JOHN
Chapter 15
John | Shona | 15:2 | Davi rimwe nerimwe riri mandiri risingabereki chibereko, vanoribvisa; uye rimwe nerimwe rinobereka chibereko, vanorichekerera, kuti riwedzere kubereka chibereko. | |
John | Shona | 15:4 | Garai mandiri, neni mamuri. Sedavi risingagoni kubereka chibereko pacharo, kana risingagari mumuzambiringa, saizvozvo nemwi kwete, kana musingagari mandiri. | |
John | Shona | 15:5 | Ini ndiri muzambiringa, imwi matavi. Anogara mandiri, neni maari, ndiye anobereka chibereko chakawanda; nokuti kunze kwangu hamugoni kuita chinhu. | |
John | Shona | 15:6 | Kana munhu asingagari mandiri, anoraswa kunze sedavi, ndokusvava, vanoaunganidza, ndokukandira mumoto, apiswe. | |
John | Shona | 15:7 | Kana muchigara mandiri, nemashoko angu achigara mamuri, muchakumbira chero zvamunoda, uye muchazviitirwa. | |
John | Shona | 15:8 | Baba vangu vanokudzwa neizvi, kuti mubereke chibereko chakawanda; uye muchava vadzidzi vangu. | |
John | Shona | 15:10 | Kana muchichengeta mirairo yangu, muchagara murudo rwangu, seni ndakachengeta mirairo yaBaba vangu, ndinogara murudo rwavo. | |
John | Shona | 15:11 | Zvinhu izvi ndazvitaura kwamuri, kuti mufaro wangu ugare mamuri, uye mufaro wenyu uzare. | |
John | Shona | 15:13 | Hakuna ane rudo rukuru kune urwu, kuti munhu anoradzikira pasi shamwari dzake upenyu hwake. | |
John | Shona | 15:15 | Handichakuidziizve varanda, nokuti muranda haazivi ishe wake chaanoita; asi ndakuidzai shamwari; nokuti zvese zvandakanzwa naBaba vangu, ndakakuzivisai. | |
John | Shona | 15:16 | Imwi hamuna kundisarudza, asi ini ndakakusarudzai, ndikakugadzai, kuti imwi muende mubereke chibereko, uye chibereko chenyu chigare; kuti chipi nechipi chamunokumbira kuna Baba muzita rangu, vakupei. | |
John | Shona | 15:19 | Dai maiva venyika, nyika yaida zvayo pachayo; asi nokuti hamusi venyika, asi ini ndakakusarudzai kubva panyika, naizvozvo nyika inokuvengai. | |
John | Shona | 15:20 | Rangarirai shoko ini randakareva kwamuri: Muranda haasi mukuru kuna ishe wake. Kana vakashusha ini, vachashusha imwiwo; kana vakachengeta shoko rangu vachachengeta renyuwo. | |
John | Shona | 15:22 | Dai ndisina kuuya ndikataura kwavari, vangadai vasina chivi; asi ikozvino havana manzvengero pachivi chavo. | |
John | Shona | 15:24 | Dai ndisina kuita pakati pavo mabasa asina umwe wakaaita, vangadai vasina chivi; asi ikozvino vakaona ndokuvenga zvese ini naBaba vangu. | |
John | Shona | 15:25 | Asi kuti shoko rizadziswe rakanyorwa pamurairo wavo, rinoti: Vakandivenga pasina chikonzero. | |
John | Shona | 15:26 | Asi kana Munyaradzi auya, ini wandichatumira kwamuri kubva kuna Baba, Mweya wechokwadi, unobuda kuna Baba, uyu achapupura nezvangu. | |