Shona 25:34  Zvino Mambo achati kune vari kuruoko rwake rwerudyi: Uyai, imwi makaropafadzwa naBaba vangu, mugare nhaka yeushe hwakagadzirirwa imwi kubva pakuvamba kwenyika.
Matt Shona 25:35  Nokuti ndakange ndine nzara, mukandipa chekudya; ndakange ndine nyota, mukandipa chekunwa; ndakange ndiri mweni, mukandigamuchira;
Matt Shona 25:36  ndakashama, mukandipfekedza; ndakange ndichirwara, mukandishanyira; ndakange ndiri mutirongo, mukauya kwandiri.
Matt Shona 25:37  Ipapo vakarurama vachamupindura vachiti: Ishe, takakuonai rinhi mune nzara, tikakupai chekudya, kana mune nyota, tikapa chekunwa?
Matt Shona 25:38  Takakuonai rinhi muri mweni, tikakugamuchirai, kana makashama, tikapfekedza?
Matt Shona 25:39  Takakuonai rinhi muchirwara, kana mutirongo, tikauya kwamuri?
Matt Shona 25:40  Uye Mambo achapindura ati kwavari: Zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Sezvamakaitira umwe wehama dzangu idzi mudikisa, makaitira ini.
Matt Shona 25:41  Ipapo uchatiwo kune vari kuruoko rweruboshwe: Ibvai kwandiri, imwi makatukwa, muende kumoto usingaperi, wakagadzirirwa dhiabhorosi nevatumwa vake.
Matt Shona 25:42  Nokuti ndakange ndine nzara, mukasandipa chekudya; ndakange ndine nyota, mukasandipa chekunwa;
Matt Shona 25:43  ndakange ndiri mweni, mukasandigamuchira; ndakashama, mukasandipfekedza; ndichirwara, nemutirongo, mukasandishanyira.
Matt Shona 25:44  Ipapo avawo vachamupindura vachiti: Ishe, takakuonai rinhi mune nzara, kana mune nyota, kana muri mweni, kana makashama, kana muchirwara, kana muri mutirongo, tikasakushandirai?
Matt Shona 25:45  Zvino achavapindura achiti: Zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Pamusina kuitira umwe wevadikisa ava, hamuna kuitirawo ini.
Matt Shona 25:46  Ava vachaenda kukurangwa kusingaperi; asi vakarurama kuupenyu husingaperi.