Site uses cookies to provide basic functionality.

OK
JOHN
1 2 3 4 5 6 7 8 9 10 11 12 13 14 15 16 17 18 19 20 21
Prev Up Next Toggle notes
Chapter 19
John Shona 19:1  Naizvozvo ipapo Pirato wakatora Jesu, akamurova netyava.
John Shona 19:2  Zvino mauto akaruka korona yeminzwa akaisa pamusoro wake, ndokumupfekedza nguvo ine ruvara rwehute.
John Shona 19:3  Vakati: Hekanhi, Mambo weVaJudha! Ndokumurova nembama.
John Shona 19:4  Naizvozvo Pirato akabudazve panze, ndokuti kwavari: Tarirai, ndinomubudisira kwamuri, kuti muzive kuti handiwani mhosva maari.
John Shona 19:5  Naizvozvo Jesu wakabuda panze, akapfeka korona yeminzwa, nenguvo ine ruvara rwehute. Pirato ndokuti kwavari: Tarirai munhu uyu!
John Shona 19:6  Naizvozvo vapristi vakuru nemapurisa pavakamuona, vakadanidzira vachiti: Roverera pamuchinjikwa, roverera pamuchinjikwa! Pirato akati kwavari: Mutorei imwi, muroverere pamuchinjikwa; nokuti ini handiwani mhosva kwaari.
John Shona 19:7  VaJudha vakamupindura vakati: Isu tine murairo, uye nemurairo wedu anofanira kufa, nokuti wakazviita Mwanakomana waMwari.
John Shona 19:8  Naizvozvo Pirato paakanzwa shoko iri, wakanyanya kutya.
John Shona 19:9  Akapindazve mumba memutungamiriri, ndokuti kuna Jesu: Unobvepi iwe? Asi Jesu haana kumupa mhinduro.
John Shona 19:10  Pirato akati kwaari: Hautauri neni here? Hauzivi here kuti ndine simba rekukuroverera pamuchinjikwa uye ndine simba rekukusunungura?
John Shona 19:11  Jesu akapindura akati: Haungatongovi nesimba pamusoro pangu, dai usina kuripiwa kubva kumusoro; naizvozvo anondikumikidza kwauri ane chivi chikuru.
John Shona 19:12  Kubva ipapo Pirato akatsvaka kumusunungura. Asi VaJudha vakadanidzira, vachiti: Kana mukasunungura uyu, hamusi shamwari yaKesari; umwe neumwe anozviita mambo, anopikisana naKesari.
John Shona 19:13  Naizvozvo Pirato anzwa shoko iri wakabudisa Jesu panze, akagara pachigaro chekutonga, panzvimbo inonzi Pakarongwa neMabwe, asi nechiHebheru Gabhata.
John Shona 19:14  Zvino raiva gadziriro repasika, uye raiva awa rinenge rechitanhatu; ndokuti kuVaJudha: Tarirai Mambo wenyu!
John Shona 19:15  Asi vakadanidzira vachiti: Bvisai, bvisai, murovererei pamuchinjikwa! Pirato akati kwavari: Ndoroverera pamuchinjikwa Mambo wenyu here? Vapristi vakuru vakapindura vachiti: Hatina mambo kunze kwaKesari.
John Shona 19:16  Naizvozvo ipapo akamukumikidza kwavari, kuti arovererwe pamuchinjikwa. Zvino vakatora Jesu vakamutinha.
John Shona 19:17  Zvino wakatakura muchinjikwa wake akabuda akaenda kunzvimbo yainzi yeDehenya, ichinzi nechiHebheru Gorogota,
John Shona 19:18  pavakamuroverera pamuchinjikwa nevamwe vaviri naye, parutivi neparutivi, naJesu pakati.
John Shona 19:19  Pirato ndokunyorawo chiziviso akaisa pamuchinjikwa; chakange chakanyorwa kuti: JESU MUNAZARETA MAMBO WEVAJUDHA.
John Shona 19:20  Naizvozvo vazhinji veVaJudha vakaverenga chiziviso ichi; nokuti nzvimbo pakange pakarovererwa Jesu pamuchinjikwa yaiva pedo neguta; uye pakange pakanyorwa nechiHebheru, nechiGiriki, nechiRoma.
