Site uses cookies to provide basic functionality.

OK
JOHN
1 2 3 4 5 6 7 8 9 10 11 12 13 14 15 16 17 18 19 20 21
Prev Up Next Toggle notes
Chapter 6
John Shona 6:1  Shure kwezvinhu izvi Jesu wakabva akaenda mhiri kwegungwa reGarirea, rinova reTibheriasi.
John Shona 6:2  Zvino chaunga chikuru chikamutevera, nokuti vakaona zviratidzo zvake zvaaiita kune avo vairwara.
John Shona 6:3  Jesu ndokukwira mugomo, akagarapo nevadzidzi vake.
John Shona 6:4  Zvino pasika, mutambo weVaJudha, wakange waswedera.
John Shona 6:5  Zvino Jesu paakasimudza meso, ndokuona kuti chaunga chikuru chinouya kwaari, akati kuna Firipi: Tichatengepi zvingwa, kuti ava vadye?
John Shona 6:6  Wakareva izvozvo achimuedza, nokuti iye waiziva zvaaizoita.
John Shona 6:7  Firipi akamupindura achiti: Zvingwa zvemadhenario* mazana maviri hazvivakwani, kuti umwe neumwe wavo atore chidiki.
John Shona 6:8  Umwe wevadzidzi vake, Andiriya munin'ina waSimoni Petro, akati kwaari:
John Shona 6:9  Pane kamukomana pano kane zvingwa zvishanu zvebhari* nehove diki mbiri; asi zvii kuvazhinji vakadai?
John Shona 6:10  Asi Jesu wakati: Garisai vanhu pasi. Zvino kwakange kune uswa uzhinji panzvimbo iyo. Naizvozvo varume vakagara pasi, muuwandu vachinge zvuru zvishanu.
John Shona 6:11  Zvino Jesu wakatora zvingwa, avonga akagovera kuvadzidzi, vadzidzi vakagovera avo vakange vagere pasi; saizvozvowo zvehove diki zvakawanda sezvavaida.
John Shona 6:12  Zvino vakati vaguta, akati kuvadzidzi vake: Unganidzai zvimedu zvasara, kuti kurege kurasika chinhu.
John Shona 6:13  Naizvozvo vakaunganidza, vakazadza matengu gumi nemaviri nezvimedu zvezvingwa zvishanu zvebhari, zvakasara kune avo vakadya.
John Shona 6:14  Kuzoti vanhu avo vaona chiratidzo Jesu chaakaita, vakati: Zvirokwazvo uyu ndiye muporofita achauya panyika.
John Shona 6:15  Naizvozvo Jesu aziva kuti voda kuuya nekumubata nesimba, kumuita mambo, akasuduruka akaendazve mugomo ari ega.
John Shona 6:16  Zvino ava madekwani, vadzidzi vake vakaburukira kugungwa,
John Shona 6:17  zvino vapinda muchikepe, vakayambuka gungwa kuuya kuKapenaume. Zvino kwakange kwatosviba, asi Jesu wakange asati asvika kwavari.
John Shona 6:18  Gungwa ndokumuka nokuti mhepo huru yaivhuvhuta.
John Shona 6:19  Zvino vakati vakwasva masitadhiya* anenge makumi maviri nemashanu kana makumi matatu, vakaona Jesu achifamba pamusoro pegungwa, achiswedera pachikepe; zvino vakatya.
John Shona 6:21  Zvino vakada kumugamuchira muchikepe; pakarepo chikepe chikasvika kunyika kwavakange vachienda.
John Shona 6:22  Chifume chaunga chakange chimire kune rumwe rutivi rwegungwa, chichiona kuti pakange pasina rimwe igwa ipapo kunze kweriri rimwe makange mapinda vadzidzi vake mariri, uye kuti Jesu haana kupinda nevadzidzi vake mugwa, asi vadzidzi vake vakange vaenda vega,
John Shona 6:23  (asi kwakasvika mamwe magwa aibva Tibheriyasi pedo nenzvimbo pavakadya chingwa, Ishe avonga);
John Shona 6:24  naizvozvo chaunga chakati chaona kuti Jesu wakange asipo kana vadzidzi vake, ivo vakapindawo mumagwa, vakasvika kuKapenaume, vachitsvaka Jesu.
