Site uses cookies to provide basic functionality.

OK
JOHN
1 2 3 4 5 6 7 8 9 10 11 12 13 14 15 16 17 18 19 20 21
Prev Up Next Toggle notes
Chapter 20
John Shona 20:1  Zvino newekutanga wevhiki Maria Magidharini wakasvika mangwanani-ngwanani paguva, kuchakasviba, akaona ibwe rabviswa kubva paguva.
John Shona 20:2  Naizvozvo wakamhanya akauya kuna Simoni Petro nekune umwe mudzidzi Jesu waaida, ndokuti kwavari: Vabvisa Ishe muguva, uye hatizivi pavamuradzika.
John Shona 20:3  Zvino Petro akabuda neumwe mudzidzi, vakasvika kuguva.
John Shona 20:4  Zvino vakamhanya vari vaviri pamwe chete; zvino umwe mudzidzi akamhanya kusiya Petro, akatanga kusvika paguva.
John Shona 20:5  Zvino akotama achidongorera, wakaona micheka yerineni yakawaridzwa, asi haana kupinda.
John Shona 20:6  Zvino Simoni Petro akasvika achimutevera, akapinda muguva, akaona micheka yerineni yakawaridzwa,
John Shona 20:7  nemucheka wekumeso wakange uri mumusoro make, usina kuwaridzwa nemicheka yerineni, asi wakapetwa uri pane imwe nzvimbo wega.
John Shona 20:8  Naizvozvo ipapo umwe mudzidzi wakatanga kusvika paguva akapindawo, akaona, akatenda;
John Shona 20:9  nokuti vakange vachigere kunzwisisisa rugwaro, kuti anofanira kumuka kubva kuvakafa.
John Shona 20:11  Asi Maria wakamira kunze paguva achichema; zvino wakati achichema akakotama akadongorera muguva,
John Shona 20:12  akaona vatumwa vaviri vane nguvo chena vagere, umwe kumusoro, neumwe kutsoka, ipapo pakambenge parere mutumbi waJesu.
John Shona 20:13  Ivo ndokuti kwaari: Mukadzi, unochemei? Akati kwavari: Nokuti vakabvisa Ishe wangu, zvino handizivi kwavakamuradzika.
John Shona 20:14  Zvino wakati areva zvinhu izvi akatendeukira kumashure, akaona Jesu amire, asi haana kuziva kuti ndiJesu.
John Shona 20:15  Jesu akati kwaari: Mukadzi, unochemei? Unotsvaka ani? Iye achifunga kuti ndiye murimi wemunda, akati kwaari: Ishe, kana imwi mamubvisa, ndiudzei pamamuradzika, uye ini ndichanomutora.
John Shona 20:16  Jesu akati kwaari: Maria! Iye akatendeuka akati kwaari: Rabhoni! ndiko kuti: Mudzidzisi.
John Shona 20:17  Jesu akati kwaari: Usandibata, nokuti ndichigere kukwira kuna Baba vangu; asi enda kuvanin'ina vangu, uti kwavari: Ndinokwira kuna Baba vangu naBaba venyu, naMwari wangu naMwari wenyu.
John Shona 20:18  Maria Magidharini akauya ndokuudza vadzidzi kuti waona Ishe, uye wamuudza zvinhu izvi.
John Shona 20:19  Zvino ava madekwani nezuva iroro rekutanga revhiki, mikova yapfigwa pakange pakaungana vadzidzi nekutya VaJudha, Jesu akauya akamira pakati, akati kwavari: Rugare kwamuri.
John Shona 20:20  Zvino wakati ataura izvi akavaratidza zvanza nerutivi rwake. Naizvozvo vadzidzi vakafara vachiona Ishe.
John Shona 20:21  Naizvozvo Jesu akatizve kwavari: Rugare kwamuri; Baba sezvavakandituma, neni ndinokutumai.
John Shona 20:22  Zvino wakati areva izvi akafuridzira kwavari, ndokuti kwavari: Gamuchirai Mweya Mutsvene.
John Shona 20:23  Ani nani wamunokanganwira zvivi, vazvikanganwirwa; vese vamunobata zvavo zvabatwa.
John Shona 20:24  Asi Tomasi, umwe wevanegumi nevaviri, wainzi Dhidhimo, wakange asipo navo Jesu paakauya.
John Shona 20:25  Naizvozvo vamwe vadzidzi vakati kwaari: Taona Ishe. Asi iye wakati kwavari: Kana ndisingaoni vanga rembambo muzvanza zvake, nekuisa munwe wangu muvanga rembambo, nekuisa ruoko rwangu murutivi rwake, handingatongotendi.
John Shona 20:26  Zvino mushure memazuva masere vadzidzi vake vakange vari mukatizve, naTomasi anavo. Jesu akauya, mikova yakapfigwa, ndokumira pakati akati: Rugare kwamuri.
John Shona 20:27  Ipapo akati kuna Tomasi: Uisa munwe wako pano uone zvanza zangu; uuise ruoko rwako uise murutivi rwangu, usava usingatendi, asi unotenda.
John Shona 20:28  Zvino Tomasi akapindura, akati kwaari: Ishe wangu naMwari wangu!
John Shona 20:29  Jesu akati kwaari: Nokuti wandiona, Tomasi, watenda; vakaropafadzwa vasina kuona asi vatenda.
John Shona 20:30  Zvino zvirokwazvo Jesu wakaita zvimwe zviratidzo zvizhinji pamberi pevadzidzi vake, zvisina kunyorwa mubhuku iri.
John Shona 20:31  Asi izvi zvakanyorwa, kuti mutende kuti Jesu ndiKristu, Mwanakomana waMwari, uye kuti muchitenda muve neupenyu muzita rake.