JOHN
Chapter 9
John | Shona | 9:2 | Vadzidzi vake ndokumubvunza, vachiti: Rabhi*, ndiani wakatadza, uyu kana vabereki vake, kuti aberekwe ari bofu? | |
John | Shona | 9:3 | Jesu akapindura akati: Uyu haana kutadza, kana vabereki vake; asi kuti mabasa aMwari aoneswe maari. | |
John | Shona | 9:4 | Ndinofanira kushanda mabasa ewakandituma achiri masikati; usiku hunouya, apo pasina munhu angagona kushanda. | |
John | Shona | 9:7 | akati kwaari: Enda unoshamba mudziva reSiroami (zvinoshandurwa kuti: Wakatumwa). Naizvozvo wakaenda akashamba, akadzoka achiona. | |
John | Shona | 9:8 | Naizvozvo vavakidzani nevaimuona pakutanga kuti wakange ari bofu, vakati: Haasi iye uyu waigara achipemha here? | |
John | Shona | 9:11 | Akapindura izvo akati: Munhu anonzi Jesu wakaita dope, akazodza meso angu, akati kwandiri: Enda kudziva reSiroami unoshamba. Zvino ndikaenda ndikashamba, ndikaonazve. | |
John | Shona | 9:15 | Naizvozvo zvekare VaFarisi vakamubvunzawo, kuti wakaonazve sei. Akati kwavari: Waisa dope pameso angu ndikashamba, ndava kuona. | |
John | Shona | 9:16 | Naizvozvo vamwe veVaFarisi vakati: Munhu uyu haabvi kuna Mwari, nokuti haachengeti sabata. Vamwe vakati: Munhu ari mutadzi angaita sei zviratidzo zvakadai? Kukava nekupesana pakati pavo. | |
John | Shona | 9:17 | Vakatizve kubofu: Iwe unoti kudini pamusoro pake, sezvo asvinudza meso ako? Akati: Muporofita. | |
John | Shona | 9:18 | Zvino VaJudha havana kutenda pamusoro pake, kuti wakange ari bofu, akaonazve, kusvikira vadana vabereki vewakaonazve, | |
John | Shona | 9:19 | zvino vakavabvunza, vachiti: Uyu mwanakomana wenyu imwi wamunoti wakaberekwa ari bofu here? Naizvozvo ikozvino woona sei? | |
John | Shona | 9:20 | Vabereki vake vakavapindura vakati: Tinoziva kuti uyu mwanakomana wedu, uye kuti wakaberekwa ari bofu; | |
John | Shona | 9:21 | asi kuti ikozvino woona sei, hatizivi; kana ndiani wasvinudza meso ake, isu hatizivi; iye wayaruka, mubvunzei, iye pachake achazvitaurira. | |
John | Shona | 9:22 | Vabereki vake vakareva izvi, nokuti vaitya VaJudha; nokuti VaJudha vakange vatotenderana kuti kana ani nani anobvuma kuti ndiye Kristu, abudiswe musinagoge. | |
John | Shona | 9:24 | Naizvozvo vakadana rwechipiri uyo munhu wakange ari bofu, vakati kwaari: Ipa Mwari rumbidzo; isu tinoziva kuti munhu uyu mutadzi. | |
John | Shona | 9:25 | Naizvozvo iye akapindura achiti: Kana ari mutadzi handizivi; chinhu chimwe chandinoziva, kuti ndaiva bofu, ikozvino ndoona. | |
John | Shona | 9:27 | Akavapindura, akati: Ndadokuudzai, asi hamuna kunzwa, munodirei kunzwa zvekare? Nemwi munoda kuva vadzidzi vake kanhi? | |
John | Shona | 9:30 | Munhu akapindura akati kwavari: Nokuti pachinhu ichi pane chinoshamisa, kuti imwi hamuzivi kwaanobva, asi wasvinudza meso angu. | |
John | Shona | 9:31 | Zvino tinoziva kuti Mwari haanzwi vatadzi; asi kana munhu ari mushumiri waMwari, achiita chido chake, uyu anomunzwa. | |
John | Shona | 9:34 | Vakapindura vakati kwaari: Iwe zvachese wakaberekerwa muzvivi, zvino iwe wotidzidzisa here? Vakamudzingira kunze. | |
John | Shona | 9:35 | Jesu akanzwa kuti vamudzingira kunze; akati amuwana, akati kwaari: Iwe unotenda kuMwanakomana waMwari here? | |
John | Shona | 9:39 | Jesu ndokuti: Kutonga ndiko ini kwandakauira panyika ino, kuti vasingaoni vaone; nevanoona vave mapofu. | |
John | Shona | 9:40 | Uye avo veVaFarisi vaiva naye vakanzwa zvinhu izvi, vakati kwaari: Nesu tiri mapofu here? | |