John Shona 6:25  Zvino vamuwana mhiri kwegungwa, vakati kwaari: Rabhi*, masvika pano rinhi?
John Shona 6:26  Jesu akavapindura akati: Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwamuri: Munonditsvaka, kwete nokuti makaona zviratidzo, asi nokuti makadya zvezvingwa mukaguta.
John Shona 6:27  Musashandira kudya kunoparara, asi kudya kunogara kusvika kuupenyu husingaperi, Mwanakomana wemunhu kwaachakupai; nokuti Mwari Baba vakaisa pane uyu mucherechedzo.
John Shona 6:28  Naizvozvo vakati kwaari: Tichaitei, kuti tishande mabasa aMwari?
John Shona 6:29  Jesu akapindura akati kwavari: Iri ndiro basa raMwari, kuti mutende kune waakatuma iye.
John Shona 6:30  Naizvozvo vakati kwaari: Ko imwi munoita chiratidzo chipi kuti tione tikutendei? Munoshandei?
John Shona 6:31  Madzibaba edu akadya mana* murenje, sezvazvakanyorwa zvichinzi: Wakavapa chingwa chakabva kudenga kuti vadye.
John Shona 6:32  Naizvozvo Jesu akati kwavari: Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwamuri: Mozisi haana kukupai chingwa chakabva kudenga; asi Baba vangu vanokupai chingwa chechokwadi chinobva kudenga.
John Shona 6:33  Nokuti chingwa chaMwari ndiye anoburuka achibva kudenga achipa upenyu kunyika.
John Shona 6:34  Zvino vakati kwaari: Ishe, tipei chingwa ichi nguva dzese.
John Shona 6:35  Jesu ndokuti kwavari: Ndini chingwa cheupenyu; uyo anouya kwandiri, haangatongovi nenzara; neanotenda kwandiri haangatongovi nenyota.
John Shona 6:36  Asi ndakati kwamuri: Nemwi makandiona, asi hamuna kutenda.
John Shona 6:37  Wese Baba wavanondipa achauya kwandiri; neanouya kwandiri, handingatongomurasiri kunze.
John Shona 6:38  Nokuti ndakaburuka kudenga, kwete kuti ndiite chido changu, asi chido chaiye wakandituma.
John Shona 6:39  Zvino ichi ndicho chido chaBaba vakandituma, kuti chese chavakandipa, ndisarasikirwa nechinhu pachiri, asi ndichimutse nezuva rekupedzisira.
John Shona 6:40  Uye ichi ndicho chido chewakandituma, kuti wese anoona Mwanakomana uye achitenda kwaari, ave neupenyu husingaperi, uye ini ndichamumutsa nezuva rekupedzisira.
John Shona 6:41  Zvino VaJudha vakagunun'una pamusoro pake, nokuti wakati: Ndini chingwa chakaburuka kubva kudenga.
John Shona 6:42  Ndokuti: Uyu haasi Jesu Mwanakomana waJosefa, baba namai vake vatinoziva isu here? Zvino iye anogoti sei: Ndakaburuka kubva kudenga?
John Shona 6:43  Naizvozvo Jesu akapindura akati kwavari: Musagunun'una pakati penyu.
John Shona 6:44  Hakuna munhu anogona kuuya kwandiri, kunze kwekuti Baba vakandituma vamukweva, uye ini ndichamumutsa nezuva rekupedzisira.
John Shona 6:45  Zvakanyorwa muvaporofita zvichinzi: Uye vachadzidziswa vese naMwari. Wese naizvozvo wakanzwa naBaba akadzidza, anouya kwandiri.
