Site uses cookies to provide basic functionality.

OK
JOHN
1 2 3 4 5 6 7 8 9 10 11 12 13 14 15 16 17 18 19 20 21
Prev Up Next Toggle notes
Chapter 1
John Shona 1:1  Pakutanga wakange aripo Shoko, uye Shoko wakange ana Mwari, uye Shoko wakange ari Mwari.
John Shona 1:3  Zvinhu zvese zvakaitwa naye, uye kunze kwake hakuna kuitwa chinhu chimwe chakaitwa.
John Shona 1:4  Maari maiva neupenyu, uye upenyu hwaiva chiedza chevanhu,
John Shona 1:5  uye chiedza chinovhenekera murima, asi rima harina kuchigamuchira.
John Shona 1:6  Kwakauya munhu wakatumwa kubva kuna Mwari, zita rake riri Johwani.
John Shona 1:7  Iye wakauyira uchapupu, kuti apupure zvechiedza, kuti vese vatende naye.
John Shona 1:8  Iye wakange asiri icho chiedza, asi wakatumwa kuti apupure pamusoro pechiedza.
John Shona 1:9  Chaiva chiedza chechokwadi, chinovhenekera munhu umwe neumwe anouya panyika.
John Shona 1:10  Wakange ari munyika, nenyika yakaitwa naye, asi nyika haina kumuziva.
John Shona 1:11  Wakauya kune zvake, asi vake havana kumugamuchira.
John Shona 1:12  Asi vese vakamugamuchira, wakavapa kodzero kuti vave vana vaMwari, ivo vanotenda kuzita rake;
John Shona 1:13  vakaberekwa kwete neropa, kana nechido chenyama, kana nechido chemurume, asi naMwari.
John Shona 1:14  Shoko ndokuzova nyama, akagara pakati pedu, uye takaona kubwinya kwake, kubwinya sekwewakaberekwa umwe ega waBaba, azere nenyasha nechokwadi.
John Shona 1:15  Johwani wakapupura pamusoro pake, akadanidzira achiti: Uyu ndiye wandaireva ndichiti: Uyu anouya shure kwangu wakanditangira; nokuti wakange aripo mberi kwangu.
John Shona 1:16  Nepakuzara kwake isu tese takagamuchira, uye nyasha nenyasha.
John Shona 1:17  Nokuti murairo wakapiwa naMozisi, nyasha nechokwadi zvakauya naJesu Kristu.
John Shona 1:18  Hakuna wakatongoona Mwari; Mwanakomana wakaberekwa umwe ega, ari pachifuva chaBaba, ndiye wakamuzivisa.
John Shona 1:19  Uye uhu ndihwo uchapupu hwaJohwani, apo VaJudha vakatuma vapristi neVaRevhi kubva kuJerusarema kuti vanomubvunza kuti: Iwe ndiwe ani?
John Shona 1:20  Akabvuma, uye haana kuramba; ndokubvuma achiti: Ini handisi Kristu.
John Shona 1:21  Zvino vakamubvunza vachiti: Saka kudini? Iwe uri Erija here? Akati: Handisi. Iwe uri uya muporofita here? Akapindura akati: Kwete.
John Shona 1:22  Naizvozvo vakati kwaari: Ndiwe ani? Kuti tipe mhinduro vatituma; unoti kudini pamusoro pako?
John Shona 1:23  Akati: Ini ndini inzwi reanodanidzira murenje: Ruramisai nzira yaIshe; sezvakareva Isaya muporofita.
John Shona 1:25  Zvino vakamubvunza, vakati kwaari: Unogobhabhatidzirei, kana iwe usiri Kristu, kana Eria, kana muporofita uya?
John Shona 1:26  Johwani akavapindura, achiti: Ini ndinobhabhatidza nemvura; asi pakati penyu pamire wamusingazivi imwi;
John Shona 1:27  ndiye anouya shure kwangu, ari mberi kwangu, wandisina kufanira ini kuti ndisunungure rukanda rweshangu yake.
John Shona 1:28  Izvozvi zvakaitika paBhetabhara, mhiri kwaJoridhani, kwaibhabhatidza Johwani.
