Site uses cookies to provide basic functionality.

OK
JOHN
1 2 3 4 5 6 7 8 9 10 11 12 13 14 15 16 17 18 19 20 21
Prev Up Next Toggle notes
Chapter 14
John Shona 14:1  Moyo wenyu ngaurege kutambudzika; munotenda kuna Mwari, tendaiwo kwandiri.
John Shona 14:2  Mumusha maBaba vangu mune dzimba zhinji dzekugara; dai zvisina kudaro, ndingadai ndakakuudzai. Ndinoenda kunokugadzirirai nzvimbo.
John Shona 14:3  Zvino ndikanokugadzirirai nzvimbo, ndichauyazve ndikugamuchirei kwandiri; kuti apo ini pandiri, imwi muvepowo.
John Shona 14:4  Uye ini pandinoenda munoziva, nenzira munoziva.
John Shona 14:5  Tomasi akati kwaari: Ishe, hatizivi kwamunoenda; ko tinogona kuziva sei nzira?
John Shona 14:6  Jesu akati kwaari: Ini ndiri nzira, nechokwadi, neupenyu; hapana anouya kuna Baba, asi nekwandiri.
John Shona 14:7  Dai maindiziva, maiziva Baba vanguwo; uye kubva ikozvino munovaziva, uye makavaona.
John Shona 14:8  Firipi akati kwaari: Ishe, tiratidzei Baba, uye zvakatikwanira.
John Shona 14:9  Jesu akati kwaari: Ndava nemwi nguva refu yakadai, hausati wandiziva here, Firipi? Waona ini, waona Baba; zvino unoreva sei uchiti: Tiratidzei Baba?
John Shona 14:10  Hautendi here kuti ini ndiri muna Baba, naBaba vari mandiri? Mashoko andinotaura kwamuri ini, handiatauri pachangu; asi Baba, vanogara mandiri, ndivo vanoita mabasa.
John Shona 14:11  Nditendei kuti ndiri muna Baba, naBaba vari mandiri; kana zvisakadaro nditendei nekuda kwemabasa amene.
John Shona 14:12  Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwamuri: Anotenda kwandiri, mabasa ini andinoita iye achaaitawo, uye makuru kune awa achaaita; nokuti ini ndinoenda kuna Baba vangu.
John Shona 14:13  Uye chero chipi chamunokumbira muzita rangu, icho ndichachiita, kuti Baba varumbidzwe muMwanakomana.
John Shona 14:14  Kana muchikumbira chero chipi muzita rangu, ini ndichachiita.
John Shona 14:16  Neni ndichakumbira Baba, naivo vachakupai umwe Munyaradzi, kuti agare nemwi nekusingaperi,
John Shona 14:17  Mweya wechokwadi, iyo nyika yausingagoni kugamuchira, nokuti haimuoni, kana kumuziva. Asi imwi munomuziva, nokuti ugere nemwi, uchava mukati menyu.
John Shona 14:19  Kuchine chinguvana, nenyika haichazondioni; asi imwi muchandiona; nokuti ini ndinorarama, imwiwo muchararama.
John Shona 14:20  Nezuva iro imwi muchaziva kuti ndiri muna Baba vangu, nemwi mandiri, neni mamuri.
John Shona 14:21  Ane mirairo yangu achiichengeta, ndiye anondida; uye anondida achadikanwa naBaba vangu; neni ndichamuda, uye ndichazviratidza kwaari.
John Shona 14:22  Judhasi, kwete Isikariyoti, akati kwaari: Ishe, chii kuti munozozviratidza kwatiri, asi kwete kunyika?
John Shona 14:23  Jesu akapindura akati kwaari: Kana munhu achindida, achachengeta shoko rangu, naBaba vangu vachamuda, uye tichauya kwaari, tikaita ugaro naye.
John Shona 14:24  Asingandidi, haachengeti mashoko angu; neshoko ramunonzwa harisi rangu, asi raBaba vakandituma.
John Shona 14:25  Zvinhu izvozvi ndazvitaura kwamuri ndigere nemwi.
John Shona 14:26  Asi Munyaradzi, Mweya Mutsvene, iwo Baba wavachatuma muzita rangu, iye achakudzidzisai zvinhu zvese, uye akuyeudzirei zvese zvandakataura kwamuri.
John Shona 14:27  Rugare ndinosiya kwamuri; rugare rwangu ndinopa kwamuri; kwete nyika sezvainopa, ini ndinopa kwamuri. Moyo wenyu ngaurege kutambudzika, kana kutya.
John Shona 14:28  Manzwa kuti ini ndati kwamuri: Ndinoenda, uye ndichauya kwamuri. Kana maindida, maifara, nokuti ndati: Ndinoenda kuna Baba; nokuti Baba vangu vakuru kwandiri.
John Shona 14:29  Uye ikozvino ndakuudzai zvisati zvaitika; kuti kana zvoitika mungatenda.
John Shona 14:30  Handichazotaurizve zvizhinji nemwi; nokuti mutongi wenyika ino anouya, asi haana chinhu kwandiri;
John Shona 14:31  asi kuti nyika izive kuti ndinoda Baba, uye Baba sezvavakandiraira, ndinoita saizvozvo. Simukai, ngatibve pano.