John Shona 6:46  Kwete kuti kune wakaona Baba, kunze kweuyu anobva kuna Mwari, uyu wakaona Baba.
John Shona 6:47  Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwamuri: Anotenda kwandiri, ane upenyu husingaperi.
John Shona 6:49  Madzibaba enyu akadya mana* murenje, asi akafa.
John Shona 6:50  Ichi chingwa chinoburuka kubva kudenga, kuti munhu adye pachiri agorega kufa.
John Shona 6:51  Ini ndini chingwa chipenyu, chakaburuka kubva kudenga; kana munhu achidya zvechingwa ichi, achararama nekusingaperi. Uye chingwa ini chandichapa, inyama yangu, ini yandichapira upenyu hwenyika.
John Shona 6:52  Naizvozvo VaJudha vakakakavadzana vachiti: Uyu anogona kutipa sei nyama yake tidye?
John Shona 6:53  Naizvozvo Jesu wakati kwavari: Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwamuri: Kunze kwekuti mudye nyama yeMwanakomana wemunhu nekunwa ropa rake, hamuna upenyu mamuri.
John Shona 6:54  Anodya nyama yangu nekunwa ropa rangu, ane upenyu husingaperi, uye ini ndichamumutsa nezuva rekupedzisira.
John Shona 6:55  Nokuti nyama yangu kudya zvirokwazvo, neropa rangu chinwiwa zvirokwazvo.
John Shona 6:56  Anodya nyama yangu nekunwa ropa rangu, anogara mandiri, neni maari.
John Shona 6:57  Baba vapenyu sezvavakandituma, neni ndinorarama naBaba; naizvozvo anondidya, naiye achararama neni.
John Shona 6:58  Ichi chingwa chakaburuka kubva kudenga; hazvina kuita semadzibaba enyu akadya mana* akafa; anodya chingwa ichi, achararama nekusingaperi.
John Shona 6:59  Zvinhu izvi wakazvireva musinagoge achidzidzisa paKapenaume.
John Shona 6:60  Naizvozvo vazhinji vevadzidzi vake vakati vachinzwa, vakati: Iri shoko igukutu; ndiani anogona kurinzwa?
John Shona 6:61  Asi Jesu aziva mukati make kuti vadzidzi vake vanogunun'una neizvi, wakati kwavari: Izvi zvinokugumbusai kanhi?
John Shona 6:62  Ko muchagodini kana muchiona Mwanakomana wemunhu achikwira kwaaiva pakutanga?
John Shona 6:63  Mweya ndiye anoraramisa, nyama haibatsiri chinhu; mashoko ini andinotaura kwamuri, mweya uye upenyu.
John Shona 6:64  Asi variko vamwe venyu vasingatendi. Nokuti Jesu wakange achiziva kubva pakutanga, kuti ndivana ani vaisatenda, uye kuti ndiani waizomutengesa.
John Shona 6:65  Akati: Nekuda kwaizvozvi ndati kwamuri: Hakuna munhu anogona kuuya kwandiri, kunze kwekuti azvipiwa naBaba vangu.
John Shona 6:66  Kubva ipapo vazhinji vevadzidzi vake vakadzokera shure, vakasazofambazve naye.
John Shona 6:67  Naizvozvo Jesu wakati kune vanegumi nevaviri: Imwiwo hamudi kuenda here?
John Shona 6:68  Zvino Simoni Petro akamupindura, akati: Ishe, tichaenda kuna ani? Imwi mune mashoko eupenyu husingaperi,
John Shona 6:69  uye isu tinotenda, uye tinoziva kuti ndimwi Kristu Mwanakomana waMwari mupenyu.
John Shona 6:70  Jesu akavapindura akati: Ini handina kukusanangurai imwi vanegumi nevaviri here, asi umwe wenyu ndidhiabhorosi?
John Shona 6:71  Waireva Judhasi Isikariyoti waSimoni; nokuti ndiye waizomutengesa, ari umwe wevanegumi nevaviri.