John Shona 19:21  Naizvozvo vapristi vakuru veVaJudha vakati kuna Pirato: Musanyora muchiti: Mambo weVaJudha; asi kuti uyo wakati: Ndiri mambo weVaJudha.
John Shona 19:22  Pirato akapindura akati: Zvandanyora, ndanyora.
John Shona 19:23  Naizvozvo mauto akati aroverera Jesu pamuchinjikwa, akatora nguvo dzake, akaita migove mina, kumuuto umwe neumwe mugove; neshatiwo; asi shati iyi yakange isina musono, yakange yakarukwa yese kubva kumusoro.
John Shona 19:24  Naizvozvo vakataurirana vachiti: Ngatirege kuibvarura, asi tiikandire mijenya, kuti ichava yaani; kuti rugwaro ruzadziswe rwunoti: Vakagovana nguvo dzangu pakati pavo, vakakandawo mujenya pamusoro pechekupfeka changu. Naizvozvo mauto akaita zvinhu izvi.
John Shona 19:25  Zvino pamuchinjikwa waJesu pakange pamire mai vake, nemunin'ina wamai vake, Maria mukadzi waKiropasi, naMaria Magidharini.
John Shona 19:26  Naizvozvo Jesu wakati achiona mai vake, nemudzidzi waaida amirepo, akati kuna mai vake: Mukadzi, tarira mwanakomana wako.
John Shona 19:27  Shure kweizvozvo wakati kumudzidzi: Tarira mai vako. Zvino kubva paawa iro mudzidzi wakavatora akavaisa kumba kwake.
John Shona 19:28  Shure kwaizvozvi, Jesu achiziva kuti zvinhu zvese zvatopedzwa, kuti rugwaro rwuzadziswe, akati: Ndine nyota.
John Shona 19:29  Zvino pakange pakagadzikwa hari izere nevhiniga; zvino vakazadza chipanje nevhiniga vakaisa parutanda rwehisopi*, vakaisa kumuromo wake.
John Shona 19:30  Naizvozvo Jesu agamuchira vhiniga, wakati: Zvapedzwa! Akakotamisa musoro, akapa mweya wake.
John Shona 19:31  Naizvozvo VaJudha nokuti rakange riri gadziriro, kuti mitumbi isagara pamuchinjikwa nesabata (nokuti zuva resabata iro raiva guru), vakakumbira Pirato kuti makumbo avo avhuniwe, uye vabviswe.
John Shona 19:32  Naizvozvo mauto akauya, akavhuna makumbo ewekutanga, neeumwe wakange arovererwa pamuchinjikwa pamwe naye;
John Shona 19:33  asi vasvika kuna Jesu, pavakaona kuti watofa, havana kuvhuna makumbo ake;
John Shona 19:34  asi umwe wemauto wakabaya rutivi rwake nepfumo, pakarepo kukabuda ropa nemvura.
John Shona 19:35  Uye iye wakaona wakapupura, uye kupupura kwake ichokwadi; uye iye anoziva kuti anoreva chokwadi, kuti imwi mutende.
John Shona 19:36  Nokuti zvinhu izvi zvakaitwa kuti rugwaro rwuzadziswe rwunoti: Fupa rake haringavhunwi.
John Shona 19:37  Uyezve rumwe rugwaro rwunoti: Vachamutarira wavakabvovora.
John Shona 19:38  Shure kweizvozvi Josefa weArimatia, ari mudzidzi waJesu, asi pachivande nekutya VaJudha, wakakumbira kuna Pirato kuti abvise mutumbi waJesu. Zvino Pirato akamutendera. Naizvozvo akauya akabvisa mutumbi waJesu.
John Shona 19:39  Kwakauyawo Nikodhimo, wakauya pakutanga kuna Jesu usiku, akatakura musanganiswa wemura* nearosi* mapaundi anenge zana.
John Shona 19:40  Ipapo vakatora mutumbi waJesu, vakamuputira nemicheka yerineni nezvinonhuhwira, seyaiva tsika yeVaJudha yekuviga.
John Shona 19:41  Zvino panzvimbo iyo paakarovererwa pamuchinjikwa pakange pane bindu, uye mubindu mune guva idzva, makange musina kumboradzikwa munhu.
John Shona 19:42  Naizvozvo vakaradzika Jesu ipapo nekuda kwegadziriro yeVaJudha, nokuti guva rakange riri pedo.