JOHN
Chapter 10
John | Shona | 10:1 | Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwamuri: Asingapindi napamukova mudanga remakwai, asi anokwira nekumwe, ndiye mbavha negororo. | |
John | Shona | 10:3 | Murindi wemukova anomuzarurira, nemakwai anonzwa inzwi rake, uye anodana makwai ake nezita, nekuatungamirira kunze. | |
John | Shona | 10:4 | Uye kana abudisa makwai ake, anoatungamirira; nemakwai anomutevera, nokuti anoziva inzwi rake. | |
John | Shona | 10:6 | Jesu wakareva dimikira iri kwavari; asi ivo havana kunzwisisa, kuti zvinhui zvaakataura kwavari. | |
John | Shona | 10:7 | Zvino Jesu akati kwavarizve: Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwamuri: Ini ndiri mukova wemakwai; | |
John | Shona | 10:9 | Ini ndiri mukova; kana munhu achipinda neni, achaponeswa, achapinda nekubuda, nekuwana mafuro. | |
John | Shona | 10:10 | Mbavha haiui asi kungozoba nekuuraya nekuparadza; ini ndakauya, kuti vave neupenyu, uye vave nehunopfachukira. | |
John | Shona | 10:11 | Ini ndiri mufudzi wakanaka. Mufudzi wakanaka anoradzikira pasi makwai upenyu hwake. | |
John | Shona | 10:12 | Asi muricho, asati ari mufudzi, makwai asati ari ake pachake, anoona bumhi richiuya, akasiya makwai, ndokutiza; bumhi rinoabata, nekuparadzira makwai. | |
John | Shona | 10:15 | Baba sezvavanondiziva, neni ndinoziva Baba; zvino ndinoradzikira pasi makwai upenyu hwangu. | |
John | Shona | 10:16 | Nemamwe makwai ndinawo, asati ari edanga rino. Naiwo ndinofanira kuuya nawo, achanzwa inzwi rangu; uye rive boka rimwe mufudzi umwe. | |
John | Shona | 10:17 | Nekuda kwaizvozvo Baba vanondida, nokuti ini ndinoradzika upenyu hwangu pasi, kuti ndihutorezve. | |
John | Shona | 10:18 | Hakuna angahutora kubva kwandiri, asi ini ndinohuradzika pasi pachangu. Simba ndinaro rekuhuradzika pasi, uye simba ndinaro rekuhutorazve. Uyu murairo ndakaugamuchira kuna Baba vangu. | |
John | Shona | 10:21 | Vamwe vakati: Mashoko awa haasi eane dhimoni; ko dhimoni ringagona kusvinudza meso emapofu here? | |
John | Shona | 10:24 | Zvino VaJudha vakamukomba, vakati kwaari: Kusvikira rinhi uchigara wakaremberedza mweya wedu? Kana uri Kristu iwe, tiudze pachena. | |
John | Shona | 10:25 | Jesu akavapindura akati: Ndakakuudzai, asi hamuna kutenda; mabasa andinoita ini muzita raBaba vangu ndiwo anopupura nezvangu; | |
John | Shona | 10:28 | uye ini ndinoapa upenyu husingaperi; uye haachatongoparari nekusingaperi, uye hakuna umwe achaabvuta muruoko rwangu. | |
John | Shona | 10:29 | Baba vangu vakandipa iwo vakuru kune vese; uye hakuna anogona kuabvuta muruoko rwaBaba vangu. | |
John | Shona | 10:32 | Jesu akavapindura akati: Ndakakuratidzai mabasa mazhinji akanaka kubva kuna Baba vangu; nderipi remabasa awa ramunonditakira? | |
John | Shona | 10:33 | VaJudha vakamupindura vachiti: Hatikutakiri basa rakanaka, asi kunyomba; uye nokuti iwe uri munhu unozviita Mwari. | |
John | Shona | 10:34 | Jesu akavapindura akati: Hazvina kunyorwa here mumurairo wenyu, zvichinzi: Ini ndakati: Muri vamwari? | |
John | Shona | 10:35 | Kana akavaidza vamwari, ivo shoko raMwari rakasvika kwavari, uye rugwaro harwugoni kuputswa; | |
John | Shona | 10:36 | imwi munoti kune uyo Baba vakamuita mutsvene vakamutuma panyika: Unonyomba, nokuti ndati: Ndiri Mwanakomana waMwari? | |
John | Shona | 10:38 | Asi kana ndichiaita, kunyange musingatendi ini, tendai mabasa; kuti muzive nekutenda kuti Baba vari mandiri, neni mavari. | |
John | Shona | 10:40 | Zvino akaendazve mhiri kwaJoridhani kunzvimbo Johwani kwaaibhabhatidza pakutanga; ndokugarapo. | |
John | Shona | 10:41 | Zvino vazhinji vakauya kwaari vakati: Johwani haana kuita chiratidzo, asi chese Johwani chaakareva pamusoro peuyu chaiva chokwadi. | |