John Shona 1:29  Ava mangwana Johwani wakaona Jesu achiuya kwaari, akati: Tarirai, Gwayana raMwari, rinobvisa rotakura chivi chenyika.
John Shona 1:30  Uyu ndiye ini wandaitaura nezvake ndichiti: Shure kwangu kunouya murume, wakanditangira, nokuti wakange ariko mberi kwangu.
John Shona 1:31  Neni ndakange ndisingamuzivi; asi kuti aziviswe kuna Israeri, nekuda kweizvozvo ini ndakauya ndichibhabhatidza nemvura.
John Shona 1:32  Johwani ndokupupura, achiti: Ndakaona Mweya achiburuka kudenga senjiva, akagara pamusoro pake.
John Shona 1:33  Neni ndakange ndisingamuzivi; asi wakandituma kubhabhatidza nemvura, ndiye wakati kwandiri: Uyo waunoona Mweya achiburukira pamusoro pake nekugara pamusoro pake, ndiye anobhabhatidza neMweya Mutsvene.
John Shona 1:34  Zvino ini ndakaona ndikapupura kuti uyu Mwanakomana waMwari.
John Shona 1:35  Ava mangwanazve Johwani wakange amire, nevaviri vevadzidzi vake;
John Shona 1:36  zvino wakatarisa Jesu achifamba-famba, akati: Tarirai Gwayana raMwari.
John Shona 1:37  Vadzidzi vaviri ndokumunzwa achitaura, ndokutevera Jesu.
John Shona 1:38  Zvino Jesu atendeuka wakavaona vachitevera, akati kwavari: Munotsvakei? Vakati kwaari: Rabhi* (ndokuti kana zvichishandurwa, Mudzidzisi) munogarepi?
John Shona 1:39  Akati kwavari: Uyai muone. Vakauya vakaona paaigara; ndokugara naye zuva iroro; rakange riri awa rinenge regumi.
John Shona 1:40  Andiriya munin'ina waSimoni Petro waiva umwe wevaviri vakange vazvinzwa naJohwani vakamutevera.
John Shona 1:41  Iye wakatanga kuwana mukoma wake chaiye Simoni, akati kwaari: Tamuwana Mesiasi; ndiko kuti kana zvichishandurwa, Kristu.
John Shona 1:42  Zvino akamuisa kuna Jesu. Jesu ndokuti amutarira akati: Iwe uri Simoni mwanakomana waJona; iwe uchanzi Kefasi (zvinoshandurwa kunzi Petro).
John Shona 1:43  Ava mangwana Jesu akada kubudira kuGarirea, ndokuwana Firipi, ndokuti kwaari: Nditevere.
John Shona 1:44  Zvino Firipi wakange ari weBhetisaidha, muguta raAndiriya naPetro.
John Shona 1:45  Firipi akawana Nataniyeri, ndokuti kwaari: Tamuwana Mozisi waakanyora nezvake pamurairo nevaporofita, Jesu weNazareta, mwanakomana waJosefa.
John Shona 1:46  Nataniyeri ndokuti kwaari: Chinhu chakanaka chinogona kubva muNazareta here? Firipi akati kwaari: Uya uone.
John Shona 1:47  Jesu wakaona Nataniyeri achiuya kwaari, ndokuti pamusoro pake: Tarira muIsraeri wechokwadi, musina kunyengera maari.
John Shona 1:48  Nataniyeri akati kwaari: Mandizivirepi? Jesu akapindura, akati kwaari: Firipi asati akudana, pawanga uri munyasi memuonde, ndakuona.
John Shona 1:49  Nataniyeri akapindura ndokuti kwaari: Rabhi, imwi muri Mwanakomana waMwari, imwi muri Mambo waIsraeri.
John Shona 1:50  Jesu akapindura ndokuti kwaari: Unotenda nokuti ndati kwauri: Ndakuona munyasi memuonde. Uchaona zvinhu zvikuru kune izvi.
John Shona 1:51  Zvino akati kwaari: Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwamuri: Kubva ikozvino muchaona denga razaruka, nevatumwa vaMwari vachikwira nekuburukira pamusoro peMwanakomana wemunhu.