JOHN
Chapter 12
John | Shona | 12:1 | Zvino mazuva matanhatu pasika isati yasvika Jesu wakasvika Bhetaniya, paiva naRazaro wakange afa, waakamutsa kubva kuvakafa. | |
John | Shona | 12:2 | Naizvozvo vakamuitira chirairo ipapo, uye Marita waishandira; naRazaro wakange ari umwe wevakange vagere naye pakudya. | |
John | Shona | 12:3 | Zvino Maria akatora paundi* yemafuta enadhi* amene, ane mutengo mukuru, akazodza tsoka dzaJesu, akapusika tsoka dzake nevhudzi rake; imba ikazadzwa nekunhuhwira kwemafuta. | |
John | Shona | 12:4 | Naizvozvo umwe wevadzidzi vake, Judhasi Isikariyoti waSimoni wakange achazomutengesa, akati: | |
John | Shona | 12:6 | Wakarevawo izvi, kwete kuti wakava nehanya nevarombo, asi nokuti waiva mbavha, uye waiva nechikwama, achitakura zvaiiswamo. | |
John | Shona | 12:9 | Naizvozvo chaunga chikuru cheVaJudha chakaziva kuti aripo; ndokuuya kwete nekuda kwaJesu chete, asi kuti vaonewo Razaro, waakange amutsa kubva kuvakafa. | |
John | Shona | 12:12 | Chifume chaunga chikuru chakange chauya kumutambo, chakati chanzwa kuti Jesu anouya kuJerusarema, | |
John | Shona | 12:13 | vakatora matavi emichindwe, vakabuda kunomuchingamidza, vakadanidzira vachiti: Hosana*! Wakaropafadzwa anouya muzita raIshe, Mambo waIsraeri. | |
John | Shona | 12:15 | Usatya, mukunda weZiyoni; tarira, Mambo wako anouya, agere pamusoro pedhongwana rembongoro. | |
John | Shona | 12:16 | Vadzidzi vake havana kunzwisisa zvinhu izvi pakutanga; asi Jesu wakati akudzwa, ipapo vakazorangarira kuti zvinhu izvi zvakange zvakanyorwa pamusoro pake, uye vakange vamuitira zvinhu izvi. | |
John | Shona | 12:17 | Naizvozvo chaunga chaiva naye paakadana Razaro kuti abude muguva, nekumumutsa kubva kuvakafa, chakapupura. | |
John | Shona | 12:18 | Saka chaunga chakamuchingamidzawo, nokuti vakange vanzwa kuti wakaita chiratidzo ichochi. | |
John | Shona | 12:19 | Naizvozvo VaFarisi vakataurirana, vachiti: Munoona kuti hamubatsiri chinhu; tarirai nyika inomutevera. | |
John | Shona | 12:21 | ava ndokuuya kuna Firipi weBhetisaidha reGarirea, vakamukumbira vachiti: Ishe, tinoda kuona Jesu. | |
John | Shona | 12:24 | Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwamuri: Kunze kwekuti tsanga yegorosi yawira muvhu ikafa, iyo inogara iri yega; asi kana ikafa, inobereka chibereko chakawanda. | |
John | Shona | 12:25 | Anoda upenyu hwake acharasikirwa nahwo; neanovenga upenyu hwake panyika ino achahuchengetedza kusvikira kuupenyu husingaperi. | |
John | Shona | 12:26 | Kana munhu achindishandira, ngaanditevere; nepandiri ini, achavapowo muranda wangu. Uye kana munhu achindishandira, Baba vachamukudza. | |
John | Shona | 12:27 | Ikozvino mweya wangu unotambudzika; zvino ndichatii? Baba, ndiponesei paawa rino. Asi nekuda kweizvi ndasvika paawa rino. | |
John | Shona | 12:28 | Baba, kudzai zita renyu. Naizvozvo inzwi rakauya richibva kudenga, richiti: Ndarikudzawo, uye ndicharikudzazve. | |
John | Shona | 12:29 | Naizvozvo chaunga chakange chimire chichizvinzwa chakati: Kwatinhira. Vamwe vakati: Mutumwa wataura naye. | |
John | Shona | 12:31 | Ikozvino pane mutongo wenyika ino; ikozvino mutungamiriri wenyika ino achadzingirwa panze. | |
John | Shona | 12:34 | Chaunga chakamupindura chichiti: Isu takanzwa pamurairo kuti Kristu achagara nekusingaperi; zvino imwi moreva sei kuti: Mwanakomana wemunhu anofanira kusimudzwa? Ndiani uyu Mwanakomana wemunhu? | |
John | Shona | 12:35 | Naizvozvo Jesu wakati kwavari: Pachine chinguvana chiedza chichinemwi. Fambai muchine chiedza, zvimwe rima ringakukundai; uye anofamba murima haazivi kwaanoenda. | |
John | Shona | 12:36 | Muchine chiedza, tendai kuchiedza, kuti muve vana vechiedza. Jesu wakareva zvinhu izvi, akabva, akazvivanza kwavari. | |
John | Shona | 12:37 | Kunyange akange aita zviratidzo zvizhinji kudai pamberi pavo, havana kutenda kwaari; | |
John | Shona | 12:38 | kuti shoko raIsaya muporofita rizadziswe, raakareva achiti: Ishe, ndiani wakatenda mharidzo yedu? Neruoko rwaIshe rwakazarurirwa kuna ani? | |
John | Shona | 12:40 | Wakapofumadza meso avo, akaomesa moyo wavo; kuti varege kuona nemeso kana kunzwisisa nemoyo, vagotendeuka, ndigovaporesa. | |
John | Shona | 12:42 | Asi kunyange zvakadaro, vazhinji vevatongiwo vakatenda kwaari; asi nekuda kweVaFarisi vakange vasingabvumi, kuti varege kubudiswa musinagoge; | |
John | Shona | 12:44 | Zvino Jesu wakadanidzira akati: Anotenda kwandiri, haatendi kwandiri, asi kune wakandituma. | |
John | Shona | 12:46 | Ini ndakauya ndiri chiedza panyika, kuti ani nani anotenda kwandiri arege kugara murima. | |
John | Shona | 12:47 | Uye kana ani nani achinzwa mashoko angu akasatenda, handimutongi ini; nokuti handina kuuya kuti nditonge nyika, asi kuti ndiponese nyika. | |
John | Shona | 12:48 | Uyo anondiramba asingagamuchiri mashoko angu, ane anomutonga; shoko randakareva, ndiro richamutonga nezuva rekupedzisira. | |
John | Shona | 12:49 | Nokuti ini handina kureva zvemusoro wangu, asi Baba vakandituma, ndivo vakandipa murairo, zvandichareva nezvandichataura. | |