LUKE
Chapter 5
Luke | Shona | 5:1 | Zvino zvakaitika kuti chaunga chakati chichimumbandidzira kuti vanzwe shoko raMwari, iye akamira parutivi rwegungwa reGenesareti; | |
Luke | Shona | 5:2 | akaona zvikepe zviviri zvimire parutivi rwegungwa; asi varedzi vakange vabuda mazviri vachisuka mimbure. | |
Luke | Shona | 5:3 | Akapinda mune chimwe chezvikepe chaiva chaSimoni, akakumbira kwaari kuti abve pavhu zvishoma. Ndokubva agara pasi, akadzidzisa zvaunga ari muchikepe. | |
Luke | Shona | 5:4 | Zvino wakati amira kutaura, akati kuna Simoni: Pinda kwakadzika udzikise mimbure yenyu kuti ubate. | |
Luke | Shona | 5:5 | Simoni akapindura, akati kwaari: Tenzi, tafondoka usiku hwese, tikasabata chinhu, asi zvamadaro, ndichadzikisa mumbure. | |
Luke | Shona | 5:7 | Vakaninira vamwe vavo vakange vari mune chimwe chikepe, kuti vauye vazovabatsira; vakauya vakazadza zvikepe zviri zviviri, zvekuti zvakatanga kunyura. | |
Luke | Shona | 5:8 | Zvino Simoni Petro wakati achiona, akawira pasi pamabvi aJesu, achiti: Ibvai kwandiri, Ishe, nokuti ndiri munhu mutadzi. | |
Luke | Shona | 5:9 | Nokuti kushamisika kwakange kwamubata, nevese vakange vanaye, nekubatwa kwehove dzavakange vabata; | |
Luke | Shona | 5:10 | saizvozvowo Jakobho naJohwani, vanakomana vaZebhedhi, vaiva vadyidzani naSimoni. Jesu ndokuti kuna Simoni: Usatya, kubva zvino ucharedza vanhu. | |
Luke | Shona | 5:12 | Zvino zvakaitika, ari kune rimwe remaguta, tarira, murume azere maperembudzi; wakati achiona Jesu akawa nechiso, ndokumugombetedza, achiti: Ishe, kana muchida, munogona kundinatsa. | |
Luke | Shona | 5:13 | Ndokubva atandavadza ruoko, akamubata, achiti: Ndinoda, chinatswa. Pakarepo maperembudzi akabva kwaari. | |
Luke | Shona | 5:14 | Iye akamuraira kuti asaudza munhu; akati: Asi enda unozviratidza kumupristi, ubaire pakunatswa kwako, Mozisi sezvaakaraira, chive chapupu kwavari. | |
Luke | Shona | 5:15 | Asi shoko pamusoro pake rakanyanya kupararira; zvaunga zvikuru zvikaungana kuzonzwa, nekuporeswa naye pazvifo zvavo. | |
Luke | Shona | 5:17 | Zvino zvakaitika nerimwe remazuva, iye paakange achidzidzisa; zvino VaFarisi nevadzidzisi vemurairo vakange vagerepo, vaibva kumisha yese yeGarirea neJudhiya neJerusarema; nesimba raIshe rakange riripo kuvaporesa. | |
Luke | Shona | 5:18 | Uye tarira, varume vakange vakatakura munhu pahwanyanza wakange akafa mitezo; vakatsvaka kumupinza vaise pamberi pake. | |
Luke | Shona | 5:19 | Zvino, vakati vachishaiwa pavangamupinza napo nekuda kwechaunga, vakakwira padenga peimba, vakamuburusira pasi nemumapfuriro pamwe nehwanyanza hwake, pakati pamberi paJesu. | |
Luke | Shona | 5:21 | Zvino vanyori neVaFarisi vakatanga kufunga, vachiti: Ndiani uyu anotaura kunyomba? Ndiani anogona kukanganwira zvivi, kunze kwaMwari ega? | |
Luke | Shona | 5:22 | Zvino Jesu paakaziva mifungo yavo, akapindura, akati kwavari: Munofungei mumoyo yenyu? | |
Luke | Shona | 5:24 | Asi kuti muzive kuti Mwanakomana wemunhu ane simba panyika rekuregerera zvivi (akati kune wakange akafa mitezo): Ndinoti kwauri: Simuka, utore hwanyanza hwako, uende kumba kwako. | |
Luke | Shona | 5:25 | Pakarepo akasimuka pamberi pavo, akatora chaakange arere pachiri, akaenda kumba kwake, achirumbidza Mwari. | |
Luke | Shona | 5:26 | Kuvhiringidzika kukabata vese, vakarumbidza Mwari, vakazadzwa nekutya, vachiti: Taona chisionekwe nhasi. | |
Luke | Shona | 5:27 | Zvino shure kwezvinhu izvi wakabuda, akaona muteresi, wainzi Revhi, agere paimba yemutero, akati kwaari: Nditevere. | |
Luke | Shona | 5:29 | Revhi ndokumuitira mabiko makuru mumba make; kukavapo chaunga chikuru chevateresi nevamwe vakange vagere navo pakudya. | |
Luke | Shona | 5:30 | Asi vanyori vavo neVaFarisi vakanyunyutira vadzidzi vake, vachiti: Nemhaka yei muchidya nekunwa nevateresi nevatadzi? | |
Luke | Shona | 5:33 | Zvino vakati kwaari: Nemhaka yei vadzidzi vaJohwani vachitsanya kazhinji, vachiita minyengetero, uye saizvozvo veVaFarisi, asi venyu vanodya nekunwa? | |
Luke | Shona | 5:34 | Asi wakati kwavari: Munogona kutsanyisa vana veimba yemuchato muwani achiri kwavari here? | |
Luke | Shona | 5:35 | Asi mazuva achasvika, apo muwani achabviswa kwavari, ipapo vachatsanya nemazuva iwayo. | |
Luke | Shona | 5:36 | Akataurawo mufananidzo kwavari, akati: Hakuna munhu anoisa chigamba chemucheka mutsva panguvo sharu; kana zvikasadaro naichowo chitsva chinobvarura, nechigamba chemucheka mutsva hachipindirani nesharu. | |
Luke | Shona | 5:37 | Uye hakuna munhu anodira waini itsva muhombodo sharu; kana zvikasadaro, waini itsva ichaparusa hombodo iyo ikateuka, uye hombodo dzikaparara. | |