Site uses cookies to provide basic functionality.

OK
JOHN
1 2 3 4 5 6 7 8 9 10 11 12 13 14 15 16 17 18 19 20 21
Prev Up Next Toggle notes
Chapter 3
John Shona 3:1  Kwaiva nemunhu wekuVaFarisi, Nikodhimo riri zita rake, mutungamiriri weVaJudha.
John Shona 3:2  Uyu wakauya kuna Jesu usiku, akati kwaari: Rabhi*, tinoziva kuti muri Mudzidzisi wakabva kuna Mwari; nokuti hakuna anogona kuita zviratidzo izvi zvamunoita imwi, kana Mwari asinaye.
John Shona 3:3  Jesu akapindura ndokuti kwaari: Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwauri: Kunze kwekuti munhu aberekwa kutsva, haagoni kuona ushe hwaMwari.
John Shona 3:4  Nikodhimo akati kwaari: Munhu anogona kuberekwa sei ava mukuru? Anogona kupinda rwechipiri mudumbu ramai vake agoberekwa here?
John Shona 3:5  Jesu akapindura akati: Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwauri: Kana munhu asina kuberekwa nemvura neMweya, haagoni kupinda muushe hwaMwari.
John Shona 3:6  Icho chakaberekwa nenyama inyama; nechakaberekwa neMweya, mweya.
John Shona 3:7  Usashamisika kuti ndati kwauri: Zvakafanira kuti muberekwe kutsva.
John Shona 3:8  Mhepo inovhuvhuta painoda, uye unonzwa inzwi rayo, asi hauzivi painobva nepainoenda; wakadaro wese wakaberekwa neMweya.
John Shona 3:9  Nikodhimo akapindura ndokuti kwaari: Zvinhu izvi zvinogona kuitika sei?
John Shona 3:10  Jesu akapindura, ndokuti kwaari: Iwe uri mudzidzisi waIsraeri, asi haunzwisisi zvinhu izvi here?
John Shona 3:11  Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwauri: Tinotaura zvatinoziva, tichipupura zvatakaona; asi hamugamuchiri uchapupu hwedu.
John Shona 3:12  Kana ndakakuudzai zvinhu zvenyika uye mukasatenda, muchatenda sei kana ndichikuudzai zvinhu zvekudenga?
John Shona 3:13  Uye hakuna munhu wakakwira kudenga, kunze kwewakaburuka kudenga, Mwanakomana wemunhu ari kudenga.
John Shona 3:14  Uye Mozisi sezvaakasimudza nyoka murenje, saizvozvowo Mwanakomana wemunhu anofanira kusimudzwa;
John Shona 3:15  kuti ani nani anotenda maari arege kuparara asi ave neupenyu husingaperi.
John Shona 3:16  Nokuti Mwari wakada nyika zvakadai, kuti wakapa Mwanakomana wake wakaberekwa umwe ega, kuti ani nani anotenda kwaari arege kuparara, asi ave neupenyu husingaperi.
John Shona 3:17  Nokuti Mwari haana kutuma Mwanakomana wake munyika kuti ape nyika mhosva, asi kuti nyika iponeswe naye.
John Shona 3:18  Anotenda kwaari haapiwi mhosva; asi asingatendi watopiwa mhosva, nokuti haana kutenda kuzita reMwanakomana waMwari wakaberekwa umwe ega.
John Shona 3:19  Uku ndiko kupiwa mhosva, kuti chiedza chakasvika panyika, asi vanhu vakada rima pane chiedza; nokuti mabasa avo akange akaipa.
John Shona 3:20  Nokuti umwe neumwe anoita zvakaipa anovenga chiedza, uye haauyi pachiedza, kuti mabasa ake arege kutsiurwa.
John Shona 3:21  Asi anoita chokwadi anouya pachiedza, kuti mabasa ake aratidzwe, kuti akaitwa muna Mwari.
John Shona 3:22  Shure kwezvinhu izvi wakauya Jesu nevadzidzi vake munyika yeJudhiya; zvino akagarako navo, uye akabhabhatidza.
John Shona 3:23  NaJohwaniwo wakange achibhabhatidza muAinoni pedo neSarimi, nokuti paiva nemvura zhinji ipapo; uye vaiuyapo vachibhabhatidzwa.
John Shona 3:24  Nokuti Johwani wakange asati akandwa mutirongo.
John Shona 3:25  Zvino gakava rikamuka pakati pevamwe vevadzidzi vaJohwani neVaJudha pamusoro pekuchenura.
John Shona 3:26  Zvino vakauya kuna Johwani vakati kwaari: Rabhi, uya waiva nemwi mhiri kwaJoridhani, wamaipupura nezvake, tarirai, iye anobhabhatidza, uye vanouya kwaari vese.
John Shona 3:27  Johwani akapindura ndoti: Munhu haagoni kugamuchira chinhu, kunze kwekuti achipiwa kubva kudenga.
John Shona 3:28  Imwi momene munopupura nezvangu kuti ndakati: Handisi Kristu ini, asi kuti ndakatumwa mberi kwake.
John Shona 3:29  Uyo ane mwenga muwani; asi shamwari yemuwani, imire ichimunzwa, inofara nemufaro nekuda kwenzwi remuwani. Naizvozvo mufaro wangu uyu wazadziswa.
John Shona 3:31  Anobva kumusoro ari pamusoro pezvese. Anobva panyika anobva panyika, uye anotaura achibva panyika; anobva kudenga ari pamusoro pezvese.
John Shona 3:32  Uye zvaakaona nezvaakanzwa, ndizvo zvaanopupura; asi hakuna munhu anogamuchira uchapupu hwake.
John Shona 3:33  Anogamuchira uchapupu hwake anoisa mucherechedzo kuti Mwari ndewechokwadi.
John Shona 3:34  Nokuti uyo Mwari waakatuma, anotaura mashoko aMwari; nokuti Mwari anopa Mweya kwete nechiyero.
John Shona 3:35  Baba vanoda Mwanakomana, uye vakapa zvinhu zvese muruoko rwake.
John Shona 3:36  Iye anotenda kuMwanakomana ane upenyu husingaperi; asi iye asingatendi kuMwanakomana, haazooni upenyu, asi kutsamwa kwaMwari kunogara pamusoro pake.