LUKE
Chapter 10
Luke | Shona | 10:1 | Shure kwezvinhu izvi, Ishe akagadza vamwe makumi manomwewo, akavatuma vaviri vaviri pamberi pechiso chake muguta rimwe nerimwe nenzvimbo imwe neimwe iye kwaakange achizoenda. | |
Luke | Shona | 10:2 | Naizvozvo wakati kwavari: Goho zvirokwazvo iguru, asi vashandi vashoma. Naizvozvo kumbirai Ishe wegoho kuti abudisire vashandi pagoho rake. | |
Luke | Shona | 10:6 | Uye kana mwanakomana werugare ari ipapo, rugare rwenyu ruchazorora pamusoro payo; kana zvisakadaro, ruchadzokera kwamuri. | |
Luke | Shona | 10:7 | Garai muimba iyo, muchidya nekunwa zvinobva kwavari; nokuti mushandi wakafanirwa nemubairo wake; musapota-pota nedzimba. | |
Luke | Shona | 10:10 | Asi muguta ripi neripi ramunopinda, vakasakugamuchirayi, budirai munzira dzaro, muti: | |
Luke | Shona | 10:11 | Kunyange guruva reguta renyu rakatinamatira, tinorikuhumurira kwamuri; asi muzive chinhu ichi, kuti ushe hwaMwari hwaswedera kwamuri. | |
Luke | Shona | 10:13 | Une nhamo, Korazini! Une nhamo, Bhetisaidha! Nokuti dai akaitwa muTire neSidhoni mabasa esimba akaitwa mamuri, vangadai vatendeuka kare, vakagara vakapfeka masaga nedota. | |
Luke | Shona | 10:16 | Anokunzwai imwi anondinzwa ini; neanokurambai imwi anondiramba ini; neanondiramba ini anomuramba wakandituma. | |
Luke | Shona | 10:17 | Vanemakumi manomwe vakadzoka nemufaro, vachiti: Ishe, nemadhimoni anozviisa pasi pedu muzita renyu. | |
Luke | Shona | 10:19 | Tarirai, ndinopa kwamuri simba rekutsika pamusoro penyoka nezvinyavada, nepamusoro pesimba rese remuvengi; hakuna chinhu chingatongokukuvadzai. | |
Luke | Shona | 10:20 | Asi musafara nechinhu ichi kuti mweya inozviisa pasi penyu; asi zvikuru mufare kuti mazita enyu akanyorwa kumatenga. | |
Luke | Shona | 10:21 | Neawa iro Jesu wakafara mumweya, akati: Ndinokuvongai, Baba, Ishe wekudenga nenyika, kuti makavanza zvinhu izvi kune vakachenjera nevanonzwisisa, mukazvizarurira vacheche; hongu, Baba, nokuti saizvozvo zvakava zvakanaka pamberi penyu. | |
Luke | Shona | 10:22 | Zvese zvakakumikidzwa kwandiri naBaba vangu; uye hakuna anoziva kuti Mwanakomana ndiani, kunze kwaBaba, uye kuti Baba ndiani, kunze kweMwanakomana, uye ani nani Mwanakomana waanoda kuzarurira. | |
Luke | Shona | 10:23 | Zvino akatendeukira kuvadzidzi vari vega akati: Akaropafadzwa meso anoona zvamunoona. | |
Luke | Shona | 10:24 | Nokuti ndinoti kwamuri: Vaporofita vazhinji nemadzimambo vaishuva kuona zvinhu zvamunoona imwi, asi havana kuzviona, nekunzwa zvinhu zvamunonzwa, asi havana kuzvinzwa. | |
Luke | Shona | 10:25 | Zvino tarira, imwe nyanzvi yemutemo yakasimuka, ichimuidza, ichiti: Mudzidzisi, ndingaitei kuti ndigare nhaka yeupenyu husingaperi? | |
Luke | Shona | 10:27 | Uye achipindura, akati: Ude Ishe Mwari wako, nemoyo wako wese, uye nemweya wako wese, uye nesimba rako rese, uye nefungwa dzako dzese; neumwe wako sezvaunozvida iwe. | |
Luke | Shona | 10:30 | Jesu akapindura akati: Umwe munhu wakaburuka kubva kuJerusarema achienda kuJeriko; akawira pakati pemakororo, akamukururawo akamupa mavanga akaenda, ndokusiya oda kufa. | |
Luke | Shona | 10:31 | Zvakangoitikawo kuti umwe mupristi wakange achiburuka nenzira iyo; akati achimuona, akapfuura neparutivi rwakapesa. | |
Luke | Shona | 10:32 | Saizvozvowo muRevhi asvika panzvimbo iyo, akamuona, akapfuura neparutivi rwakapesa. | |
Luke | Shona | 10:33 | Zvino umwe muSamaria, wakange achifamba wakasvika paaiva, akati achimuona akanzwa tsitsi, | |
Luke | Shona | 10:34 | akaswedera ndokupomba mavanga ake, achidira mafuta newaini; akamugadza pachipfuwo chake pachake, ndokumuisa kuimba yevafambi, ndokumuchengeta. | |
Luke | Shona | 10:35 | Zvino pamangwana oenda, wakabudisa madhenario* maviri akapa kumwene weimba, akati kwaari: Muchengete; uye zvese zvaunoshandisa kupfuura izvi, ini ndichakupazve, kana ndichidzoka. | |
Luke | Shona | 10:36 | Naizvozvo ndeupi wevatatu ava waunofunga kuti waiva umwe waiye wakawira pakati pemakororo? | |
Luke | Shona | 10:37 | Akati: Ndiye wakamuitira tsitsi. Ipapo Jesu akati kwaari: Enda, newe unoita saizvozvo. | |
Luke | Shona | 10:38 | Zvino zvakaitika pakufamba kwavo, kuti iye wakapinda mune umwe musha; umwe mukadzi wainzi Marita akamugamuchira mumba make. | |
Luke | Shona | 10:39 | Uye iye wakange ane munin'inawo wainzi Maria, wakagarawo pamakumbo aJesu, akanzwa shoko rake. | |
Luke | Shona | 10:40 | Asi Marita wakange akabatikana kwazvo nekushanda kukuru, akaswedera akati: Ishe, hamuna hanya here nokuti munin'ina wangu wandisiya ndega ndichishanda? Naizvozvo muudzei kuti andibatsire. | |
Luke | Shona | 10:41 | Jesu akapindura akati kwaari: Marita, Marita, unozvidya moyo nekutambudzika nezvinhu zvizhinji; | |